Upenyu hwaJesu Noushumiri
Chiono Chapachine Nguva Mberi Chembiri yoUmambo yaKristu
JESU amira achienda kuKesaria Firipi, uye iye ari kudzidzisa boka pamwe chete navaapostora vake. Iye anoita iyi ziviso inokatyamadza kwavari: “Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.”
‘Chiiko chaigona kureva Jesu?’ Vadzidzi vanofanira kushamisika. Rinenge vhiki gare gare, Jesu anotora Petro, Jakobho, uye Johane kuti vaende naye uye vanokwira mugomo refu. Sezvinobvira husiku, sezvo vadzidzi vane hope. Apo Jesu ari kunyengetera, iye anoshandurwa chitarisiko pamberi pavo. Chiso chake chinovamba kupenya sezuva, uye nguvo dzake dzinova dzakajeka sechiedza.
Ipapo, vanhu vaviri, vakaziviswa sa“Mosesi naEria,” vanooneka uye vanotanga kutaura kuna Jesu pamsoro po‘kuenda [kwake] kuchaitika paJerusarema.’ Kuenda kwacho sezviri pachena kunonongedzera kurufu rwaJesu norumuko rwapashure. Nokudaro, iyi kurukurirano inobvumikisa kuti rufu rwake runodukupisa harusi chinhu chokudzivisa, seizvo Petro akanga ashuva.
Vamuka zvizere zvino, vadzidzi vanotarira ndokuteerera neshamisiko. Kunyange zvazvo ichi chiri chiono, chinoratidzika kuva chaichoicho kwazvo zvokuti Petro anovamba kutora rutivi muchiono, achiti: “Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.”
Apo Petro ari kutaura, gore rakajeka rinovafukidza, uye inzwi rinobva mugore rinoti: “Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira, mumunzwei.” Pakunzwa inzwi, vadzidzi vanowira pasi nezviso zvavo. Asi Jesu anoti: “Simukai, musatya.” Pavanodaro, havaoni munhu kunze kwaJesu.
Vachiburuka mugomo zuva rakatevera racho, Jesu anoraira kuti: “Musaudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.” Kuoneka kwaEria muchiono kunomutsa mubvunzo mundangariro mavadzidzi. “Neiko,” ivo vanobvunza, “vanyori vachitaura kuti Eria anofanira kuuya pakutanga?”
“Eria wakatosvika,” Jesu anopindura, “asi havana kumuziva.” Jesu, zvisinei, ari kutaura pamsoro paJohane Mubhapatidzi, uyo akaita basa rakafanana neraEria. Johane akagadzirira nzira yokuuya kwaKristu, sezvakaita Eria nokuda kwaErisha.
Haiwa ichi chiono chinobvumikisa kuva chinosimbisa sei, kuvose vari vaviri Jesu nokuvadzidzi! Chiono chacho, sokunge zvakadaro, chiono chapachine nguva mberi chembiri yoUmambo yaKristu. Vadzidzi vakaona, chaizvoizvo, “Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake,” sezvo chaizvo Jesu akanga apikira vhiki rimwe pamberi pezvi. Pashure porufu rwaJesu, Petro akanyora pamsoro pokuva ‘vakava zvapupu zvakaona kuisvonaka kwaKristu patakanga tinaye mugomo dzvene.’
VaFarise vakanga varaira kuna Jesu chiratidzo chokubvumikisa kuti iye akanga ari iye akapikirwa muMagwaro kuva mambo akasarudzwa waMwari. Ivo havana kupiwa chiratidzo chakadaro. Pane rumwe rutivi, vadzidzi vapedyo vaJesu vanobvumidzwa kuona kushanduka chitarisiko kwaJesu sokusimbiswa kwouporofita hwoUmambo. Nokudaro, Petro gare gare akanyora, kuti: “Naizvozvo tine shoko rouporofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru.” Mateo 16:28-17:13; Marko 9:1-13; Ruka 9:27-37; 2 Petro 1:16-19, NW.
◆ Vamwe vakaona sei Kristu achiuya muUmambo hwake vasati varavira rufu?
◆ Muchiono, chii icho Mosesi naEria vakataura pamsoro pacho naJesu?
◆ Neiko ichi chiono chakanga chiri yamuro inosimbisa yakadaro kuvadzidzi?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 9]