-
Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa NedhimoniJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Jesu, Petro, Jakobho naJohani pavanodzika mugomo, vanosangana nemhomho yevanhu. Panofanira kunge paine zvisina kumira zvakanaka. Vanyori vakaunganira vadzidzi vachiitisana nharo navo. Vanhu vanofara pavanoona Jesu, uye vanomhanya vachimuchingura. Anovabvunza kuti: “Muri kuita nharo dzei navo?”—Mako 9:16.
-
-
Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa NedhimoniJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Zvinoita sekuti vanyori vari kushora vadzidzi nekuti vakundikana kuporesa mukomana uyu, zvimwe vachitovanyomba. Saka panzvimbo pekupindura baba ava vari kutambudzika, Jesu anotaura nemhomho iyi achiti: “Haiwa chizvarwa chisina kutenda uye chakamonyana, ndinofanira kuramba ndinemi kusvikira rini? Ndinofanira kukushivirirai kusvikira rini?” Mashoko aya akasimba anonyatsoshanda kuvanyori vanga vachinetsa vadzidzi paanga asipo. Achitendeukira kuna baba vaya vari kushungurudzika, Jesu anoti: “Uya naye pano pandiri.”—Mateu 17:17.
-