-
Jesu Aireva Moto weHero Here?Nharireyomurindi—2008 | June 15
-
-
VAMWE vanotenda dzidziso yemoto wehero vanotaura mashoko aJesu ari pana Mako 9:48 (kana kuti ndima 44, 46). Akataura nezvehonye dzisingafi uye moto usingadzimwi. Kana mumwe akakubvunza nezvemashoko iwaya, waizopindura sei?
Zvichienderana nokuti iBhaibheri ripi riri kushandiswa, munhu wacho angaverenga ndima 44, 46, kana kuti 48 nokuti ndima idzi dzakafanana mune dzimwe shanduro.a Shanduro yeNyika Itsva inoti: “Kana ziso rako richiita kuti ugumburwe, rirase; zvakanaka kwazvo kuti upinde muumambo hwaMwari uine ziso rimwe chete pane kuti ukandwe muGehena uine maziso maviri, umo honye dzezvitunha zvacho dzisingafi uye moto usingadzimwi.”—Mako 9:47, 48.
-
-
Jesu Aireva Moto weHero Here?Nharireyomurindi—2008 | June 15
-
-
a MaBhaibheri akanyanya kuvimbika haana ndima 44 ne46. Nyanzvi dzinobvuma kuti ndima mbiri idzodzo zvichida dzakazowedzerwa pave paya. Purofesa Archibald T. Robertson akanyora kuti: “Zvinyorwa zvekare zvikuru uye zvakanaka kupfuura zvose hazvina ndima mbiri idzi. Dzakabva kuvanhu vokuMadokero uye vokuSiriya (Byzantine). Dzinongova kudzokororwa kwendima 48. Nokudaro, [tinosiya] ndima 44 ne46 dzisiri dzechokwadi.”
-