RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Wobhabhatidzwa?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 2. Jehovha anovimbisa Zvapupu zvake zvakabhabhatidzwa makomborero api?

      Kana wabhabhatidzwa, unenge wava mumhuri yaJehovha inofara. Unenge wava kunyatsozvionera wega kuti anokuda, uye uchatoswedera pedyo naye kupfuura zvauri iye zvino. (Verengai Maraki 3:16-18.) Jehovha anenge ava Baba vako chaivo, uye kuwedzera ipapo, uchange wava nemhuri yehama nehanzvadzi dziri munyika yese dzinoda Baba vako uye dzinokudawo iwe. (Verengai Mako 10:29, 30.) Asi pane matanho aunofanira kutora kuti uzobhabhatidzwa. Unofanira kudzidza nezvaJehovha, kumuda, uye kutenda muMwanakomana wake. Kana wadaro, unofanira kuzotsaurira upenyu hwako kuna Jehovha. Kana watora matanho aya, wobhabhatidzwa, unenge wapinda munzira inoenda kuupenyu husingaperi hwakazara nemufaro. Shoko raMwari rinoti: “Rubhabhatidzo . . . ruri kukuponesai.”—1 Petro 3:21.

  • Unogona Kutsungirira Kana Vanhu Vachikutambudza
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Jesu akagara ataura kuti vemumhuri medu vanogona kusatitsigira pakunamata kwedu Jehovha. Verengai Mateu 10:34-36, mobva makurukura mubvunzo uyu:

      • Chii chinogona kuitika kana mumwe munhu mumhuri akasarudza kushumira Jehovha?

      Kuti uone kuti izvozvo zvinoitika, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

      VHIDHIYO: Jehovha Akatitora (5:13)

      • Ungaita sei kana mumwe munhu akakuudza kuti usiye kunamata Jehovha, angava weukama kana shamwari?

      Verengai Pisarema 27:10 uye Mako 10:29, 30. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Vimbiso iyi ingakubatsira sei kana uchipikiswa nevemumhuri kana shamwari?

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe