Rufu rwaJesu Rwunorevei Kwauri?
“HONDO dzose dzakambofora, ngarava dzehondo dzose dzakambovakwa, paramendi dzose dzakambogara, uye madzimambo ose akambotonga, zvikaiswa pamwe chete, hazvina kutapura upenyu hwomunhu papasi rino nesimba kwazvo sezvakaita uyu munhu mumwe chete.” Akanyora kudaro munyori James A. Francis pamusoro paJesu Kristu.
Vanhu vanorangarira Jesu nenzira dzakasiana-siana, asi Bhaibheri rinomuzivisa soMwanakomana waMwari nomunhu worudo rwokuzvibaira. Jesu akadudza nzira huru umo akaratidza namo rudo irworwo paakati nezvake amene: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake sorudzikinuro kutsinhana navazhinji.”—Mateo 20:28, NW.
Chiiko chiri revo yourwu rudzikinuro? Neiko rwakanga ruchidikanwa? Ndianiko anodzikinura? Zvamazvirokwazvo, rufu rwaJesu rwunorevei kwauri?
Chiiko?
Rudzikinuro ndichimwe chinhu chinosunungura. Kudzikinura mumwe munhu kunoreva kumusunungura muutapwa kana kuti muchirango kupfurikidza nokubhadhara mutengo. Mupfungwa yomudzimu, “kudzikinura” kunoreva kuparira kununurwa muchivi nechirango chacho. Ndokusaka Jesu akafa. Muapostora wechiKristu Pauro akanyora, achiti: “Mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”—VaRoma 6:23.
Mutengo wokununura unobatanidzwa muMagwaro nokubhadhara rudzikinuro. Pisarema 49:6-9 inoti: “Ivo, vanovimba nefuma yavo vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwepfuma yavo; hapana ungatongodzikinura hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake; (nokuti rudzikinuro rwemweya yavo rwunokosha, runofanira kuregwa nokusingaperi;) kuti arambe ari mupenyu misi yose, arege kuona kuora.” Rudzikinuro kununura kwakaitwa naMwari, kwete nomunhu upi noupi asina kukwana.
Neiko Ruchidikanwa?
Rudzikinuro runodikanwa nemhaka yokuti baba vedu vokutanga vohunhu, Adhama, vakatadza. Ivo nokudaro vakarasikirwa noupenyu hwakakwana husingagumi, vakatongerwa kurufu nenzira yakarurama, uye pakupedzisira vakafa. (Genesi 2:15:-17; 3:1-7, 17-19; 5:5) Savazukuru vavo, takagara nhaka chivi norufu. “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi,” akanyora kudaro Pauro, “uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti ivo vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Hungu, “muna Adhama vose vari kufa.” (1 VaKorinte 15:22, NW) Naizvozvo wezvamapisarema Dhavhidhi akati nomazvo: “Ndakaberekerwa muzvakaipa; mai vangu vakandigamuchira muzvivi.”—Pisarema 51:5.
Kununurwa mushurikidzo kuchivi norufu kunokosha kana muzukuru upi noupi anotadza waAdhama achizogamuchira upenyu husingagumi. Nepo vanhu vasina kukwana vasingagoni kugovera urwu rudzikinuro, Jehovha nenzira yorudo akaita saizvozvo kupfurikidza naJesu Kristu. Bva, chiiko chinotengwa norudzikinuro? Eya, apo Adhama akatadza, iye akarasikirwa noupenyu hwakakwana hwohunhu husingaperi, namaruramiro ahwo ose nekariro. Nokudaro, chinhu chimwe chetecho chakadzikinurwa kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu.
Charunobvirisa
Ruramisiro yakagutswa mukuwana kworudzi rwomunhu rufu, chirango chechivi. Naizvozvo rudzikinuro chiito chengoni dzaMwari nomutsa worudo. Upenyu hwakakwana hwohunhu hwaJesu, namaruramiro ahwo ose nekariro, hwakavanzarikwa murufu ndokusazotongotorwazve, nokuti iye haana kumutswa somunhu wenyama neropa asi chisikwa chomudzimu chisingafi. (1 VaKorinte 15:50; 1 Petro 3:18) Upenyu hwohunhu hwakabairwa hwaJesu Kristu naizvozvo hwakapfuurira kuva nesimba rinonunura, kana kuti rinodzikinura.
Somunhu asina chivi, Jesu akamira munzvimbo yakafanana neiyo yaiva pakuvamba naAdhama akakwana. Nokuda kwokuva anoteerera Mwari kusvikira kurufu, Jesu akaitwa Muprista Mukuru, uye iye akapa ukoshi hwechibairo chake choupenyu hwohunhu hwakakwana mudenga. (VaHebheru 9:24-26) Nemhaka yokuti Mwari akagamuchira uyu mutengo unonunura, Jesu aigona kununura vazukuru vanotenda vaAdhama muchivi norufu kupfurikidza nokushandisa runako rwechibairo chake nokuda kwavo. (1 VaKorinte 6:20; 7:23; 1 Johane 2:1, 2) Jesu nokudaro “akava nomutoro woruponeso rwusingaperi kuavo vose vanomuteerera.” (VaHebheru 5:8, 9, NW) Ikoku kunoita kuti kuvabvirire kuwana chimiro chakarurama pamberi paMwari kupfurikidza noMwanakomana wake.
Ndiani Anodzikinurwa?
Ndiani, ipapoka, anobetserwa norudzikinuro? Vanhu vanoshandisa kutenda mugadziriro iyoyi nokudaro ndokupinda mutsinhirano naMwari. Kupfurikidza nokumubatira nokutendeka, ivo vanogona kusunungurwa muchivi nechirango chacho rufu ndokugamuchira upenyu husingagumi.—Johane 17:3.
Munhu wokutanga aigona kusarudza kuteerera Mwari kana kuti zvimwe kwete. Iye akasarudza kusateerera. “Adhama haana kunyengedzwa,” asi iye akafa ari mutadzi wamaune. (1 Timotio 2:14) Bva, zvakadiniko nezvavazukuru vaAdhama? Ivo vaigona kusarudza kubatira Mwari kusvikira pahunani hwamano avo asina kukwana kana kuti zvimwe kusateerera Musiki wavo.—Joshua 24:15.
Jesu akauya “kuzopa mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji.” (Marko 10:45, NW) Asi ndivanaani vari “vazhinji”? Adhama sezviri pachena haabatanidzwi nemhaka yokuti iye akanga ari munhu akakwana uyo akasarudza namaune kusateerera Mwari ndokufa somutadzi asingapfidzi, wamaune. Asi zvakadiniko nezvemhuri yake huru, inosvika muzviuru zvamamirioni? Nomutengo unowirirana, Jesu Kristu anobvisa shurikidzo yakagarwa nhaka iri pamhuri yaAdhama. (Enzanisa na 1 Timotio 2:5, 6.) Nokuda kwavatendi “vazhinji,” Jesu anoshandisa runako rwomutengo wake unodzikinura.
Vatendi vanodzikinurwa vanobatanidza vose vari vaviri vaJudha naVamarudzi, kana kuti vanhu vamarudzi. Anoti Pauro: “Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kwokumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo.” (VaRoma 5:18) Kupfurikidza nokufira padanda, “Kristu akatidzikinura [vaJudha] pakutuka kwoMurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda [kwedu], nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.’” (VaGaratia 3:13; Dheuteronomio 21:23) VaRoma 4:11 inonongedzera kuVamarudzi painotaura kuti apo Abrahama, sekuru wavaJudha, akanga achigere kudzingiswa, akava “baba waavo vose vanotenda vasina kudzingiswa.” Naizvozvo, ipapoka, chibairo chorudzikinuro chaJesu chinobetsera vaJudha vanotenda naVamarudzi.
Nzira inotorwa nomunhu mumwe nomumwe inosarudza kana iye achabetserwa nechibairo chaJesu. Kufanana naAdhama, vakaipa namaune havamanikidzirwi pavari betsero yorudzikinuro noupenyu husingagumi. Kristu akati: “Uyo anoshandisa kutenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi; uyo asingateereri Mwanakomana haasati achizoona upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunorambira paari.” (Johane 3:36, NW) Rudzikinuro rwunobvirisawo rumuko nokuda kwaavo vakafa vari muyeuko yaMwari. (Johane 5:28, 29) Kana ivo vakabvumikisa kuva vanoteerera navanoonga, kushandiswa kwebetsero dzorudzikinuro kwavari kunoreva kuti ivo vachararama nokusingaperi. Asi nokuda kwaavo vanorarama muaya “mazuva okupedzisira,” kune kubvira kwoupenyu husingagumi pasina kudikanwa kwokutongofa.—2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:3-14, 21, 34; Johane 11:25, 26.
Zvikonzero Zvokuonga
Munhu upi noupi anoshuva kubetserwa norudzikinuro anofanira kuva nokutenda kukuru nokuda kwako. Uye kuonga kwakadaro kwakakodzera sei! Pashure pokurangarira zvose, rudzikinuro rwakaraira rudo rukuru rwaMwari naKristu.
Jehovha Mwari akaratidza rudo rukuru mukugovera rudzikinuro kupfurikidza norufu rwoMwanakomana wake. Jesu akati: “Mwari akada nyika [yorudzi rwomunhu] zvikuru kwazvo zvokuti iye akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, kwete kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kupfurikidza naye.” (Johane 3:16, 17, NW) Iwe haufaniri kutenda kuratidzirwa uku kworudo rwaMwari here?
Fungazve pamusoro porudo rukuru rwaJehovha mukuita gadziriro yorudzikinuro. Mwanakomana waMwari asati atumirwa kupasi kuzorarama ndokufa somunhu akakwana, iye aiva nokuvapo asati ava munhu. Iye akanga ari “dangwe rechisiko chose,” kupfurikidza naye “zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa mumatenga napasi pano, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki.” (VaKorose 1:13-16, NW) Jehovha aida Mwanakomana wake sei! Kunyanguvezvo, Mwari haana kutuma ipi neipi zvayo yamamirioni engirozi dzakarurama kupasi. Rudo rwake nokuda kworudzi rwomunhu rwakanga rwuri rukuru kwazvo zvokuti iye akatuma Mwanakomana wake wedangwe.
Rangarirawo, rudo rukuru Jesu akaratidza pamusoro porudzikinuro. Sechisikwa chomudzimu mudenga, iye akanga ari “mhizha” yaMwari. Chokwadi, “zvinhu [Mwanakomana waMwari] aida vakanga vari vanakomana vavanhu.” (Zvirevo 8:22-31) Bva, kwakanga kusiri nyore kuti iye asiye denga, nemigariro yaro yakanaka zvikuru kuva musonganirano naBaba vake nezviuru zvengirozi tsvene. Ari panzvimbo yake yakanaka yokudenga, Mwanakomana waMwari aigona kuona migariro yakaipa pasi pano nokuparadza kwechivi norufu parudzi rwomunhu. Iye aizivawo kuti kugovera rudzikinuro kwaizoraira rufu rwake. Bva, iye “akava nechimiro chomuranda ndokusvika pakuva akafanana navanhu. Kupfuura izvozvo, . . . iye akazvininipisa amene ndokuva anoteerera kusvikira parufu.” Nokuda kwokutendeka kwakadaro, Jesu akamutsirwa kuupenyu hwokudenga hune mbiri. (VaFiripi 2:5-11, NW) Haiwa rudo rwakadini rwaakaratidza pamusoro porudzikinuro! Iwe unotenda here izvo Jesu akaita?
Chii Chauchaita?
Muprista weEngland Richard weChichester (c. 1198-1253) akambonyengetera kuti varume navakadzi vagosvika pa“kuziva Jesu Kristu zvakajeka zvikuru, kumuda zvikuru kwazvo, uye kumutevera pedyo zvikuru.” Chibairo chorudzikinuro chaJesu zvirokwazvo chinogovera munhu chikonzero chakanaka chokusvika pakumuziva, kumuda, uye kumutevera.
Kudai kwakanga kusati kuri nokuda kworudzikinuro, savatadzi taizofa tisina tariro, nokuti “kuruma kunoparira rufu chivi.” (1 VaKorinte 15:56, NW) Nokudaro, uponeswe murufu rwaizovapo nemhaka yokuva kwako akarumwa nechivi, chii chaunofanira kuita? Unofanira kudzidza pamusoro pegadziriro yaMwari yoruponeso kupfurikidza naJesu Kristu. Ipapo unofanira kuratidzira kuti unoshandisa kutenda murudzikinuro. Seiko? Kupfurikidza nokuratidza kuonga kwechokwadi nokuda kwayo, kuzvipa umene kuna Mwari, uye kuudza vamwe pamusoro peiyi gadziriro inoshamisa yoruponeso.
Iyi nzira inogona kukuisa pakati pe“boka guru” avo “vanobuda mudambudziko guru, uye . . . vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa rweGwaiana,” Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW) Yavo itariro youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi. (Ruka 23:43) Hungu, uye unogona kuva rutivi rweboka iroro rinofara, kana rufu rwaJesu rwuri chaizvoizvo chimwe chinhu chinokosha kwauri.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Jesu asina chivi akamira munzvimbo yakafanana neiyo yaiva pakuvamba naAdhama akakwana
[Mufananidzo uri papeji 6]
Iwe unonzwisisa here revo chaiyoiyo yorufu rwaJesu?