Kuvimba naJehovha Kunotungamirira Kutsauriro Norubhapatidzo
“Vimba naJehovha, uite zvakanaka; gara panyika, ushingairire kutendeka.”—PISAREMA 37:3.
1. Chipupuriroi chinopiwa navanhu vakachenjera mune zvenyika chinoratidza kuti hupenzi kuvimba navatungamiriri venyika?
NDIANI watinogona kuvimba naye? Navatungamiriri vavanhu here? Chinyorwa chavo chinoratidza kuti hupenzi kuvimba navanhu vasina kukwana. Chokwadi, kunyange vanhu vakachenjera mune zvenyika vanoziva idi iroro! Nokudaro, magazini yebhizimisi yeEurope Vision yakambotaura kuti chiri “chakaipa zvikurusa pamusoro pomugariro wazvino ndechokuti hakuna munhu anogona kuona nzira yokubuda nayo mauri.” Uye wezvenhau yomugariro wepfuma Robert Heilbroner akati: “Kune chimwe chinhuwo zvacho chiri kutinetsa. Icho runyumwiro rwokuti hakuna munhu anodzora, rwokuti hakuna munhu akashongedzerwa kupedza zvinetso zviri kutimomotera.”
2. Chii chinogona kutaurwa pamusoro pebetsero dzesayenzi yazvino uno?
2 Chokwadi, vanhu vakaita fambiro mberi huru mumativi akasiana-siana esayenzi. Asi iyoyi yose yave ichibetsera here? Aiwa, yave isati. Sezvakaoneswa nomunyori Lewis Mumford: “Murangariro wokuti fambiro mberi yokugadzira michina neyesayenzi yakavimbisa betsero dzavanhu dzinowirirana . . . zvino wazova usingadaviriki chose chose.” Muenzaniso imvura ine asidhi, iyo iri kushatisa makungwa nenzizi uye iri kubetsera kuparadza miti mumamirioni. Kupfuurezvo, mugariro unosiririsa wenyika—wedzero muutsotsi, masimba masimba, uye ugandanga, mukupindwa muropa nemirimo nezvinodhaka, uye muhosha dzinopfuudzwa muvatano, uye mugariro wepfuma usina chokwadi—zvose zvinopupurira kuti hakuna maturo kuisa chivimbo chedu muvatungamiriri vavanhu.
3. Shoko raMwari rinopa zanoi pamusoro pokwatinofanira kuisa chivimbo chedu?
3 Shoko raMwari nenzira yakakodzera zvikurusa rinotipa zano, richiti: “Musavimba navanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wapasi, uyo asina ruponeso. Mudzimu wake unobuda, ndokudzokera pasi pake; nezuva iroro mifungo yake inoparara.” (Pisarema 146:3, 4, NW) Kana vasiri vanhu, ipapoka ndimunaani matinogona kuisa chivimbo chedu? Tinogona kuisa chivimbo chedu muMusiki wedenga napasi, sezvatinorava, kuti: “Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.”—Jeremia 17:7.
Kuvimbirei naJehovha?
4. Ndaapi ari mavara makuru aJehovha, uye anotipa sei zvikonzero zvakanaka zvokuisa chivimbo chedu maari?
4 Tinogona kuvimba naJehovha nokuda kwezvikonzero zvakanaka. Kutanga kwazvose, tinogona kuisa chivimbo chedu maari nemhaka yamavara ake makuru—rudo, uchenjeri, ruramisiro, uye simba—uye mamwe mavara anoshamisa. Shoko rake rinotipikira kuti iye ane masimba ose, rimwe ramazita ake okuremekedza richiva “Mwari Wamasimba ose.” (Genesi 28:3) Ikoko hwaro hwakadini hwechivimbo! Hakuna munhu anogona kudzivisa Jehovha nenzira inobudirira, uye hakuna munhu anogona kudzivisa madonzo ake. Iye ndiyewo Anoziva Zvose. Iye haasati achingoziva bedzi mugumo kuvambira pamavambo, nguva yemberi ichiva bhuku rakazaruka kwaari, asi maari munogarawo zivo yose nouchenjeri, sezvinoonwa namabasa ake anoshamisa echisiko. Iye haana kutongoita chikanganiso chimwe zvacho mukupi nokupi kwokubata kwake. (Isaya 46:10; VaRoma 11:33-35) Kupfuura izvozvo, Jehovha akavimbika zvakakwana, Mwari wokururama nokutendeka. Hakumubviriri kureva nhema. (Dheuteronomio 32:4; Tito 1:2; VaHebheru 6:18) Kupfuura zvose, sezvo rudo rusina udyire rwuri vara rake rakatanhamara, kunonzi nenzira yakakodzera: “Mwari rudo.”—1 Johane 4:8, 16.
5. Shoko raMwari rine chinyorwai, chichipupurira kuvimbika kwake?
5 Kubata kwaJehovha norudzi rwomunhu kunopa chimwe chipupuriro chokuva kwake Mwari akavimbika wamasimba ose, uchenjeri, ruramisiro, uye rudo. Mosesi akapikira vaIsraeri kuti Jehovha anochengeta sungano uye mutsa worudo naavo vanomuda ndokuchengeta mirairo yake. (Dheuteronomio 7:9) Pamberi pezvi, Jehovha akaponesa Noa anotya Mwari nemhuri yake muBoporodzi guru. Mwari akanunura Rute akarurama navanasikana vake vaviri muruparadziko rwomwoto rweSodhoma neGomora. Gare gare, Mwari akabudisa vaIsraeri muEgipita ndokuvapa nyika yeKanani mukuwirirana nechipikirwa chake kuna Abrahama. (Genesi 7:23; 17:8; 19:15-26) Uye Jehovha haana kununura here vaHebheru vatatu avo vakakandirwa muchoto chomwoto, pamwe chete naDhanieri mugomba reshumba?—Dhanieri 3:27; 6:23.
6. Hufakazii hwomuzuva razvino uno hwatinahwo hwokuti kuvimba naJehovha hakuiswi pasakafanira?
6 Kuti Jehovha ndiye watinogona kuisa chivimbo chedu maari kwakatsigirwawo nezvinoitika zveZvapupu zvake zvomuzuva razvino uno. Somuenzaniso, Adolf Hitler akaganza kuti iye aizoparadzanya “sangano” reZvapupu zvaJehovha muGermany. Asi panzvimbo pezvo Hitler nebato rake reNazi zvakaparadzanywa, uye nhasi boka iroro reZvapupu rakawedzera kakawanda kusvikira kuzvinopfuura 119 000. Uyezve, mazana chaiwoiwo enhau dzoupenyu dzeZvapupu zvaJehovha dzakabudiswa muNharireyomurindi namagazini biyayo Mukai! dzinopa chipupuriro chinoorora kuidi rokuti Jehovha zvamazvirokwazvo ndiMwari watinogona kuisa chivimbo maari.
Chikonzero Nei Vamwe Vasingavimbi naJehovha
7. Neiko mumwe munhu akataura kuti akanga ari “Muyevi waJehovha”?
7 Bva, vashomanene sei nhasi vanoisa chivimbo chavo muna Jehovha! Kunyange vazhinji vakadzidza nezvemavara ake namabasa vanokundikana kuisa chivimbo chavo maari. Imwe nyaya yakaoneka mumagazini yeU.S. Catholic (January 1979) inoti nezvomumwe munhu akadaro: “Apo munzveri akabvunza murume wacho chisarudzo chake chorudzidziso, iye akapindura kuti, ‘Ndinofunga kuti ndiri Muyevi waJehovha.’ Akumbirwa kujekesa iye akatsanangura kuti, ‘Ndinodavira zvikuru izvo Zvapupu zvaJehovha zvinodavira—asi handidi kubatanidzwa.’” Magazini yacho yakatsinhira, kuti: “Chapupu chaJehovha chakazvitsaurira hachina chisarudzo asi kubatanidzwa zvikuru.”
8. Mavarai makuru anoita kuti munhu ade kubatanidzwa mukubatira Jehovha?
8 Neiko kwakadaro kuti vamwe havadi kubatanidzwa? Imhaka yokuti ivo havana mugariro wakarurama womwoyo. Munhu anofanira kuva “ane chimiro chakarurama choupenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48, NW) Sezvakataura Jesu mumufananidzo wake womukushi, avo vanobereka chibereko vanogamuchira shoko rezvokwadi mu‘mwoyo yakaisvonaka neyakanaka.’ (Ruka 8:15) Hungu, zvokwadi haifadzi kuvasina kutendeseka. Chinodikanwa chikuru mwoyo wakatendeseka. Zvokwadi yeShoko raMwari haifadziwo kuavo vanodada. Chimiro chokuzvininipisa chinodikanwa. (Jakobho 4:6) Uyezve, zvokwadi haifadzi kuvanozvigutsa, vanozviruramisa. Asi inofadza kuavo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, vane nzara nenyota zvokururama, uye vanogomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvose zvinonyangadza zvavanoona zvichiitika munyika nhasi.—Mateo 5:3, 6; Ezekieri 9:4.
Kuvimba naJehovha Kunotungamirira Kutsauriro
9, 10. (a) Chii chiri madikanwa munhu asati agona kuisa chivimbo muna Jehovha, uye avo vane mugariro wakarurama womwoyo vanoita sei? (b) Vanhu vakadaro vanoshandisa kutenda muna ani?
9 Munhu asati aisa chivimbo muna Jehovha, anofanira kunzwa pamusoro Pake. Asi “vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari; vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa; vachanzwa seiko kana kusino muparidzi?” (VaRoma 10:14) Sezvo vabatiri vaJehovha vachiparidzira, avo vane mugariro wakarurama wendangariro vanogamuchira, sezvakaita vazhinji muTesaronika yakare. Nezvaivava, Pauro akanyora, kuti: “Panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda.”—1 VaTesaronika 2:13.
10 Vachidzidza pamusoro paJehovha, vanhu vakadaro vane mwoyo wakanaka vanoshandisa kutenda maari. Uku kunokosha, nokuti “kana pasina kutenda hakubviri kusanomufadza, nokuti iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti aripo uye kuti anova mutusi waavo vanomutsvakisisa.” (VaHebheru 11:6, NW) Kunokoshawo kushandiswa kwokutenda muMwanakomana waMwari. “Hakuno ruponeso rwuri muno mumwewo zvake, nokuti hapazati pane rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro”—hungu, hakuna rimwe zita rinopfuura iro raJesu Kristu.—Mabasa 4:12, NW.
11. Kuvimba naJehovha kuchaparira munhu kutevera zanoi rakapiwa nomuapostora Petro?
11 Kuvimba neShoko raMwari, naJehovha, uye noMwanakomana wake Jesu Kristu kuchasunda munhu kuteerera zano romuapostora Petro kuvaJudha vomuzuva rake, rinoti: “Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kuna [Jehovha (NW)], dzisvike.” (Mabasa 3:19) Kupfurikidza nokupinza zivo yaJehovha nezvinodikanwa Zvake, munhu anodzidza kuti kuda kwaMwari kuti iye ave muteveri waJesu Kristu. Petro akakutaura, achiti: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” (1 Petro 2:21) Jesu akajekesa chaibatanidzwa paakati: “Kana munhu upi noupi achida kunditevera, ngaazvirambe amene ndokutakura danda rake rokutambudzira ndokuramba achinditevera.” (Mateo 16:24, NW) Ikoko kunoreva kuzvitsaurira umene kuna Jehovha Mwari kuti uite kuda kwake nokutevera mumakwara aJesu Kristu.
Tsauriro Haisi Chete Mumwe Musengwa
12. Shoko rokuti “musengwa” rinowanzoshandiswa sei muchiKristudhomu?
12 MuchiKristudhomu shoko rokuti “musengwa” rinoshandiswa rashandiswazve pamusoro pokuva muKristu. Nokudaro tinoudzwa kuti vaEvangelical veUnited States “vanosimbisa musengwa womunhu oga kuna Jesu.” Mumwe mufundisi weRoma Katurike akataura nezvo“musengwa worudzidziso weKaturike.” Mukudzivirira kubatanidzwa kwake kwezvamatongerwe enyika, mumwe muprista weKaturike akamboti: “Kupinda mune zvamatongerwe enyika kwakanga kuri kutambanudzwa kwomusengwa wangu (wouprista).” Uye mafemu ebhizimisi anozivisa “Musengwa Wedu Kumakasitoma Edu.” Zvomenemene, ipapo, munhu anogona kuva nemisengwa yakawanda kwazvo panguva imwe cheteyo: misengwa yebhizimisi, misengwa yenzanga, misengwa yezvamatongerwe enyika, uye misengwa yorudzidziso.
13. Chii chinobatanidzwa mutsauriro kuna Jehovha?
13 Zvisinei, tsauriro kuna Jehovha Mwari haisi chete mumwe musengwa. Musengwa unongova zvawo “chibvumirano kana kuti vimbiso yokuita chimwe chinhu munguva yemberi.” Asi kuita tsauriro kunoreva ‘kuzvipa umene zvachose chose kubasa kana kuti namatwo yaMwari kana kuti kumabasa anoyera.’ Vanhu vazhinjisa vanogutswa nokuita musengwa panzvimbo petsauriro. Ikoku pasina panikiro kunotsanangura idi rokuti rudzidziso rwavo runongova zvarwo rwakafanana zvikuru nenziyo dzinorira zvishoma kwazvo. Dzinofadza kuteerera asi hadzidzongonyedzi chinhu chipi nechipi munhu anoda chaizvoizvo kuita.
14. Neiko musengwawo zvawo usingagamuchiriki kuna Jehovha Mwari?
14 Tsauriro kuna Mwari inoita kuti kuitwa kwokuda kwake kuve chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu. Inoda kuti munhu achengete murairo wokutanga nomukurusa, wakadudzwa naJesu paakati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose uye nesimba rako rose.” Jesu akasimbisa rudzi rwakakwana rwokubatira Mwari paakati: “Hapano munhu ungabatira vatenzi vaviri; nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari nePfuma.” (Marko 12:30, NW; Mateo 6:24) Nenzira yakajeka, ipapoka, musengwawo zvawo haugamuchiriki kuna Jehovha.
Kunyudzirweiko Mumvura?
15. Muenzanisoi Jesu akagadza pamusoro pokuita ziviso yapachena yokutenda muna Mwari?
15 Kuratidzireiko tsauriro kuna Mwari kupfurikidza nokubhapatidzwa? Kana munhu achida kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, iye haana chisarudzo. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi kana iye achishuva kuzivikanwa somuKristu, muteveri waJesu Kristu. “Chapupu Chakatendeka” chaJehovha, Jesu, chakagadza muenzaniso nokuda kwaikoku, nokuti iye akabhapatidzwa muRwizi rwaJoridhani. Sezvo Johane akanga achibhapatidza vatadzi vanopfidza, aisagona kunzwisisa nei Jesu aida kubhapatidzwa, asi Jesu akamuudza, kuti: “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” (Zvakazarurwa 1:5; Mateo 3:13-17) Mwanakomana waMwari nokudaro akaita ratidzirwo yapachena yokutenda kwake kupfurikidza nokuzvipa amene kuna Jehovha, achigadza muenzaniso nokuda kwaavo vose vanoshuva kuita kuda kwoumwari.
16. Murairoi wakapa Jesu vateveri vake pamusoro porubhapatidzo, uye chii chinoratidza kuti vadzidzi vake vakateerera murairo iwoyo?
16 Kupfuura izvozvo, chinguvana asati ahwirira kuna Baba vake mumatenga, Jesu akaraira vateveri vake, kuti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW) Chinyorwa chiri mubhuku raMabasa chinoratidza kuti vadzidzi vaJesu vakateerera nokushingaira murairo iwoyo.—Mabasa 2:40, 41; 8:12; 9:17, 18; 19:5.
17. Neiko kungosasa chete kusingagoni kuva rubhapatidzo rwakasimba?
17 Ivo vaibhapatidzwa sei? Kupfurikidza nokungosaswa mvura chete here, sezvo uri muitiro muchechi zhinjisa dzechiKristudhomu? Kana! Jesu ‘akabuda mumvura’ pashure pokubhapatidzwa. Ikoku kunoratidzira zvakajeka kuti iye akanyudzwa mumvura. (Marko 1:9, 10) Kutaura idi, hakunazve chimwe chinhu chaizova rubhapatidzo, nokuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kubhapatidza” rinoreva ku“nyika, kunyudza.”—Mabasa 8:36-39.
18. Neiko ruombeko rwuri chiratidzo chakafanira chetsauriro yomunhu kuna Mwari?
18 Rubhapatidzo rwakadaro chiratidziro chakakodzera zvikurusa chetsauriro. Kupinda pasi pemvura kunosanoratidzira kufa kwomunhu kuyaichimbova nzira yake yomufambiro. Kusimudzwa kwake achibuda mumvura kunofananidzira kumutsirwa kwake kunzira itsva youpenyu. Kunyange sezvo mutambo womuchato uchibetsera kuroverera mugariro wavo wokuchata pachikomba nomwenga, naizvozvo kunyudzwa mumvura pamberi pezvapupu sezvingabvira kuchaita munembo usingaperi pamubhapatidzwi. Hapana panikiro pamusoro pakwo: Kupfurikidza nechiito chokubhapatidzwa, tsauriro yomunhu kuna Jehovha inofanira kurovererwa zvakasimba mundangariro yake neyeuko sechinoitika chinokosha zvikurusa muupenyu hwake. Chinoratidzira nguva yechinjo huru kubva pakuzvibatira kuenda kukubatira Jehovha Mwari.
19. Chii chiri chimwe chikonzero chokubhapatidzwa?
19 Tisafuratira idi rokuti rubhapatidzo rwomumvura ndichinodikanwa nokuda kwokuwana hana yakanaka naJehovha. Ikoku kunojekeswa pana 1 Petro 3:21, iyo inorava kuti: “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu.”
Kubhapatidzwa Pazerai?
20. Neiko vacheche vasingagoni kuva vakakodzera nokuda kworubhapatidzo?
20 Mashoko aJesu ari pana Mateo 28:19, 20 anoratidza kuti ndiavo vakaitwa vadzidzi vake vanofanira kubhapatidzwa. Nokudaro, kunodaro kuti hakuna mucheche kana kuti mwana muduku angagona kusvitsa zvinodikanwa zvapaMagwaro nokuda kworubhapatidzo. Mucheche haangagoni kushandisa kutenda muShoko raMwari, muna Mwari Musiki, uye muMwanakomana wake Jesu Kristu. Mucheche haangagoni kunzwisisa kuti mudzimu mutsvene isimba rinobata basa raMwari; uyewo haangagoni kupfidza zvivi zvakare ndokuita mhiko yakakomba yokuita kuda kwaMwari.
21. Kwakakodzera here kuti pwere dzibhapatidzwe?
21 Asi kunoratidzika kuti vamwe vari pakati pavanhu vaJehovha vakanyanyisa. Vabereki vazhinji vechiKristu vanorega vana vavo vachimira kutozosvikira ivo vava kupedza makore avo echiduku vasati vavamba kutaura nhau yorubhapatidzo. Nguva nenguva, tinonzwa nezvavaduku vanoita tsauriro yakasimba chose chose nokuda kwavo vamene. Somuenzaniso, mwanakomana asati ava wechiduku womumwe mukuru aida zvapachokwadi kubhapatidzwa. Naizvozvo baba vake vakaita kuti vamwe vakuru vatatu vakurukure nomuduku mibvunzo yakarongedzerwa avo vanorangarira rubhapatidzo.a Mhedziso yavo yaiva yokuti, kunyange zvazvo ari muduku zvikuru, iye aikwanirisa kubhapatidzwa somushumiri akagadzwa waJehovha Mwari. Chokwadi, aipinda Chikoro Chebasa roUpiona muBahamas misi ichangobva kupfuura iyi akanga ari musikana ana makore gumi okukura akabhapatidzwa, mwanasikana wavashumiri vaviri venguva yakazara!
22. Apo vabereki vanovaka hunhu hwechiKristu muvana vavo, chii chavanogona kukarira kuvaduku vavo?
22 Muna ikoku, kunoratidzika kuti vamwe vabereki vari kukundikana. Ivo vari kushandisa ‘zvinhu zvisingatsvi’ kuvaka hunhu hwechiKristu muvana vavo kusvikira patambanukoi? (1 VaKorinte 3:10-15) Kutanga kwazvose, kuita saizvozvo kunoda kuti namatwo yechokwadi yaJehovha ive chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwavabereki. Mukuwedzera, vabereki vanofanira kuteerera zano rakaisvonaka rinopiwa pana Dheuteronomio 6:6, 7 naVaEfeso 6:4. Muuyo waikoku ungava wokuti vabereki vachadikanirwa kudzora vana vavo pakunyanyokurumidza kubhapatidzwa, panzvimbo pokuda kuvabetsera gare gare.
23. Munhu akangosvika bedzi pfundo retsauriro norubhapatidzo, chiizve chinodikanwa?
23 Munhu akanga angoratidzira bedzi chivimbo muna Jehovha kupfurikidza netsauriro norubhapatidzo rwomumvura, iye anofanira kupfuurira kuratidzira chivimbo ichocho. Nyaya inotevera, “Kubatira Savashandi Biyake Vanovimba vaJehovha,” ichatibetsera kunzwisisa icho ikoku kunobatanidza.
[Mashoko Omuzasi]
a Nhevedzano dzemibvunzo inofanira kupindurwa navose vanoda kubhapatidzwa seZvapupu zvaJehovha dzinowanwa mubhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu. Rinowanika kuavo vari kugadzirira nokuda kworubhapatidzo.
Ungapindura Sei?
◻ Maidii anosimbisa upenzi hwokuisa chivimbo chedu muvanhu?
◻ Neiko mavara aJehovha nokubata zvichitipa zvikonzero zvakanaka zvokumuvimba?
◻ Neiko kuisa chivimbo muna Jehovha kuchida tsauriro ndizvo kwete musengwawo zvawo?
◻ Vabereki vanogona sei kuroverera muvana vavo chishuvo chokuzvitsaurira vamene kuna Jehovha pazera rapakuvamba?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Tinogona kuisa chivimbo chedu muna Jehovha soMununuri Mukuru