-
Aya Ndiwo Chaizvoizvo Mazuva Okupedzisira Here?Nharireyomurindi—1997 | April 1
-
-
Vateveri vaJesu Vanobvunza Mubvunzo Une Revo
Vateveri vaJesu vanofanira kuva vakashamiswa. Jesu akanga achangovataurira, zvakananga uye zvakajeka, kuti zvivako zvinoorora zvetembere yeJerusarema zvaizoparadzwa chose chose! Kufanotaura kwakadaro kwakanga kuchishamisa. Nokukurumidza pashure pacho, sezvavakagara paGomo Remiorivhi, vana vavadzidzi vakabvunza Jesu kuti: “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3; Marko 13:1-4) Kana vakazviziva kana kuti kwete, mhinduro yaJesu yaizoshanda kakawanda.
Kuparadzwa kwetembere yeJerusarema uye kuguma kwetsika yezvinhu yechiJudha kwakanga kusiri kumwe cheteko nekwapanguva yokuvapo kwaKristu uye yemhedziso yetsika yezvinhu yenyika yose. Kunyange zvakadaro, mumhinduro yake refu, Jesu nenzira younyanzvi akataura mativi aya ose omubvunzo wacho. Akavaudza izvo zvinhu zvaizova zvakaita Jerusarema risati raparadzwa; akavaudzawo zvokukarira kuti nyika ive yakaita mukati mokuvapo kwake, apo aizova achitonga saMambo mudenga uye ava pedyo nokugumisa tsika yose yezvinhu yenyika.
Kuguma kweJerusarema
Rangarira kutanga icho Jesu akataura pamusoro peJerusarema netembere yaro. Anopfuura makumi matatu amakore pachine nguva mberi, akafanotaura nguva yenhamo dzinotyisa nokuda kwerimwe ramaguta makurusa munyika. Cherekedza zvikurukuru mashoko ake akanyorwa pana Ruka 21:20, 21: “Kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.” Kana Jerusarema raifanira kupoteredzwa, rakakombwa namauto ari mumisasa, “vari pakati paro” vaizogona sei kungo“buda,” seizvo Jesu akanga arayira? Nenzira yakajeka, Jesu akanga ari kureva kuti nhambo yomukana yaizozaruka. Yakadaro here?
Muna 66 C.E., mauto eRoma aitungamirirwa naCestius Gallus akanga adzorera mauto anopandukira echiJudha kuJerusarema uye akanga aita kuti adzivirirwe mukati meguta. VaRoma vakatomanikidzira kupinda muguta rimene ndokutosvika kumadziro etembere. Asi ipapo Gallus akarayira mauto ake kuti aite chimwe chinhu chinokangaidza zvirokwazvo. Akaarayira kuti adzoke! Varwi vaifara vechiJudha vakatanga kuronda ndokukuvadza vavengi vavo vechiRoma vaitiza. Nokudaro, nhambo yomukana yakafanotaurwa yaJesu yakazaruka. VaKristu vechokwadi vakateerera nyevero yake ndokubuda muJerusarema. Vachiita saizvozvo nokuchenjera, kwamakore mana chete akatevera gare gare, mauto eRoma akadzoka, Mutungamiriri wehondo Titus achiatungamirira. Nguva ino kupukunyuka kwakanga kusingabviri.
Mauto eRoma akapoteredza Jerusarema zvakare; akavaka nhare yemapango akapinza akaripoteredza. Jesu akanga aporofita pamusoro peJerusarema kuti: “Uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose.”a (Ruka 19:43) Nokukurumidza, Jerusarema rakawa; tembere yaro yaiva nembiri yakaitwa matongo anotsva. Mashoko aJesu akazadzikwa muudzame huri hwose!
Jesu akanga achirangarira zvakawanda zvikuru, kunyange zvakadaro, kupfuura kuparadzwa ikoko kweJerusarema. Vadzidzi vake vakanga vamubvunzawo pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake. Vakanga vasati vachichiziva ipapo, asi ikoku kwakanongedzera kunguva apo aizogadzwa kuti atonge saMambo mudenga. Akafanotaurei?
-
-
Aya Ndiwo Chaizvoizvo Mazuva Okupedzisira Here?Nharireyomurindi—1997 | April 1
-
-
a Titus akakurira chose chose pano. Kunyange zvakadaro, mumativi maviri anokosha, haana kuwana zvaaida. Akapa zvikarakadzo zvokutera kune rugare, asi vatungamiriri veguta vakaramba nenzira yechisimbwa, isinganzwisisiki. Uye apo masvingo eguta akaputswa pakupedzisira, akarayira kuti tembere isiyiwe. Bva yakapiswa chose chose! Uporofita hwaJesu hwakanga hwajekesa kuti Jerusarema raizoparadzwa uye kuti tembere yaizopazwa chose chose.—Marko 13:1, 2.
-