-
“Anorava Ngaashandise Nzwisiso”Nharireyomurindi—1999 | May 1
-
-
18, 19. Zvikonzero zvipi zvinopiwa kuratidza kuti ‘kutizira kumakomo’ hakusati kuchizoreva kuchinja chitendero?
18 Apedza kufanotaura nezve‘kumira kwenyangadzi panzvimbo tsvene,’ Jesu akanyevera vanonzwisisa kuti vaite chiito. Aireva here kuti panguva iyoyo yokupedzisira—apo “nyangadzi” inenge “imire panzvimbo tsvene”—vanhu vakawanda vachatiza kubva kuchitendero chenhema ndokutanga kunamata kwechokwadi? Kana. Funga nezvokuzadzika kwokutanga. Jesu akati: “Vari muJudhea ngavatizire kumakomo; uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake. Vachava nenhamo vane mimba navanomwisa namazuva iwayo! Nyengeterai kuti zvirege kuva pachando.” (Tisu tatsveyamisa mashoko)—Marko 13:14-18.
-
-
“Anorava Ngaashandise Nzwisiso”Nharireyomurindi—1999 | May 1
-
-
22. Kushandisa kwedu zano raJesu pamusoro pokutizira kumakomo kungabatanidza chii?
22 Panguva ino hatigoni kuva nemashoko akazara pamusoro pekutambudzika kukuru, asi tinogona kupedzisa zvine pfungwa kuti kwatiri kutiza kwakataurwa naJesu hakuzovi kutiza panzvimbo yatinogara. Vanhu vaMwari vanotova munyika yose, panenge pose pose. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti, kana vava kufanira kutiza, vaKristu vachafanira kuramba vachiita kuti pave nomusiyano uri pachena pakati pavo ivo nemasangano ezvitendero zvenhema. Zvine zvazvinorevawo kuti Jesu akanyevera nezvokuti munhu asadzokera kumba kunotora mbatya kana kuti zvimwe zvinhu. (Mateo 24:17, 18) Saka pangava nemiedzo yokutenda iri mberi pamusoro pemaonero atinoita zvinhu zvenyama; chinhu chinonyanya kukosha here, kana kuti kuponeswa kuchauya kune vose vari kurutivi rwaMwari kunonyanya kukosha? Hungu, kutiza kwedu kungabatanidza nhamo dzakawanda nekurasikirwa. Tichafanira kuva vakagadzirira kuita zvose zvinodiwa, sezvakaita shamwari dzedu dzomuzana ramakore rokutanga dzakatiza muJudhea dzichienda kuPerea, mhiri kweJoridhani.
-