Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kushambadzwa Nokusungwa
PAKATI pousiku pasanopfuura sezvo Judhasi anotungamirira boka guru ravarwi, vaprista vakuru, vaFarise, uye vamwe kupinda mubindu reGetsemani. Vaprista vabvuma kubhadhara Judhasi zvidimbu 30 zvesirivha kushambadza Jesu.
Pamberi pezvi, apo Judhasi akadzingwa muchidyo chePaseka, iye sezviri pachena akanga aenda zvakananga kuvaprista vakuru. Ivava vakakurumidza kuunganidza vakuru vakuru vavo vamene, pamwe chete neboka ravarwi. Judhasi zvichida akanga atanga kuvatungamirira uko Jesu navaapostora vake vakanga vachengetera Paseka. Vachiwana kuti vakanga vaenda, boka guru rakatakura zvombo nokutakura mwenje namazhenje rakatevera Judhasi richibuda muJerusarema ndokuyambuka Mupata waKidroni.
Sezvo Judhasi anotungamirira kufamba achikwira Gomo reMiorivhi, iye anova nechokwadi chokuti anoziva kwokuwanira Jesu. Mukati mevhiki rakapfuura, sezvo Jesu navaapostora vakafamba vachidzokera vachienda pakati peBhetania neJerusarema, ivo vaiwanzomira mubindu reGetsemani kuti vazorore nokukurukura. Asi, zvino, naJesu sezvinobvira akavanzwa murima riri pasi pemiorivhi, varwi vachamuziva sei? Vangave vasina kutongomuona kare. Judhasi anogovera chiratidzo, achiti: “Uyo wandinosveta, ndiye; mumubate muende naye makamusunga zvakabata.”
Judhasi anotungamirira boka guru kupinda mubindu, anoona Jesu ane vaapostora vake, uye anoenda zvakananga kwaari. “Kwaziwai, Rabhi!” iye anodaro uye anomusveta zvinyoro zvikuru.
“Shamwari, ita zvawavinga.” Jesu anopindura kudaro nokukurumidza. Ipapo, achipindura mubvunzo wake amene, iye anoti: “Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokusveta here?” Asi zvomushambadzi wake zvakwana! Jesu anoenda mberi ndokupinda muchiedza chamazhenje anopfuta nemwenje uye anobvunza, kuti: “Munotsvaka aniko?”
“Jesu weNazareta,” inouya mhinduro.
“Ndini,” Jesu anopindura kudaro, sezvo anomira noushingi pamberi pavo. Vashamiswa noushingi hwake uye vasingazivi chokukarira, vanhu vacho vanosudurukira shure ndokuwira pasi.
“Ndakuudzai, kuti ndini,” Jesu anopfuurira kudaro nenzira yakadzikama. “Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende.” Nokukurumidza pamberi pezvi mukamuri rapamusoro, Jesu akanga audza Baba vake mumunyengetero kuti akanga achengeta vaapostora vake vakatendeka uye hakuna mumwe wavo akanga arashika “kunze kwomwanakomana woruparadziko.” Naizvozvo, kuti shoko rake rigozadzikwa, iye anokumbira kuti vateveri vake varegwe vaende.
Sezvo varwi vanowanazve dzikamo yavo, vanomira, uye vanovamba kusunga Jesu, vaapostora vanoziva chodokuitika. “Ishe, totema neminondo here?” ivo vanobvunza kudaro. Jesu asati apindura, Petro, achishandisa mumwe weminondo miviri vaapostora vaunza, anodenha Markosi, muranda womuprista mukuru. Kutema kwaPetro kunopotsa musoro womuranda asi kunogura nzeve yake yokurudyi.
“Regai, zvaringana,” Jesu anodaro sezvaanopindura. Achibata nzeve, iye anoporesa ronda. Ipapo anodzidzisa chifundo chinokosha, achiraira Petro, kuti: “Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makurukuru ane gumi namaviri?”
Jesu anodisa kusungwa. Nokuti iye anotsanangura, kuti: “Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanirwa kuitwa kudaro?” Uye iye anowedzera, kuti: “Mukombe wandakapiwa naBaba, handingaunwi here?” Iye anobvumirana zvakakwana nokuda kwaMwari nokuda kwake!
Ipapo Jesu anotaura kuboka. “Mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here?” iye anobvunza kudaro. “Ndaigara mutembere mazuva ose, ndichidzidzisa mukasandibata. Asi zvinhu zvose zvaiitwa kuti magwaro avaporofita aitike.”
Pana ikoko boka ravarwi nomutungamiri wehondo navakuru vakuru vavaJudha vanobata Jesu ndokumusunga. Pakuona ikoko, vaapostora vanosiya Jesu ndokutiza. Zvisinei, rimwe jaya—sezvingabvira mudzidzi Marko—rinosara pakati peboka. Iye angave aiva pamusha apo Jesu akachengetera Paseka uye pashure pezvo akatevera boka kubva ikoko. Zvino, zvisinei, iye anozivikanwa, uye kuedzwa kunoitwa kwokumubata. Asi anosiya shure nguvo yake uye anoenda akapfeka zvishoma. Mateo 26:47-56; Marko 14:43-52; Ruka 22:47-53; Johane 17:12; 18:3-12.
◆ Neiko Judhasi akava nechokwadi chokuti aizowana Jesu mubindu reGetsemani?
◆ Jesu anoratidzira sei kuitira hanya vaapostora vake?
◆ Chiitoi chinoita Petro mukudzivirira Jesu, asi chii chinotaura Jesu kwaari?
◆ Jesu anozivisa sei kuti anobvumirana zvakakwana nokuda kwaMwari nokuda kwake?
◆ Apo vaapostora vanosiya Jesu, ndiani anosara, uye chii chinoitika kwaari?