-
Jesu Anoendeswa Kuna Anasi, Ozoendeswa Kuna KayafasiJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Mumwe mukuru mukuru akamira pedyo naJesu anomurova mbama omutsiura achiti: “Ndiwo mapinduriro aunoita mupristi mukuru here?” Asi achiziva kuti haana chaakanganisa, Jesu anopindura achiti: “Kana ndataura zvakaipa, pupurira zvakaipa zvacho; asi kana zvakarurama, unondiroverei?” (Johani 18:22, 23) Anasi anobva aita kuti Jesu aendeswe kumukwasha wake Kayafasi.
Iye zvino nhengo dzose dzedare reSanihedrini dzaungana, kusanganisira mupristi mukuru ari pachigaro, vakuru vakuru vevanhu uye vanyori. Vanoungana pamba paKayafasi. Hazvisi pamutemo kuti pave nedare rakadai usiku hwePaseka, asi izvi hazvivatadzise kuzadzisa chinangwa chavo chakaipa.
Iri haringambonzi idare riri kuda kutonga zvisina tsvete. Jesu paakamutsa Razaro, dare reSanihedrini rakatotaura kuti Jesu aifanira kufa. (Johani 11:47-53) Uye mazuva achangopfuura vatungamiriri vechitendero vakaronga kuti vabate Jesu vamuuraye. (Mateu 26:3, 4) Izvi zvinoratidza kuti Jesu atotongerwa rufu dare racho risati ratombogarwa!
-
-
Anorambwa naPetro Pamba paKayafasiJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Jesu paasungwa mubindu reGetsemane, vaapostora vatiza nekutya. Asi vaviri vavo havana kuenda kure. Vaviri ava ndiPetro “nomumwe mudzidzi,” uyo anofanira kuva muapostora Johani. (Johani 18:15; 19:35; 21:24) Zvimwe vanozobata vanhu vana Jesu paanenge achiendeswa kuna Anasi. Anasi paanozoendesa Jesu kuMupristi Mukuru Kayafasi, Petro naJohani vanotevera vari nechekure. Vanogona kunge vari kutyira upenyu hwavo asi vachinetsekawo kuti chii chichaitika kuna Tenzi wavo.
-