Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kubva Kuna Pirato Kuenda Kuna Herodhe Nokudzokera Zvakare
APO vaJudha vanopomera Jesu kutaura kuti iye ndimambo, Pirato zvakare anopinda muimba yagavhuna kuzomubvunza. Kunyange zvazvo Jesu asingaedzi kuvanza kuti ndimambo, anotsanangura kuti Umambo hwake hahusati huri tyisidziro kuRoma.
“Umambo hwangu hahusati huri rutivi rwenyika ino,” Jesu anoudza Pirato kudaro. “Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, varindiri vangu vangadai vakarwa kuti ndirege kupiwa kuvaJudha. Asi, sezvakwakadaro, umambo hwangu hahusati huchibva mumanyuko aya.” (NW) Jesu nokudaro anobvuma katatu kuti iye ane Umambo, kunyange zvazvo husati huri hwamanyuko apasi.
Bva, Pirato anomumanikidzazve: “Eya, ipapoka, uri mambo here?” (NW) Ndiko kuti, iwe uri mambo here kunyange zvazvo Umambo hwako husati huri rutivi rwenyika ino.
Jesu anoita kuti Pirato azive kuti iye aita mhedziso yakarurama, achipindura, kuti: “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupurire zvokwadi. Mumwe nomumwe wezvokwadi unonzwa inzwi rangu.”
Hungu, kuvapo kumene kwaJesu pasi pano kupupurira “zvokwadi,” nenzira yakananga zvokwadi pamusoro poUmambo hwake. Jesu akagadzirira kuva akatendeka kuzvokwadi iyoyo kunyange kana kukamutorera upenyu hwake. Kunyange zvazvo Pirato achibvunza, kuti: “Zvokwadi chinyiko?” iye haamiriri imwe tsananguro. Iye anzwa zvakakwana kuti aite rutongeso.
Pirato anodzokera kuboka rakamira kunze kweimba yamambo. Sezviri pachena naJesu parutivi rwake, iye anoudza vaprista vakuru naavo vanaye, kuti: “Ini handiwani mhosva kwaari.”
Ashatiriswa nechisarudzo chacho, mapoka anovamba kuti: “Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGarirea kusvikira pano.”
Kunyanyisa kusina mufungo kwavaJudha kunofanira kukatyamadza Pirato. Naizvozvo, sezvo vaprista vakuru navarume vakuru vanopfuurira kudanidzira, Pirato anotendeukira kuna Jesu uye anobvunza, kuti: “Haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?” Bva, Jesu haaedzi kupindura. Kuterama kwake mukutarisana nepomero dzoupengo kunoparira Pirato kushamisika.
Achiziva kuti Jesu muGarirea, Pirato anoona nzira yokubuda nayo mumutoro nokuda kwake. Mutongi weGarirea, Herodhe Antipasi (mwanakomana waHerodhe Mukuru), ari muJerusarema nokuda kwePaseka, naizvozvo Pirato anotumira Jesu kwaari. Pamberi pezvi, Herodhe Antipasi akaita kuti Johane Mubhapatidzi agurwe musoro, uye ipapo Herodhe akatyiswa apo akanzwa pamusoro pamabasa enenji Jesu akanga achiita, achitya kuti Jesu akanga ari Johane zvomenemene akanga amutswa muna vakafa.
Zvino, Herodhe anofadzwa zvikuru nekariro yokuona Jesu. Ikoku hakusati kuri nemhaka yokuti anoitira hanya garikano yaJesu kana kuti iye anoda kuita kuedza chaikoiko kupi nokupi kuziva kana pomero dzinomuitirwa dziri dzechokwadi kana kuti kwete. Panzvimbo pezvo, iye anongoda zvake kuziva uye anokarira kuona Jesu achiita nenji rakati.
Jesu, zvisinei, anoramba kugutsa kuda kuziva kwaHerodhe. Kutaura idi, sezvo Herodhe anomubvunza, iye haatauri shoko. Aodzwa mwoyo, Herodhe navarindiri varwi vake vanonyomba Jesu. Ivo vanomupfekedza nguvo yakajeka uye vanomunyomba. Ipapo vanomudzorera kuna Pirato. Somuuyo, Herodhe naPirato, avo vaichimbova vavengi, vanova shamwari dzakanaka.
Apo Jesu anodzokera, Pirato anodana vaprista vakuru, vatongi vechiJudha, uye vanhu vamwe chete uye anoti: “Mauya kwandiri nomunhu uyu, muchiti: Unotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo; kunyange naHerodhewo; nokuti vamudzosera kwatiri; tarirai, hakuna chinhu chakaitwa naye, chakafanira rufu. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.”
Nokudaro, Pirato kaviri azivisa Jesu saasina mhaka. Iye anodisa kumusunungura, nokuti anoziva kuti kunongova nemhaka bedzi yegodo kuti vaprista vakamugamuchidza kwaari. Asi sezvo Pirato anopfuurira kuedza kusunungura Jesu, anogamuchira imwe sundo yakasimba zvikuru yokuita saizvozvo. Ari pachigaro chake chorutongeso, mudzimai wake anotumira shoko, achimukurudzira, kuti: “Usava nemhaka nomunhu uyu wakarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.”
Bva, Pirato anogona sei kusunungura uyu munhu asina mhaka, sezvo anoziva kuti anofanira? Johane 18:36-38; Ruka 23:4-16; Mateo 27:12-14, 18, 19; 14:1, 2; Marko 15:2-5.
◆ Jesu anopindura sei mubvunzo pamusoro pokuva mambo kwake?
◆ Chii chiri “zvokwadi” Jesu akapedza upenyu hwake hwapasi achipupurira pamusoro payo?
◆ Chii chiri rutongeso rwaPirato, vanhu vanopindura sei, uye Pirato anoita sei naJesu?
◆ Ko Herodhe Antipasi ndiani, nei achifadzwa zvikuru nokuona Jesu, uye chii chaanoita naye?
◆ Neiko Pirato achidisa kusunungura Jesu?