-
“Tarirai Munhu!”Nharireyomurindi—1991 | January 1
-
-
Naizvozvo, muwirirano nezvido zvavo—uye achishuva kugutsa boka kupfuura kuita chaanoziva kuti chakarurama—Pirato anosunungura Bharabhasi kwavari. Iye anotora Jesu uye anoita kuti abviswe zvipfeko uye ipapo kurohwa. Uku kwakanga kusati kuri kurovawo zvako. The Journal of the American Medical Association inorondedzera muitiro weRoma wokurova:
“Chishandiswa chenguva dzose yakanga iri tyava pfupi (flagrum kana kuti flagellum) ine fosi dzinoverengeka dzakaparadzana kana kuti dzeganda dzakarukwa dzourefu hwakasiana-siana, umo simbi duku dzakaurungana kana kuti zvidimbu zvakapinza zvamafupa amakwai zvaisungirirwa apa napapa. . . . Sezvo varwi veRoma vairova varovazve musana wanyajambwa nesimba rakazara, simbi dzakaurungana dzaiparira mavanga akadzama, uye fosi dzeganda namafupa amakwai zvaipinda muganda netsinga nepasi peganda. Ipapo, sezvo kurova kwaipfuurira, maronda aipinda mutsinga dziri pasi ndokuparira nyama inobuda ropa.”
-
-
“Tarirai Munhu!”Nharireyomurindi—1991 | January 1
-
-
Kunyange zvazvo asvuurwa nokurovanywa, pano pamire munhu akatanhamara zvikurusa wenhau yose, zvirokwazvo munhu mukurusa ati amborarama! Hungu, Jesu anoratidza chiremera chakanyarara noruteramo izvo zvinoratidzira ukuru uhwo kunyange Pirato anofanira kubvuma, nokuti mashoko ake sezviri pachena muvhenganiswa wezvose zviri zviviri ruremekedzo netsitsi. Johane 18:39–19:5; Mateo 27:15-17, 20-30; Marko 15:6-19; Ruka 23:18-25.
-