Upenyu hwaJesu Noushumiri
“Zvirokwazvo Uyu Wakanga Ari Mwanakomana waMwari”
JESU ave asati ari padanda kwenguva refu apo, pamasikati makuru, rima rechienzi, ramaawa matatu rinoitika. Kuora kwezuva hakusi chisakiso, sezvo ikoku kuchiitika bedzi panguva yenjadzana, uye mwedzi wazara panguva yePaseka. Uyezve, kuora kwezuva kunogara bedzi maminiti mashomanene. Naizvozvo rima racho nderamavambo oumwari! Iro zvimwe rinopa kutindika kuavo vanosveeredza Jesu, kunyange kuparira kunyomba kwavo kumira.
Kana chinhu chechienzi chichiitika muiti wezvakaipa mumwe asati atsiura shamwari yake uye akumbira Jesu kumuyeuka, chingava chisakiso murupfidzo rwake. Zvichida ndimo mukati merima umo vakadzi vana, ndiko kuti, mai vaJesu nomukoma wavo Sarome, Maria Magdharene, uye Maria mai vomuapostora Jakobho Muduku, vanosvika pedyo nedanda rokutambudzira. Johane, muapostora anodiwa waJesu, anavo ipapo.
Mwoyo wamai vaJesu uno‘rwadzwa’ sei sezvo vanotarira mwanakomana wavakarera ndokutarisira akarembera ipapo mumarwadzo! Bva, Jesu anofunga, kwete nezvamarwadzo ake amene, asi nezvegarikano yavo. Nenhamburiko huru, iye anodengudza musoro kuna Johane uye anoti kuna mai vake: “Mai, tarirai, mwanakomana wenyu.” Ipapo, achidengudza musoro kuna Maria, anoti kuna Johane: “Tarira mai vako.”
Jesu nomutoo iwoyo anoronzesa kutarisirwa kwamai vake, avo sezviri pachena zvino vari chirikadzi, kumuapostora wake anodiwa zvikuru. Iye anoita ikoku nemhaka yokuti vamwe vanakomana vaMaria vachigere kuratidzira kutenda maari. Nokudaro anogadza muenzaniso wakaisvonaka wokuita gadziriro kwete bedzi yezvinodikanwa zvokunyama zvamai vake asiwo yezvake zvomudzimu.
Panenge panguva yechitatu mumasikati, Jesu anoti: “Ndine nyota.” Ipapo, achinzwa kuti Baba vake, sokunge zvakadaro, vabvisa dziviriro yake kuitira kuti perero yake igoedzwa zvakazara, anodanidzira nenzwi guru, kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?” Pakunzwa ikoku, vamwe vakamira pedyo vanoti: “Chinzwai, unodana Eria.” Nokukurumidza mumwe wavo anomhanya uye, achishandisa chipanje chakatoteswa newaini inovava pamugumo worutanda rwehisopi, anomupa chokunwa. Asi vamwe vanoti: “Regai timboona kana Eria achizouya kumuburusa.”
Apo Jesu anogamuchira waini inovava, anodanidzira, kuti: “Zvapera!” Hungu, iye apedza chinhu chiri chose icho Baba vake vakamutumira pasi pano kundoita. Pakupedzisira, iye anoti: “Baba, ndinoisa mudzimu wangu mumaoko enyu.” (NW) Jesu nomutoo iwoyo anopa kuna Mwari simba rake roupenyu nechivimbo chokuti Mwari acharidzorera kwaari zvakare. Ipapo anokotamisa musoro wake uye anofa.
Nguva Jesu anofema chifemo chake chokupedzisira, kudengenyeka kwapasi kune masimba masimba kunoitika, kuchitsemura ruware. Kudengenyeka kwacho kwakasimba kwazvo zvokuti makuva echirangaridzo kunze kweJerusarema anozaruka, uye zvitunha zvinobudiswa maari. Vapfuuri, avo vanoona mitumbi yakafa iyo yaratidzirwa, vanopinda muguta ndokukushuma.
Kupfuurirazve, panguva Jesu anofa, chidzitiro chihombe icho chinokamuranisa nzvimbo Tsvene nenzvimbo Tsvene tsvene mutembere yaMwari chinobvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Sezviri pachena ichi chidzitiro chakashongedzwa zvakaisvonaka chakareba mamita 18 uye chinorema zvikuru! Nenji rinokatyamadza harisati richingoratidzira bedzi kutsamwira kwaMwari vaurayi voMwanakomana Wake asi kunoratidzira kuti kupinda munzvimbo Tsvene tsvene, denga rimene, zvino kunobviriswa norufu rwaJesu.
Eya, apo vanhu vanonzwa kudengenyeka kwapasi uye vanoona zvinhu zvichiitika, vanotya zvikuru kwazvo. Mukuru mukuru wehondo anotarisira pakuurawa anopa mbiri kuna Mwari. “Zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari,” iye anozivisa kudaro. Sezvingabvira iye akanga ave aripo apo kutaura kwomwanakomana woumwari kwakakurukurwa pakutongwa kwaJesu pamberi paPirato. Uye zvino iye anopwiswa kuti Jesu Mwanakomana waMwari, hungu, kuti iye zvamazvirokwazvo munhu mukurusa atiararama.
Vamwewo vanokurirwa neizvi zvinoitika zvinoshamisa, uye vanovamba kudzokera kumba vachirova zvipfuva zvavo, sechiratidzo chenhamo yavo huru namanyadzi. Vari kucherechedza chiono chacho vari kure vadzidzikadzi vazhinji vaJesu avo vanotambudzwa zvikuru neizvi zvinoitika zvinokosha. Muapostora Johane aripowo. Mateo 27:45-56; Marko 15:33-41; Ruka 23:44-49; 2:34, 35; Johane 19:25-30.
◆ Neiko kuora kwezuva kusingagoni kuva chisakiso chamaawa matatu erima?
◆ Nokukurumidza pamberi porufu rwake, muenzanisoi wakaisvonaka unogovera Jesu nokuda kwaavo vane vabereki vakwegura?
◆ Ndokupi kuri kutaura kuna kwokupedzisira kwaJesu asati afa?
◆ Kudengenyeka kwapasi kunoitei, uye chii chiri revo yokubvaruka kwechidzitiro chetembere napakati?
◆ Mukuru mukuru wehondo anotarisira pakuurawa anotapurwa sei namanenji acho?