RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Josefa wekuArimatiya Anotsigira Chokwadi
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | October
    • JOSEFA WEKUARIMATIYA aisafunga kuti aiva neushingi hwekuenda kunotaura nagavhuna weRoma. Pondiyo Pirato aizivikanwa semunhu akaoma musoro chaizvo. Kunyange zvakadaro, kuti Jesu avigwe zvine ruremekedzo, mumwe munhu aifanira kukumbira Pirato kuti amubvumire kutora mutumbi waJesu. Pavakaonana, Pirato haana kuomesa musoro sezvingangodaro zvaifungidzirwa naJosefa. Pashure pekunge Pirato anzwa nemumwe musoja kuti Jesu akanga afa, akabvumira kuti mutumbi wake utorwe. Saka iye zvino, kunyange zvazvo Josefa ainge akasuruvara nezvakanga zvaitika, akadzokera nekukurumidza kwakaurayirwa Jesu.​—Mako 15:42-45.

  • Josefa wekuArimatiya Anotsigira Chokwadi
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | October
    • NHENGO YEDARE RESANIHEDRINI

      Evhangeri yakafemerwa yaMako inoti Josefa aiva “nhengo yeDare yaiva nomukurumbira wakanaka.” Dare iri rinofanira kunge riri Sanihedrini, dare repamusoro revaJudha uye raiva nesimba pahurumende. (Mako 15:1, 43) Saka Josefa aiva mumwe wevatungamiriri vevanhu vekwake, izvo zvinofanira kunge zvakaita kuti akwanise kutaura nagavhuna weRoma. Hazvishamisi kuti Josefa aivawo mupfumi.​—Mat. 27:57.

      Une ushingi here hwekuzivisa kuti uri muKristu?

      Dare reSanihedrini raivenga Jesu. Nhengo dzaro dzakaronga kuti aurayiwe. Zvisinei, Josefa anonzi “murume . . . akanaka uye akarurama.” (Ruka 23:50) Kusiyana nevakawanda vaaishanda navo mudare reSanihedrini, iye aiva munhu akatendeka uye aiita zvese zvaaigona kuti ateerere mirayiro yaMwari. “Akanga akamirirawo Umambo hwaMwari,” uye ndizvo zvinofanira kunge zvakaita kuti ave mudzidzi waJesu. (Mako 15:43; Mat. 27:57) Anofanira kunge aifarira mashoko aJesu nekuti aikoshesa chokwadi nekururama.

  • Josefa wekuArimatiya Anotsigira Chokwadi
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | October
    • AKAZOKWANISA KUITA CHISARUDZO

      Zviri pachena kuti pakazofa Jesu, Josefa akanga asisatyi uye akasarudza kutsigira vateveri vaJesu. Chisarudzo ichocho chinoratidzwa mumashoko ari pana Mako 15:43 ekuti: “Akashinga kuenda pamberi paPirato, akakumbira mutumbi waJesu.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe