-
Ndi“Mwari Anoita Kuti Zvikure”!Nharireyomurindi—2008 | July 15
-
-
Mudyari Anorara
13, 14. (a) Taura muchidimbu mufananidzo womunhu anokusha mbeu. (b) Ndiani anomiririrwa nomudyari uye mbeu chii?
13 Pana Mako 4:26-29, tinowana mumwe mufananidzo une chokuita nomudyari, wokuti: “Saizvozvo umambo hwaMwari hwakafanana neapo munhu anodyara mbeu muivhu, anorara usiku omuka kwayedza, mbeu inomera yoreba, kuti zvinoitika sei iye haazivi. Ivhu pacharo rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga chipande, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura. Asi kana zvibereko zvangoibva, iye anopinza jeko, nokuti nguva yokukohwa yasvika.”
14 Mudyari uyu ndiani? Vamwe vari muchiKristudhomu vanofunga kuti ndiJesu pachake. Asi zvingadaro sei kuti Jesu anorara uye haazivi kuti mbeu inokura sei? Zvechokwadi Jesu anoziva kuti munhu anosvika sei pakuva mudzidzi! Asi mudyari uyu, kufanana nouya ambotaurwa, anomiririra muzivisi woUmambo mumwe nomumwe, vaya vanodyara mbeu yoUmambo nokuparidza kwavo vachishingaira. Mbeu inodyarwa muivhu ndiyo shoko ravanoparidza.b
15, 16. Paaitaura mufananidzo wake womudyari, Jesu akabudisa chokwadi chei nezvokukura chaiko uye kukura kwezvokunamata?
15 Jesu anoti mudyari “anorara usiku omuka kwayedza.” Izvi hazvirevi kuti mudyari haana hanya. Zvinongoratidza zvinogara zvichiitwa nevanhu vakawanda. Mashoko akashandiswa mundima ino anoratidza zvinogaroitwa kwenguva yakareba, zvokushanda masikati uye kurara usiku. Jesu aitsanangura zvaiitwa mazuva iwayo. Anoti: “Mbeu inomera yoreba.” Zvadaro Jesu anowedzera kuti: “Kuti zvinoitika sei iye haazivi.” Nyaya iri pakuti ivhu racho “pacharo” rinobereka zvibereko.c
16 Jesu aireveiko pano? Cherechedza kuti ainyanya kutaura nezvokukura uye kuti zvibereko zvinokura zvishoma nezvishoma. “Ivhu pacharo rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga chipande, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura.” (Mako 4:28) Zvibereko zvinokura zvishoma nezvishoma. Hazvigoni kukurumidziswa kana kuti kumanikidzwa. Ndizvo zvinoitawo kukura pakunamata. Kunoitika zvishoma nezvishoma sezvo Jehovha anorega chokwadi chichikura mumwoyo momunhu akafanirwa.—Mab. 13:48; VaH. 6:1.
17. Ndivanaani vanofara mbeu yechokwadi painobereka zvibereko?
17 Mudyari anokohwa sei “kana zvibereko zvangoibva”? Jehovha paanoita kuti chokwadi choUmambo chikure mumwoyo yevadzidzi vatsva, vanoguma vafambira mberi zvokuti kuda Mwari kwavo kunoita kuti vatsaurire upenyu hwavo kwaari. Vanoratidza kuti vakazvitsaurira pavanobhabhatidzwa mumvura. Hama dzinoramba dzichikura pakunamata dzinoguma dzava nemamwe mabasa muungano. Zvibereko zvoUmambo zvinokohwewa neakatanga kudyara uyewo nevamwe vazivisi voUmambo vangadaro vasina kudyara mbeu inozobereka mudzidzi iyeye. (Verenga Johani 4:36-38.) Chokwadi, ‘mudyari nomukohwi vanofara pamwe chete.’
-
-
Ndi“Mwari Anoita Kuti Zvikure”!Nharireyomurindi—2008 | July 15
-
-
b Munguva yakapfuura magazini ino yakatsanangura kuti mbeu inomiririra unhu hunofanira kukura, hunoitwa kuti huve zvahuri nezvinhu zvakapoteredza. Asi tinofanira kuona kuti mumufananidzo waJesu mbeu haichinji kuva yakaipa kana kuti kuva muchero wakaora. Inongoenderera kukura.—Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 1980, mapeji 17-19.
c Pamwe panongoshandiswa shoko iri ndepanaMabasa 12:10, panotaurwa nezvegedhi resimbi, richinzi “rakangovavhurikira roga.”
-