-
Mufananidzo Wemupfumi naRazaroJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Jesu anoti: “Mumwe murume akanga akapfuma, uye aigara achipfeka nguo dzepepuru nerineni, achifara zuva nezuva nezvinhu zvoumbozha. Asi mumwe mupemhi ainzi Razaro aigara achiiswa pagedhi rake, azere nemaronda uye achida kuguta nezvinhu zvaidonha patafura yomupfumi. Chokwadi, nembwawo dzaiuya dzonanzva maronda ake.”—Ruka 16:19-21.
-
-
Mufananidzo Wemupfumi naRazaroJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Vatungamiriri ava vakapfuma, vanozvikudza, vanoona sei varombo, kana kuti vanhu vakaderera? Vanovatsvinyira neshoko rokuti ‛am ha·’aʹrets, kana kuti vanhu vepasi (venyika), uye vanovaona sevanhu vasingazive Mutemo, vasingatokodzeri kuudzidziswa. (Johani 7:49) Izvi zvinoenderana nezvaiitika ‘kumupemhi ainzi Razaro’ uyo aidya “zvinhu zvaidonha patafura yomupfumi.” Kufanana naRazaro akazara nemaronda, vanhu ava vakaderera vanotarisirwa pasi, vachitoonekwa sevasingagamuchirwi naMwari.
-