Upenyu hwaJesu Noushumiri
Apo Mwanakomana Womunhu Anoratidzwa
JESU achiri kuchamhembe (zvimwe muSamaria kana kuti muGarirea), vaFarise vanomubvunza pamusoro pokusvika kwoUmambo. Ivo vanodavira kuti huchauya nokuratidzirwa kukuru nomutambo, asi Jesu anoti: “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa. Havangati: ‘Tarirai pano!’ kana kuti: ‘Uko!’ Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri [pakati penyu, NW].”
Mashoko aJesu “pakati penyu,” (NW) pane dzimwe nguva akashandurwa kuti “mukati menyu.” Naizvozvo vamwe vakafunga kuti Jesu akareva kuti Umambo hwaMwari hunotonga mumwoyo yavabatiri vaMwari. Asi, sezvinooneka, Umambo hwaMwari hahusi mukati memwoyo yaava vaFarise vasingatendi avo Jesu ari kutaura kwavari. Bva, ihwo huri pakati pavo, sezvo Mambo akasarudzwa woUmambo hwaMwari, Jesu Kristu, ari pakati pavo chaipo.
Zvimwe pashure pokunge vaFarise vaenda apo Jesu anotaurazve navadzidzi vake pamusoro pokuuya kwoUmambo. Iye anorangarira zvikuru kuvapo kwake kwomunguva yemberi musimba roUmambo apo iye anonyevera, kuti: “Vachati kwamuri: ‘Tarirai uko!’ ‘Tarirai pano!’ Regai kuenda, kana kuvatevera [ava vanaMesia venhema]; nokuti semheni inopenya, ichibva kuno rumwe rutivi pasi pedenga, ichivhenekera kusvikira kuno rumwe rutivi pasi pedenga; ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhuwo nezuva rake.” Nokudaro, sezvo mheni ichionwa panharaunda yakafara, Jesu ari kuratidzira kuti ufakazi hwokuvapo kwake musimba roUmambo huchaoneka zvakajeka kuvose vanoshuva kuhucherechedza.
Jesu apo anoenzanisa nezvinoitika zvakare kuratidza izvo zvimiro zvavanhu zvichava zvakaita mukati mokuvapo kwake kwomunguva yemberi. Iye anotsanangura, kuti: “Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu; . . . Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, mwoto nesurferi zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.”
Jesu haasati ari kutaura kuti vanhu vomuzuva raNoa neraRoti vakaparadzwa nemhaka bedzi bedzi yokuti vaiita mibato yenguva dzose yokudya, kunwa, kutenga, kutengesa, kudyara, uye kuvaka. Kunyange Noa naRoti nemhuri dzavo vaiita zvinhu izvozvi. Asi vamwe vaiita mibato yezuva nezuva yakadaro pasina kupa ngwariro ipi neipi kukuda kwaMwari, uye kwakanga kuri nokuda kweichi chikonzero kuti ivo vakaparadzwa. Nokuda kwechikonzero chimwe chetecho, vanhu vachaparadzwa apo Kristu anoratidzwa mukati medambudziko guru patsika ino yezvinhu.
Achisimbisa ukoshi hwokugamuchira nokukurumidza ufakazi hwokuvapo kwake kwomunguva yemberi musimba roUmambo, Jesu anowedzera, kuti: “Nezuva iro, uri pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvo, uri kumunda ngaarege kudzokera kune zviri kushure. Rangarirai mukadzi waRoti.”
Apo hufakazi hwokuvapo kwaKristu hunooneka, vanhu havagoni kurega batano nepfuma yavo yokunyama ichivadzivisa kuita chiito chokukurumidza. Achibuda muSodhoma, mudzimai waRoti sezviri pachena akacheuka achishuva zvinhu zvasiiwa shure, uye iye akava shongwe yomunyu.
Achipfuuridzira rondedzero yake yomugariro waizovapo mukati mokuvapo kwake kwomunguva yemberi, Jesu anoudza vadzidzi vake, kuti: “Usiku uhwo varume vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiiwa. Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiiwa.”
Kutorwa kunowirirana nokupinda kwaNoa nemhuri yake muareka nokubudisa kwengirozi Roti nemhuri yake muSodhoma. Kunoreva ruponeso. Pane rumwe rutivi, kusiiwa kunoreva kutambura ruparadziko.
Papfundo rino, vadzidzi vanobvunza, kuti: “Ipiko, Ishe?”
“Apo pano mutumbu, ndipo panounganirawo magora,” Jesu anopindura kudaro. Avo “vanotorwa” nokuda kworuponeso vakafanana namagora anowana zviri kure mukuti iwo anoungana pamwe chete ku“mutumbu.” Mutumbu une nongedzero kuna Kristu wechokwadi pakuvapo kwake kusingaoneki musimba roUmambo nokumadyo omudzimu ayo Jehovha anogovera. Ruka 17:20-37; Genesi 19:26.
◆ Umambo hwaiva sei pakati pavaFarise?
◆ Kuvapo kwaKristu kwakafanana nemheni munzirai?
◆ Neiko vanhu vachaparadzwa mukati mokuvapo kwaKristu?
◆ Kutorwa kunorevei, uye kusiiwa?