RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha ‘Achaita Kuti Kururamisira Kuitwe’
    Nharireyomurindi—2006 | December 15
    • 8 Arondedzera izvi, Jesu akataura kushanda kwazvo achiti: “Inzwai zvakataurwa nomutongi wacho, kunyange akanga asina kururama! Saka Mwari haangaiti here kuti vakasarudzwa vake vanoshevedzera kwaari masikati nousiku varuramisirwe, kunyange achivaitira mwoyo murefu? Ndinokuudzai, Iye achaita kuti vakurumidze kururamisirwa. Kunyange zvakadaro, panosvika Mwanakomana womunhu, chokwadi achawana kutenda kwacho panyika here?”—Ruka 18:1-8.

  • Jehovha ‘Achaita Kuti Kururamisira Kuitwe’
    Nharireyomurindi—2006 | December 15
    • 9. Ndeipi pfungwa inosimbiswa mumufananidzo wechirikadzi nomutongi?

      9 Pfungwa huru yomufananidzo uyu wakajeka iri pachena. Inotaurwa nevanhu vomumufananidzo wacho uyewo naJesu. Chirikadzi yacho yakateterera ichiti: “Itai kuti ndiruramisirwe.” Mutongi akati: “Ndichaita kuti iruramisirwe.” Jesu akabvunza kuti: ‘Mwari haangaiti here kuti kururamisira kuitwe?’ Uye nezvaJehovha, Jesu akati: “Iye achaita kuti vakurumidze kururamisirwa.” (Ruka 18:3, 5, 7, 8) Ndirini chaizvoizvo apo Mwari ‘achaita kuti kururamisira kuitwe’?

      10. (a) Kururamisira kwakaitwa rini muzana remakore rokutanga? (b) Vashumiri vaMwari vemazuva ano vacharuramisirwa rini uye sei?

      10 Muzana remakore rokutanga, “mazuva okururamisira” (kana kuti, “mazuva okutsiva,” Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) akasvika muna 70 C.E. pakaparadzwa Jerusarema netemberi yaro. (Ruka 21:22) Nokuda kwevanhu vaMwari nhasi, kururamisira kuchaitwa pa“zuva guru raJehovha.” (Zefaniya 1:14; Mateu 24:21) Panguva iyoyo, Jehovha ‘achatambudza vaya vanotambudza’ vanhu vake, Jesu Kristu “sezvaanotsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.”—2 VaTesaronika 1:6-8; VaRoma 12:19.

  • Jehovha ‘Achaita Kuti Kururamisira Kuitwe’
    Nharireyomurindi—2006 | December 15
    • 12, 13. (a) Mufananidzo waJesu wechirikadzi nomutongi unodzidzisa sei? (b) Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha achanzwa minyengetero yedu oita kuti kururamisira kuitwe?

      12 Mufananidzo waJesu wechirikadzi nomutongi unosimbisa chimwezve chokwadi chinokosha. Achishandisa mufananidzo wacho, Jesu akati: “Inzwai zvakataurwa nomutongi wacho, kunyange akanga asina kururama! Saka Mwari haangaiti here kuti vakasarudzwa vake . . . varuramisirwe?” Chokwadi, Jesu akanga asiri kuenzanisa Jehovha nomutongi sokunge kuti aitaura kuti Mwari aizobata vatendi saizvozvo. Pane kudaro, Jesu akadzidzisa vateveri vake chidzidzo pamusoro paJehovha nokutaura kusiyana kwakaita mutongi iyeye naMwari. Vangasiyaniswa mune dzimwe nzira dzipi?

      13 Mutongi womumufananidzo waJesu akanga “asina kururama,” asi “Mwari Mutongi akarurama.” (Pisarema 7:11; 33:5) Mutongi uya akanga asina hanya nechirikadzi yacho zvachose, asi Jehovha ane hanya nomunhu mumwe nomumwe. (2 Makoronike 6:29, 30) Mutongi uya akanga asingadi kubatsira chirikadzi, asi Jehovha anoda—chokwadi, anoda nomwoyo wose—kubatsira vaya vanomushumira. (Isaya 30:18, 19) Tinodzidzei? Kana mutongi akanga asina kururama akateerera zvakakumbirwa nechirikadzi ndokuiruramisira, Jehovha achanzwa zvikuru sei minyengetero yevanhu vake zvechokwadi oita kuti varuramisirwe!—Zvirevo 15:29.

      14. Nei tisingafaniri kurasikirwa nokutenda nezvokuuya kwezuva raMwari rokutonga?

      14 Saka vaya vanorasikirwa nokutenda nezvokuuya kwezuva raMwari rokutonga vanoita chikanganiso chakaipisisa. Nei? Pavanosiya kutenda kwavo kwakasimba kwokuti “zuva guru raJehovha” rava pedyo, zvinoita sokuti havana chokwadi kana Jehovha achigona kuvimbwa kuti anochengeta zvipikirwa zvake akatendeka. Asi hapana munhu angava nechikonzero chakanaka chokuramba kuti Mwari akatendeka. (Jobho 9:12) Mubvunzo wakakodzera ndewokuti, Isu pachedu ticharamba takatendeka here? Uye iyoyo ndiyo nyaya chaiyo yakamutswa naJesu pamugumo womufananidzo wechirikadzi nomutongi.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe