Upenyu hwaJesu Noushumiri
Muenzanisiro Wepondo
JESU zvichida achiri pamusha waZakeo, apo iye akamira achienda Jerusarema. Vadzidzi vake vanodavira kuti apo ivo vanosvika kuJerusarema, achazivisa kuti iye ndiye Mesia ndokugadza Umambo hwake. Kuti aruramise pfungwa iyi nokuratidza kuti Umambo huchiri kure, Jesu anopa muenzanisiro.
“Mumwe munhu mukuru,” iye anorondedzera kudaro, “wakaenda kunyika yakanga iri kure kuti andopiwa ushe, agodzokazve.” Jesu ndiye “mumwe munhu mukuru,” uye denga ndiro “nyika yakanga iri kure.” Apo iye akasvika ikoko, Baba vake vachamupa simba ramambo.
Asati aenda, zvisinei, munhu mukuru anodana varanda gumi uye anopa mumwe nomumwe wavo pondo imwe yesirivha, achiti: “Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve.” Varanda gumi muzadziko yokutanga vanomirira vadzidzi vapakuvamba vaJesu. Mukushanda kukuru, ivo vanofananidzira avo vose vari vadyi venhaka vanokarirwa pamwe naye muUmambo hwokudenga.
Pondo dzesirivha zvidimbu zvinokosha zvemari, chimwe nechimwe chichisvika kuinenge miripo yemwedzi mitatu yomushandi anorima. Asi chii chinomirira pondo? Uye rudzii rwebasa urwo varanda vanofanira kuita nadzo?
Pondo dzinomirira zvinhu izvo vadzidzi vakaberekwa nomudzimu vanogona kushandisa mukuita vamwe vadyi venhaka voUmambo hwokudenga kutozosvikira pakuuya kwaJesu saMambo muUmambo hwakapikirwa. Pashure porumuko rwake nokuoneka kuvadzidzi vake, akavapa pondo dzokufananidzira dzokuita nadzo vadzidzi vazhinji nokudaro vachiwedzera kuboka roUmambo hwokudenga.
“Asi,” Jesu anopfuurira, “vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga [munhu mukuru], vakatuma nhume kumutevera, kundoti: ‘Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.’” Vanhu venyika vaIsraeri, kana kuti vaJudha, vasingabatanidzi vadzidzi vake. Pashure pokuenda kwaJesu kudenga, ava vaJudha kupfurikidza nokutambudza vadzidzi vake vakazivisa kuti vakanga vasingadi kuti ave mambo wavo. Neiyi nzira ivo vakanga vachiita savanhu venyika avo vakatuma boka renhume.
Varanda gumi vanoshandisa seiko pondo dzavo? Jesu anotsanangura, achiti: “Zvino wakati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake. Wokutanga akasvika, akati: ‘Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzine gumizve.’ Akati kwaari: ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta ane gumi.’ Wechipiri akasvika, akati: ‘Ishe, pondo yenyu yakawedzerazve pondo shanu.’ Akati kwaariwo: ‘Newe, ubate maguta mashanu.’”
Muranda ane pondo gumi anofananidzira boka, kana kuti chikwata, chavadzidzi kuvambira paPentekosta 33 N.V. kutozosvikira zvino iro rinobatanidza vaapostora. Avo vakawana pondo shanu vanofananidzirawo boka romukati menhambo imwe cheteyo yenguva iro, mukuwirirana namabanza avo namano, rinowedzera zvinhu zvatenzi wavo pasi pano. Mapoka ose ari maviri anoparidzira nokushingaira mashoko akanaka, uye somuuyo, vazhinji vane mwoyo wakarurama vakava maKristu. Vapfumbamwe vavaranda vakaita basa rinobudirira uye vakawedzera zvinhu zvavo.
“Zvino,” Jesu anopfuurira kuti, “mumwe akasvika, akati: ‘Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakanga ndachengeta mumucheka. Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu une hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’ Akati kwaari: ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu une hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha; zvino wakaregerereiko kuisa mari yangu mubhanga ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.’ Ipapo akati kuna vakanga vamirepo: ‘Mutorerei pondo iyo, muipe une pondo dzine gumi.’”
Kurasikirwa nepondo yokufananidzira kunoreva kurasikirwa nenzvimbo muUmambo hwokudenga nokuda kwomuranda akaipa. Hungu, iye anorasikirwa neropafadzo yokutonga, sokunge zvakadaro, pamaguta gumi kana kuti maguta mashanu. Cherechedzawo kuti muranda haanzi akaipa nokuda kwoushati hupi nohupi hwaanoita asi, panzvimbo pezvo, nokuda kwokukundikana kushanda nokuda kwewedzero yepfuma youmambo hwatenzi hwake.
Apo pondo yomuranda akaipa inopiwa kumuranda wokutanga, chirambidzo chinoitwa: “Ishe, watova nepondo dzine gumi.” Bva, Jesu anopindura, achiti: “Mumwe nomumwe une chinhu, uchapiwa; asi usina, uchatorerwa nezvaanazvo. Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, uyai navo pano, muvauraye pamberi pangu.” Ruka 19:11-27; Mateo 28:19, 20.
◆ Chii chinosunda muenzanisiro waJesu wepondo?
◆ Ndiani ari munhu mukuru, uye chii chiri nyika kwaanoenda kwairi?
◆ Ndivanaani vari vagari venyika, uye ivo vanoratidza sei ruvengo rwavo?
◆ Ndivanaani vari varanda, uye chii chinomirirwa nepondo?
◆ Neiko muranda mumwe achinzi akaipa, uye chii chinoreva kurasikirwa nepondo imwe?