-
Jerusarema Netemberi Yaizivikanwa naJesu‘Ona Nyika Yakanaka’
-
-
Jesu aiwanzoshanyira shamwari dzake Razaro, Mariya, naMarita kuBhetani, iyo yaiva “mamaira anenge maviri” nechokumabvazuva kweJerusarema. (Joh 11:1, 18, [NW, Ref., mashoko omuzasi]; 12:1-11; Ru 10:38-42; 19:29; ona “Nharaunda yeJerusarema,” papeji 18.) Mazuva mashomanana asati afa, Jesu akapinda muJerusarema achishandisa nzira yokuGomo reMiorivhi. Chimbofungidzira achimira achitarisa kumavirira kune guta iri orichema. (Ru 19:37-44) Nepaakanga ari, akaona guta racho sezviri kuratidzwa pamufananidzo uri pamusoro pepeji inotevera. Akazopinda muJerusarema, zvichida nerimwe remagedhi aro ari kumabvazuva akatasva mwana wembongoro. Vanhu vazhinji vakamurumbidza vachiti aizova Mambo waIsraeri.—Mt 21:9-12.
-
-
Jerusarema Netemberi Yaizivikanwa naJesu‘Ona Nyika Yakanaka’
-
-
[Mufananidzo uri papeji 31]
Zvakanga zvakaita kumavirira uri paGomo reMiorivhi muzuva raJesu
-