RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mifananidzo Miviri Yeminda Yemizambiringa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
    • Jesu anotaurazve mumwe mufananidzo. Iye zvino anoratidza kuti kutadza kwevatungamiriri vechitendero hakusi chete pakuti havana hanya nokushumira Mwari. Vanotova vanhu vakaipa. Jesu anorondedzera kuti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa, akaukomberedza noruzhowa, akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe, akauronzesa varimi, akaenda kunze kwenyika. Zvino mumwaka wakakodzera akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti awane zvimwe zvibereko zvomunda wacho wemizambiringa kuvarimi. Asi vakamutora, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda kwavari; uye iyeye vakamurova mumusoro, vakamuzvidza. Zvino akatuma mumwe, uye iyeye vakamuuraya; uye akatuma vamwe vazhinji, ivo vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho.”—Mako 12:1-5.

      Vaya vari kuteerera Jesu vachanzwisisa here mufananidzo uyu? Vanogona kuyeuka mashoko aIsaya aakataura achishora vaJudha okuti: “Imba yaIsraeri ndiwo munda wemizambiringa waJehovha wemauto, uye varume vaJudha ndiyo miti yaaida. Akaramba achitarisira kururamisira, asi kwaiva nokuputswa kwomutemo.” (Isaya 5:7) Iyi ndiyo pfungwa iri mumufananidzo waJesu. Muridzi wemunda ndiJehovha, uye munda wacho wakakomberedzwa uri kumiririra rudzi rwevaIsraeri, urwo rwunochengetedzwa neMutemo waMwari. Jehovha akatuma vaprofita kuti vadzidzise uye vabatsire vanhu vake kuti vave nezvibereko zvakanaka.

  • Mifananidzo Miviri Yeminda Yemizambiringa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
    • Havana kutomboziva kuti nemashoko avo vari kutozvipa mutongo, nokuti ivowo vamwe ‘vevarimi’ vari ‘mumunda wemizambiringa’ waJehovha, munda wacho uchireva rudzi rwevaIsraeri. Zvibereko zvinotarisirwa naJehovha kuvarimi ava zvinosanganisira kutenda muMwanakomana wake, Mesiya. Jesu anobva anyatsovatarisa kumeso oti: “Hamuna kumboverenga here rugwaro urwu runoti, ‘Dombo rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona. Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’?” (Mako 12:10, 11) Jesu anobva anyatsobudisa pachena zvaari kureva paanoti: “Ndokusaka ndichiti kwamuri, Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.”—Mateu 21:43.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe