Upenyu hwaJesu Noushumiri
Vanokundikana Kubata Jesu
JESU ave achidzidzisa mutembere uye achangobva kuudza vavengi vake vorudzidziso mienzanisiro mitatu iyo inoratidzira uipi hwavo. VaFarise vanoshatiriswa uye vanorangana kumupinza mukutaura chimwe chinhu chavanogona kumusungisa nacho. Ivo vanoronga rangano uye vanotuma vadzidzi vavo, pamwe chete navateveri vebato raHerodhe, kundoedza kumuita kuti akanganise.
“Mudzidzisi,” ava varume vanodaro, “tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu. Zvino tiudzei, munofungeiko? Munhu anotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?”
Jesu haasati achinyengedzwa namafadzahanzvadzi. Iye anoziva kuti kana akati, ‘Aiwa, hakusi kwapamutemo kana kuti kururama kubhadhara uyu mutero,’ iye achava nemhaka yokupandukira Roma. Bva, kana iye akati, ‘Hungu, munofanira kubhadhara uyu mutero,’ vaJudha, avo vanozvidza kuiswa kwavo pasi peRoma, vachamuvenga. Naizvozvo anopindura, achiti: “Munondiidzireiko, imi vanyengeri? Ndiratidzei mari yomutero.”
Apo ivo vanomuunzira iyo, iye anobvunza, achiti: “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?”
“ZvaKesari,” ivo vanopindura kudaro.
“Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”
Eya, apo ava varume vanonzwa iyi mhinduro younyanzvi, vanoshamiswa. Uye vanoenda vachimusiya ari oga.
Vachiona kundikano yavaFarise yokuwana chimwe chinhu chokurwisana naJesu, vaSadhuse, avo vanoti hakuna rumuko, vanomusvika uye vanobvunza, vachiti: “Mudzidzisi, Mosesi akati, ‘Kana munhu akafa asina vana, munun’una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana.’ Kwatiri kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiira munun’una wake mukadzi wake; nokudarowo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kune wechinomwe. Shure kwavose mukadzi akafawo. Zvino pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waaniko wavanomwe avo, nokuti vose vaiva naye.”
Mumhinduro Jesu anoti: “Hamuna kurashika here, nemhaka yokusaziva Magwaro, nesimba raMwari? Nokuti Kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga. Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamuna kurava here pabhuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti wakataura naye Mwari, akati: ‘Ndini Mwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho’? Haazi Mwari wavakafa asi wavapenyu; marashika kwazvo.”
Zvakare mapoka anokatyamadzwa nemhinduro yaJesu. Kunyange vamwe vavanyori vanobvuma, vachiti: “Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo.”
Apo vaFarise vanoona kuti Jesu anyaradza vaSadhuse, vanouya kwaari vari muboka rimwe. Kuti vamuedzezve, mumwe wavo anobvunza, achiti: “Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko?”
Jesu anopindura, achiti: “Wokutanga ndouyu: ‘Inzwai vaIsraeri, [Jehovha, NW] Mwari wedu, ndiye [Jehovha, NW] mumwe chete! Ida [Jehovha, NW] Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuno murairo mukuru kuna iyeyo.” Kutaura idi, Jesu anowedzera, kuti: “Murairo wose naVaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.”
“Zvakanaka Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo,” munyori anobvuma. “‘Kuti ndiye Mumwe chete, hakuno mumwe kunze Kwake’; nokumuda iye nomwoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nokuda wokwake sezvaanozvida iye, zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.”
Achiziva kuti munyori wacho apindura noungwaru, Jesu anomuudza, kuti: “Hauzi kure noushe hwaMwari.”
Kwamazuva matatu zvino—Svondo, Muvhuro, uye Chipiri—Jesu ave achidzidzisa mutembere. Vanhu vakamuteerera nomufarwa, bva vatungamiriri vorudzidziso vavhiringidzika vanoda kumuuraya. Mateo 22:15-40; Marko 12:13-34; Ruka 20:20-40.
◆ Iranganoi iyo vaFarise vanoronga kuti vabate Jesu, uye chii chingavapo kana akafanira kupa mhinduro yahungu kana kuti aiwa?
◆ Jesu anokundikanisawo sei kuedza kwavaSadhuse kumubata?
◆ Ndikumwe kuedzai kunoita vaFarise kuti vaedze Jesu, uye chii chiri muuyo wacho?
◆ Mukati moushumiri hwake hwokupedzisira muJerusarema, Jesu anodzidzisa mutembere mazuva mangani, uye nomuuyoi?