CHITSAUKO 28
“Ndimi Mega Makavimbika”
1, 2. Nei tingati Mambo Dhavhidhi aiziva marwadziro azvinoita kana munhu waunovimba naye akakurasisa?
MAMBO DHAVHIDHI aiziva marwadziro azvinoita kana munhu waunovimba naye akakurasisa. Kutonga kwake kwakambokanganiswa paakapandukirwa nevanhu vaaitonga. Dhavhidhi akapandukirwawo nevanhu vaaiona seshamwari dzepedyo. Funga nezvaMikari, mukadzi waDhavhidhi wekutanga. Pakutanga, “aida Dhavhidhi,” achimutsigira mumabasa ake samambo. Asi nekufamba kwenguva, “akatanga kumushora mumwoyo make,” achitoona Dhavhidhi ‘sebenzi.’—1 Samueri 18:20; 2 Samueri 6:16, 20.
2 Kwaivawo nachipangamazano wake, Ahitoferi. Mazano ake aitorwa sekunge ari kutobva kuna Jehovha pachake. (2 Samueri 16:23) Asi nekufamba kwenguva, murume uyu waaivimba naye, akava mutengesi achitsigira munhu aipandukira Dhavhidhi. Ko aipandukira Dhavhidhi wacho ndiani? Absaromu, mwanakomana wake wekubereka! Murume iyeye aida chinzvimbo, “akaramba achinyengedza mwoyo yevarume veIsraeri kuti vamufarire,” achitozviita kunge ndiye mambo. Kupanduka kwaAbsaromu kwakatozotsviriridza zvekuti Mambo Dhavhidhi akapedzisira atiza achitya kuurayiwa.—2 Samueri 15:1-6, 12-17.
3. Dhavhidhi aiziva chii nezvaJehovha?
3 Asi zvinoreva kuti hapana kana mumwe chete akaramba akavimbika kuna Dhavhidhi here? Paakanga ari mumatambudziko ake ese, Dhavhidhi aiziva kuti pane mumwe akanga akavimbika kwaari. Ndiani iyeye? Angagova ani kunze kwaJehovha Mwari. Dhavhidhi akati nezvaJehovha: “Makavimbika kumunhu akavimbika.” (2 Samueri 22:26) Asi chii chinombonzi kuvimbika, uye Jehovha anoratidza sei kuti akavimbika kutipfuura tese?
Chii Chinonzi Kuvimbika?
4, 5. (a) Chii chinonzi “kuvimbika”? (b) Kuvimbika kwakasiyana sei nekutendeka?
4 Shoko rekuti “kuvimbika” pamashandisirwo arakaitwa muMagwaro echiHebheru rinoreva kuramba uchida mumwe munhu uye uchimunzwira tsitsi chero zvodini. Zvarinoreva zvinopfuura zvinorehwa neshoko rekuti kutendeka. Munhu anogona kungova akatendeka nekuti ari kutevedzera zvaakaudzwa kuti aite. Asi kuvimbika kunobva parudo.a Uyewo, shoko rekuti “kutendeka” rinogona kushandiswa pazvimwe zvinhu kwete vanhu chete. Munyori wepisarema akadana mwedzi kuti “chapupu chakatendeka chiri kudenga” nekuti haukundikani kubuda kana nguva yacho yakwana. (Pisarema 89:37) Asi mwedzi haugoni kunzi wakavimbika. Nei tingadaro? Nekuti kuvimbika kwakabatana nerudo, urwo rusingakwanisi kuratidzwa nezvinhu zvisina upenyu.
Mwedzi unonzi chapupu chakatendeka, asi haukwanisi kuratidza kuvimbika sekwaJehovha, nekuti haufungi sezvinoita vanhu kana ngirozi
5 Pamashandisirwo arakaitwa muMagwaro, shoko rekuti kuvimbika rine pfungwa yeushamwari. Hativimbiki kumunhu watisingazivi kana kuti munhu watisina ukama kana ushamwari naye. Kuvimbika hakungoitiki kwenguva diki kwopfuura. Hakuna kuita semasaisai egungwa anongotevera kunenge kuchienda mhepo. Kuvimbika hakuchinjwi nematambudziko atinosangana nawo kunyange akaoma zvikuru.
6. (a) Vakawanda vari kuratidza sei kuti havana kuvimbika mazuva ano, uye izvi zvinoratidzwa sei muBhaibheri? (b) Ndeipi nzira yakanakisisa yekudzidza nayo kuti kuvimbika kunorevei?
6 Kuvimbika kwakadaro hakuwanzowaniki mazuva ano. Shamwari dzepedyo dzinowanzogara “dzichiitirana zvakaipa.” Nyaya dzevanhu vari kusiya varume vavo kana madzimai avo dziri kuramba dzichiwanda. (Zvirevo 18:24, Maraki 2:14-16) Kusavimbika kwawanda zvekuti tinonyatsoona kuti mashoko emuprofita Mika ndeechokwadi ekuti: “Panyika hapasisina munhu akavimbika.” (Mika 7:2) Kunyange zvazvo vanhu vachiwanzokundikana kuva vakavimbika, Jehovha akavimbika zvinoshamisa. Tingatoti nzira yakanakisisa yekudzidza nayo kuti kuvimbika kunorevei inosanganisira kuongorora kuti Jehovha anoratidza sei kuvimbika paanenge achiratidza rudo rwake.
Hapana Akavimbika Kupfuura Jehovha
7, 8. Nei tingati Jehovha ndiye ega akavimbika?
7 Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha richiti: “Ndimi mega makavimbika.” (Zvakazarurwa 15:4) Nei zvakadaro? Hakuna here vamwe vanhu kana kuti ngirozi vakaratidza kuvimbika kunoshamisa? (Jobho 1:1; Zvakazarurwa 4:8) Ko Jesu Kristu? Haasi iye anonzi “akavimbika” waMwari here? (Pisarema 16:10) Saka nei zvichizonzi Jehovha ndiye ega akavimbika?
8 Yeuka kuti kuvimbika kwakabatana nerudo. Sezvo “Mwari [ari] rudo,” ndiani angaratidza kuvimbika zvakakwana kupfuura Jehovha? (1 Johani 4:8) Ngirozi kana vanhu vangagona havo kuva vakavimbika asi Jehovha chete ndiye akavimbika zvakakwana. Sezvo ari iye “Wemazuva Mazhinji,” ava nenguva yakareba akavimbika kupfuura chero chisikwa chipi zvacho, chingava chiri kudenga kana panyika. (Dhanieri 7:9) Pana Jehovha ndipo patingatodzidza chinonzi kuvimbika. Hapana chimwe chisikwa chinomudarika pakuva akavimbika. Ngationei mimwe mienzaniso.
9. Nei tingati Jehovha “akavimbika pazvese zvaanoita”?
9 Jehovha “akavimbika pazvese zvaanoita.” (Pisarema 145:17) Sei tichidaro? Mhinduro tinoiwana muPisarema rechi136. Pisarema iroro rinotaura mabasa aJehovha ekununura, kusanganisira kununura kunoshamisa kwaakaita vaIsraeri paGungwa Dzvuku. Cherechedza kuti ndima imwe neimwe yepisarema iri inopedzisa nemashoko ekuti: “Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.” Pisarema iri riripowo pamagwaro ari pachikamu chakanzi “Mibvunzo Yekufungisisa” chiri papeji 289. Patinoverenga mavhesi aya zvinonyatsova pachena kuti Jehovha akaratidza rudo rusingachinji kuvanhu vake nenzira dzakasiyana-siyana. Jehovha anoratidza kuti akavimbika kuvashumiri vake vakatendeka paanonzwa kuchema kwavo pavanenge vachida kubatsirwa uye paanovanunura panguva yakakodzera. (Pisarema 34:6) Rudo rwaJehovha kuvashumiri vake haruchinji chero bedzi vachiramba vakavimbika kwaari.
10. Jehovha anoratidza sei kuti akavimbika panyaya yemitemo yake?
10 Jehovha anoratidzawo kuvimbika kuvashumiri vake nekusachinja mitemo yake yakarurama. Jehovha haachinji-chinji maonero aanoita zvakarurama nezvisina kururama sezvinoita vanhu, avo vanongoerekana vachinja mitemo pavangozvifungira kana kuti vachiitira kuti zvivanakire. Kwezviuru nezviuru zvemakore, maonero aanoita zvinhu zvakadai sechidhimoni, kunamata zvidhori, uye kuuraya, haana kumbochinja. “Ndicharamba ndakadaro kusvikira pauchakwegura,” akadaro Jehovha achishandisa muprofita wake Isaya. (Isaya 46:4) Saka tine chivimbo chekuti kutevedzera mitemo yakajeka iri muShoko raMwari kuchatibatsira.—Isaya 48:17-19.
11. Ipa mienzaniso inoratidza kuti Jehovha haatombokundikani kuzadzisa zvaanenge avimbisa.
11 Jehovha anoratidzawo kuvimbika nekuzadzisa zvaanenge avimbisa. Kana akataura kuti chimwe chinhu chichaitika, chinotoitika. Ndosaka akazoti: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richatoita zvese zvandinofarira, uye richatobudirira pane zvandinorituma kuti riite.” (Isaya 55:11) Kuzadzisa kwaanoita shoko rake kunoratidza kuti akavimbika kuvanhu vake. Haavasiyi vakamirira chimwe chinhu iye achiziva hake kuti haasi kuzochiita. Jehovha akavimbika panyaya iyi zvekuti mushumiri wake Joshua akati: “Hapana kana chimwe chete chisina kuitika pazvinhu zvese zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri; zvese zvakaitika.” (Joshua 21:45) Saka tine chokwadi chekuti hatisi kuzomboodzwa mwoyo nekuti Jehovha haambokundikani kuzadzisa zvaanenge avimbisa.—Isaya 49:23; VaRoma 5:5.
12, 13. Nei tingati rudo rwaJehovha rusingachinji “runogara nekusingaperi”?
12 Sezvatambokurukura, Bhaibheri rinotiudza kuti rudo rwaJehovha rusingachinji “runogara nekusingaperi.” (Pisarema 136:1) Nei zvakadaro? Chikonzero chekutanga ndechekuti kana Jehovha aregerera anenge aregerera zvachose. Sezvatakakurukura muChitsauko 26, Jehovha haamutsi nyaya dzaakatokanganwira kare. Sezvo “vanhu vese vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari,” mumwe nemumwe wedu anofanira kutenda Jehovha kuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.—VaRoma 3:23.
13 Asi pane chimwe chikonzero chinoita kuti titi rudo rwaJehovha rusingachinji runogara nekusingaperi. Shoko rake rinotaura kuti munhu akarurama “achaita semuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, muti unobereka michero mumwaka wawo, une mashizha asingasvavi. Uye zvese zvaanoita zvichabudirira.” (Pisarema 1:3) Muti wakasvibira, une mashizha asingatombosvavi! Ndizvo zvatichaitawo isu kana tichifarira Shoko raMwari nemwoyo wese; tichava neupenyu hurefu, hune rugare, uye tichaita mabasa akanaka. Makomborero aJehovha aanopa vashumiri vake vakatendeka anogara nekusingaperi. Zvechokwadi munyika itsva yakarurama ichaunzwa naJehovha, vanhu vanoteerera vachanyatsoona kuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Jehovha “Haazosiyi Vanhu Vake Vakavimbika”
14. Jehovha anoratidza sei kuti anokoshesa kuvimbika kwevashumiri vake?
14 Kubvira kare, Jehovha agara achiratidza kuti akavimbika. Sezvo Jehovha asingachinji, kuvimbika kwake kuvashumiri vake vakatendeka hakumbodereri. Munyori wepisarema akati: “Ndaimbova mudiki asi iye zvino ndakwegura. Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa, kana vana vake vachitsvaga zvekudya. Nekuti Jehovha anoda kutonga zvakarurama, uye haazosiyi vanhu vake vakavimbika.” (Pisarema 37:25, 28) Jehovha ndiye Musiki wedu, saka zvakatokodzera kuti timunamate. (Zvakazarurwa 4:11) Kunyange zvakadaro, anocherechedza uye anokoshesa zvatinoita pakumunamata.—Maraki 3:16, 17.
15. Tsanangura kuti mabatiro akaita Jehovha vaIsraeri anoratidza sei kuvimbika kwake.
15 Jehovha anoratidza rudo rwake rusingachinji nekuramba achibatsira vanhu vake pavanenge vari mumatambudziko. Munyori wepisarema anotiudza kuti: “Anochengetedza upenyu hwevanhu vake vakavimbika; anovanunura mumaoko evakaipa.” (Pisarema 97:10) Funga zvaakaitira vaIsraeri. Pashure pekununurwa vachipinda nemuGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakaimbira Jehovha vachiti: “Matungamirira vanhu vamakadzikinura nerudo rwenyu rusingachinji.” (Eksodho 15:13) Zvechokwadi paakanunura vaIsraeri paGungwa Dzvuku airatidza rudo rusingachinji. Ndosaka Mozisi akaudza vaIsraeri kuti: “Hakusi kuti Jehovha akakudai akakusarudzai nekuti makanga makawanda kupfuura mamwe marudzi ese, nekuti ndimi maitova vashomanana pamarudzi ese. Asi Jehovha akakubudisai neruoko rune simba, kuti akudzikinurei muimba yeuranda, muruoko rwaFarao mambo weIjipiti, nekuti Jehovha aikudai, uye nekuti aichengeta mhiko yaakapikira madzitateguru enyu.”—Dheuteronomi 7:7, 8.
16, 17. (a) VaIsraeri vakaratidza sei kuti vakanga vasingakoshesi rudo rwaJehovha rusingachinji, asi iye airatidza sei kuti aiva netsitsi navo? (b) Vakawanda vevaIsraeri vakaratidza sei kuti vakanga “vasisabatsiriki,” uye izvi zvinotidzidzisei?
16 Tinoziva hedu kuti vaIsraeri vakatadza kuratidza kuti vaikoshesa rudo rwaJehovha rusingachinji, nekuti pashure pekunge vanunurwa “vakaramba vachimutadzira nekupandukira Wekumusorosoro.” (Pisarema 78:17) Vakaita mazana nemazana emakore vachiramba vachipanduka, vachisiya Jehovha vachinonamata vanamwari venhema uye vachitevera tsika dzisina kuchena dzemamwe marudzi. Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kuputsa sungano yake. Jehovha akatoteterera vanhu vake achishandisa muprofita Jeremiya, achiti: “Dzokai, haiwa imi vaIsraeri vakatsauka . . . handizokutarisii ndakatsamwa, nekuti ndakavimbika.” (Jeremiya 3:12) Asi sezvinotaurwa muChitsauko 25, vazhinji vevaIsraeri havana kumbozviteerera. Vakatoseka “nhume dzaMwari wechokwadi, uye vakazvidza mashoko ake, vakanyomba vaprofita vake.” Zvikazosvika papi? Vakamugumbura kusvikira “atsamwira vanhu vake zvikuru, kusvikira vasisabatsiriki.”—2 Makoronike 36:15, 16.
17 Tinodzidzei pane zvakaitika izvi? Kana zvichinzi Jehovha akavimbika hazvirevi kuti anongoramba achiratidza kuvimbika kwacho pasinei nezvatinoita. Ichokwadi kuti Jehovha “azere nerudo rusingachinji,” uye anofarira kunzwira tsitsi kana zvakakodzera kuti adaro. Ko kana munhu akaratidza uipi hwekuti haachachinji? Kana zvasvika pakadaro, Jehovha haasiyi mitemo yake yakarurama uye anobva apa mutongo. Sezvakaudzwa Mozisi, Jehovha “haazombosiyi munhu ane mhosva asina kurangwa.”—Eksodho 34:6, 7.
18, 19. (a) Kuparadza kwaJehovha vakaipa kunoratidza sei kuti akavimbika? (b) Jehovha acharatidza sei kuvimbika kwake kuvashumiri vake vakatambudzwa kusvikira pakufa?
18 Kuranga vakaipa kunoita Jehovha kunotoratidza rudo rwake rusingachinji. Sei tichidaro? Mhinduro tinoiwana pamashoko akaudzwa ngirozi naJehovha mubhuku raZvakazarurwa ekuti: “Endai munodururira ndiro nomwe dzekutsamwa kwaMwari panyika.” Ngirozi yechitatu painodurura ndiro yayo “munzizi nemuzvitubu zvemvura,” zvinobva zvava ropa. Ngirozi yacho inobva yati kuna Jehovha: “Imi, iye aripo uye akanga aripo uye akavimbika, makarurama, nekuti mapa mitongo iyi, nekuti vakadeura ropa revatsvene nerevaprofita, uye mavapa ropa kuti vanwe; izvozvo ndizvo zvakavakodzera.”—Zvakazarurwa 16:1-6.
19 Cherechedza kuti iri pakati pekusvitsa mashoko emutongo ayatumwa nawo, ngirozi inotaura nezvaJehovha ichiti “akavimbika.” Nei ichidaro? Nekuti paanenge achiparadza vakaipa anenge achiratidza kuvimbika kuvashumiri vake, vakawanda vavo vakatambudzwa kusvika pakufa. Jehovha anoratidza kuvimbika nekuramba achirangarira vanhu vakadaro. Anotosuwa kuonazve vanhu ava vakatendeka, uye Bhaibheri rinotaura kuti chinangwa chake ndechekuvapa mubayiro wekuvamutsa. (Jobho 14:14, 15) Jehovha haakanganwi vashumiri vake vakavimbika nemhaka bedzi yekuti havasisiri vapenyu. Bhaibheri rinototi “kwaari vese vapenyu.” (Ruka 20:37, 38) Chinangwa chaJehovha chekumutsa vanhu vari mundangariro dzake chinonyatsoratidza kuti akavimbika zvakadini.
Jehovha achayeuka, omutsa vaya vakaratidza kuvimbika kusvikira parufu
Rudo rwaJehovha Rusingachinji Runozarura Mukana Wekuponeswa
20. Ndivanaani vanonzi “midziyo yengoni,” uye Jehovha anoratidza sei kuti akavimbika kwavari?
20 Munhoroondo yese yevanhu, Jehovha agara achingoratidza kuti akavimbika kuvanhu vakatendeka. Ava nezviuru zvemakore achiratidza “mwoyo murefu kwazvo kumidziyo yekuitirwa hasha yakakodzera kuparadzwa.” Nei akadaro? “Akaita izvi kuti azivise pfuma yekukudzwa kwake pamidziyo yengoni, yaakagara agadzirira kuti aizokudza.” (VaRoma 9:22, 23) Vanonzi “midziyo yengoni” ndivo vaya vakazodzwa nemweya mutsvene kuti vazotonga pamwe naKristu muUmambo hwake. (Mateu 19:28) Kupa kwakaita Jehovha midziyo yengoni mukana uyu kwakaita kuti arambe akavimbika kuna Abrahamu, waakanga aita sungano naye achimuvimbisa kuti: “Marudzi ese epanyika achazviwanira chikomborero nekumwana wako nekuti wateerera inzwi rangu.”—Genesisi 22:18.
21. (a) Jehovha anoratidza sei kuvimbika ‘kuboka guru revanhu’ vane tariro yekupona ‘pakutambudzika kukuru’? (b) Kuvimbika kwaJehovha kunoita kuti ude kuita sei?
21 Jehovha anoratidza kuvimbika kwakadarowo ‘kuboka guru revanhu’ vane tariro yekupona ‘pakutambudzika kukuru’ uye yekurarama nekusingaperi muparadhiso pasi pano. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14) Kunyange zvazvo vashumiri vake vari vanhu venyama vanotadza, Jehovha anoratidza kuvimbika nekuvapa mukana wekurarama nekusingaperi muparadhiso pasi pano. Anozviita sei? Anoshandisa rudzikinuro, rwunova ndirwo rwunoratidza kuvimbika kwaJehovha kupfuura zvimwe zvese. (Johani 3:16; VaRoma 5:8) Kuvimbika kwaJehovha kunoita kuti vaya vane nzara yekururama vade kuva pedyo naye. (Jeremiya 31:3) Haunzwi uchida kuva pedyo naJehovha here paunofunga nezvekuvimbika kwaakaratidza uye kwaacharatidza? Sezvo chiri icho chido chedu kuswedera pedyo naMwari, ngatiratidzei kuti tinomudawo nekuramba tichimushumira takavimbika.
a Shoko rakashandurwa kuti “kuvimbika” pana 2 Samueri 22:26, pane mamwe mavhesi rakashandurwa kuti “rudo rusingachinji.”