-
Zvatingaita Kuti Tirambe Tichishumira Jehovha TichifaraNharireyomurindi—2014 | March 15
-
-
8, 9. (a) Upenyu hwechirikadzi yaishayiwa hwainge hwakaita sei? (b) Chirikadzi yacho ingava yainetseka nei?
8 Jesu paaiva patemberi muJerusarema akaona imwe chirikadzi yaishayiwa. Muenzaniso wechirikadzi iyi unogona kutibatsira kuti tirambe tichifara pasinei nezvatisingakwanisi kuita. (Verenga Ruka 21:1-4.) Funga kuti upenyu hwechirikadzi iyi hwainge hwakaita sei. Yainge yakafirwa nemurume uyewo yaitsungirira zvaiitwa nevatungamiriri vechitendero avo vaitosarudza ‘kuparadza dzimba dzechirikadzi’ pane kudzibatsira. (Ruka 20:47) Yaiva murombo chaizvo zvokuti yaingokwanisa kupa mari yaienderana neyaiwanikwa nemushandi mumaminitsi mashomanene.
9 Fungidzira kuti chirikadzi yacho yainzwa sei payaipinda muchivanze chetemberi iine tumari twayo tuviri. Kuti ingava yainetseka kuti yaizopa mari shoma ichienzanisa neyayaimbokwanisa kubvisa murume wayo achiri mupenyu here? Kana kuti yaizonyara here ichiona vaiva mberi kwayo vachipa mari yakawanda, zvichida ichifunga kuti chipo chayo chaisatombokosha? Kunyange ingava yaiva nemafungiro iwayo, yakaita zvayaikwanisa kuti itsigire kunamata kwechokwadi.
-
-
Zvatingaita Kuti Tirambe Tichishumira Jehovha TichifaraNharireyomurindi—2014 | March 15
-
-
11. Ungadzidzei panyaya yechirikadzi?
11 Zvaunokwanisa kuitira Jehovha zvinoenderana nemamiriro ako ezvinhu. Vamwe vanopedza nguva shoma vachiparidza mashoko akanaka nemhaka yezera ravo kana kuti kurwara. Zvingava nemusoro here kuti vanhu ava vafunge kuti hazvikoshi kushuma basa ravo? Kunyange kana mamiriro ako ezvinhu asina kunyanya kuoma, unganzwa sokuti maawa ako aunoita mashoma zvakanyanya kana uchienzanisa nemaawa ose anopedzwa nevanhu vaMwari vachiparidza gore negore. Asi nyaya yechirikadzi yaishayiwa inotidzidzisa kuti Jehovha anoona uye anokoshesa chero chinhu chatinomuitira, kunyanya kana tikachiita tiri mumariro ezvinhu akaoma. Chimbofunga zvawakaita mubasa raJehovha gore rakapera. Une imwe awa yawakatamburira here kuita basa rake? Kana zvakadaro, unogona kuva nechokwadi chokuti anokoshesa zvawakaita muawa iyoyo. Kana uchiita zvose zvaunokwanisa pakushumira Jehovha sezvakaitwa nechirikadzi yaishayiwa, une chikonzero chakasimba chokuti udavire kuti ‘uri mukutenda.’
-