-
Waizviziva Here?Nharireyomurindi—2008 | March 1
-
-
Tumari tuviri twechirikadzi twaikosha zvakadini?
Muzana remakore rokutanga C.E., gore negore vaJudha vaibhadhara mutero wetemberi “wemadrakema maviri,” wakanga wakaenzana nemari yaitambirwa kana munhu ashanda kwemazuva maviri. (Mateu 17:24) Asi Jesu akati shiri duku mbiri dzaitengeswa “nemari isingakoshi,” yakaenzana neyaitambirwa nomunhu ashanda maminitsi 45. Kutaura zvazviri, shiri duku shanu dzaigona kutengwa nemari iyi yakapetwa kaviri, kana kuti nemari yaibhadharwa munhu kana ashanda maminitsi 90.—Mateu 10:29; Ruka 12:6.
Chipo chepatemberi chakapiwa nechirikadzi yaishayiwa yakaonekwa naJesu chakanga chakaderera nokure kana tichienzanisa nemari iyoyo. Mari mbiri idzi ndidzo dzaiva mari duku dzesimbi pane dzose dzaishandiswa muIsraeri panguva iyoyo. Yakanga iri pasi pemari yaitambirwa nomunhu ainge ashanda maminitsi 12 pabasa raishandwa kwemaawa 12.
Jesu Kristu akakoshesa chipo chechirikadzi achiti chakanga chakakura kupfuura zvevose vakanga “vadonhedzera vachibvisa pamari yavo yakasara.” Nei Jesu akadaro? Nhoroondo yacho inoti chirikadzi iyi yaiva no“tumari tuviri twaisambokosha,” saka yaigona kunge yakapa imwe chete yosara neimwe yacho. Asi mukadzi uyu akapa ‘yose yaakanga ainayo, yaimuraramisa.’—Mako 12:41-44; Ruka 21:2-4.
-
-
Waizviziva Here?Nharireyomurindi—2008 | March 1
-
-
[Mifananidzo iri papeji 12]
Mari yelepton, makuriro ayakaita chaiwo
-