RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Umambo hwaMwari Hwava Kutonga!
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 2. Zvinhu zvakamira sei panyika uye vanhu vakatanga kuva neunhu hwakaita sei kubva muna 1914?

      Vadzidzi vaJesu vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chekuti mavapo uye chekuti nyika yava kumagumo kwayo?” (Mateu 24:3) Jesu akavapindura achivaudza zvinhu zvakawanda zvaizoitika paaizotanga kutonga saMambo weUmambo hwaMwari ari kudenga. Zvimwe zvacho zvinosanganisira hondo, nzara, uye kudengenyeka kwenyika. (Verengai Mateu 24:7.) Bhaibheri rakagara rataura unhu hwaizova nevanhu “mumazuva ekupedzisira” uye izvozvo zvaizoita kuti dzive nguva “dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Timoti 3:1-5) Zvese izvi zvakatanga kuwedzera muna 1914.

      3. Nei zvinhu zvakabva zvaipa kudaro pakatanga kutonga Umambo hwaMwari?

      Paakangogadzwa saMambo weUmambo hwaMwari, Jesu akarwa hondo kudenga naSatani nemadhimoni. Satani akakundwa muhondo yacho. Bhaibheri rinoti “akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.” (Zvakazarurwa 12:9, 10, 12) Satani akashatirwa chaizvo nekuti ari kuziva kuti achaparadzwa. Saka ari kukonzera nhamo nematambudziko pasi rese. Ndosaka zvinhu zvakaipa kudai panyika! Umambo hwaMwari huchabvisa matambudziko ese aya.

  • Umambo hwaMwari Hwava Kutonga!
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 5. Zvinhu zvakachinja panyika kubva muna 1914

      Ngationei VHIDHIYO.

      VHIDHIYO: Zvinhu Zvakachinja Panyika Kubva Muna 1914 (1:10)

      Jesu akataura zvinhu zvaizoitika panyika pashure pekunge agadzwa kuva Mambo. Verengai Ruka 21:9-11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Pane zvataurwa mumavhesi aya, ndezvipi zvauri kuona zvichiitika kana zvawakanzwa nezvazvo?

      Pauro akataura nezveunhu hwaizova nevanhu mumazuva ekupedzisira eutongi hwevanhu. Verengai 2 Timoti 3:1-5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Pane zvataurwa mumavhesi aya ndezvipi zvauri kuonawo muvanhu mazuva ano?

      Mifananidzo: Mifananidzo iri kuratidza zviri kuitika panyika mumazuva ekupedzisira. 1. Mutungamiriri wemauto achishevedzera akasimudza ruoko. 2. Zvivakwa zvaparara pashure pekudengenyeka kwenyika. 3. Ndege dzehondo. 4. Vanhu vari kufamba vakavhara muromo nemhuno. 5. Zvivakwa zvinonzi Twin Towers zviri muNew York zvichiparadzwa nemagandanga. 6. Munhu ari kuzvibaya madhiragi. 7. Murume ari kushusha mukadzi. 8. Doro nemadhiragi akasiyana-siyana. 9. Vakadzi vaviri vakapfeka hembe dziri mufashoni vachizvitora pikicha. 10.Vanhu vari pamafaro. 11. Munhu ari kuratidzira akabata chinhu chaari kuda kupotsera.
Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe