RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?
    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2020 | Nha. 2
    • Jesu akati: “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira umambo. Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo dzakawanda muchava nenzara nematenda.” (Ruka 21:10, 11) Zvinhu izvi zvaizova chiratidzo chakajeka chekuti “Umambo hwaMwari hwava pedyo.” Zvinhu izvi zvaizoitika panguva imwe chete pasi rese here? Ngatimboonai.

  • Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?
    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2020 | Nha. 2
    • 2. KUDENGENYEKA KWENYIKA

      Kudengenyeka kwenyika kuri kuparadza zvivakwa.

      Bhuku rinonzi Britannica Academic rinoti kudengenyeka kunenge 100 kwakasimba zvekugona kuparadza zvinhu, kunoitika gore negore. Vaongorori veUnited States Geological Survey vachitora kubva pane zvakaitika kutangira munenge mugore ra1900 vanoti, “tinogona kutarisira kudengenyeka kunenge 16 kwakasimba pagore.” Vamwe vanoti kudengenyeka kwagara kwaingoitika. Asi kungoti takanga tisina michina yaitibatsira kuti tione kudengenyeka kwese kwaiitika. Pasinei nezvavangataura kudengenyeka kuri kukonzera kutambura uye kufa kwevakawanda chaizvo.

      3. NZARA

      Chati iri kuratidza kuderera kwegoho.

      Nzara inokonzerwa nehondo, uori, matambudziko ezveupfumi munyika, kutadza kurima uye kukundikana kuita zvinenge zvichienderana nemamiriro ekunze. Sangano reWorld Food Programme muna 2018 rakati: “Pasi rese vanhu vanenge 821 miriyoni havana zvekudya zvakakwana uye 124 miriyoni havana kana chekubata.” Vana vanosvika 3,1 miriyoni vanofa gore rega rega nemhaka yekushaya zvekudya zvinovaka muviri. Muna 2011, inenge hafu yevana vakafa gore iroro yakafa zvichikonzerwa nekushaya zvekudya.

      4. ZVIRWERE

      Zviratidzo zvemabhakitiriya.

      Rimwe bhuku rakabudiswa nesangano reWorld Health Organization rakati: “Makore ekuma2000 akatanga nezvirwere zvinotyisa. Vanotiwo zvirwere zvagara zvichizivikanwa zvakadai sekorera, neyero fivha zvakadzoka zvekare. Uye kwatova nezvimwe zvitsva zvakadai seSARS, furuwenza, Ebola uye Zika.” Mazuva ano, kunewo COVID-19. Pasinei nekufambira mberi kuri kuitwa mune zvekurapa, vanachiremba havasi kukwanisa kuwana mishonga inogona kupedza zvirwere zvese.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe