Akawana Chishuvo Chomwoyo Wake
CHISHUVO chomwoyo wako here kuona Umambo hwaMesia huchidzora papasi rose? Kana zvakadaro, unoshuva ndokunyengeterera zvikomborero zvapasi zvakapikirwa muUmambo ihwohwo hwokudenga. Shivirira, ipapoka, nokuti “kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.”—Zvirevo 13:12; Jakobho 5:7, 8.
Anodokusvika makore 2 000 apfuura, muJerusarema maigara munhu “wakakwana waida Mwari” Simeoni. Iye aitenda uporofita hwaMesia, uye “waitarira kunyaradzwa kwavaIsraeri” nenzira yokushivirira.—Ruka 2:25.
Uporofita hwaMesia Hunopa Tariro
Jehovha akasakisa uporofita hwokutanga hwaMesia—uhwo hwakapa tariro kurudzi rwomunhu runotadza norunofa. Mwari akadeya kutaura kuuya kweMbeu yo“mukadzi” wake, kana kuti sangano romuchisiko chose.—Genesi 3:15.
Iyeyo akaziviswa sembeu yaAbrahama, uye Jakobho akadeya kutaura kuuya kwake. (Genesi 22:17, 18; 49:10) Mbiri dzoUmambo hwaMesia dzakarumbidzwa mumapisarema. (Pisarema 72:1-20) Isaya akadeya kutaura kuti Mbeu yaizoberekwa nemhandara, uye Mika akaporofita kuti kubereka kwacho kwaizoitika muBhetrehema. (Isaya 7:14; Mika 5:2) Ihwohwu hunongova bedzi hushomanene hwouporofita hwakawanda hwaMesia.
Kwakanga Kuchiri Kusina Mesia!
Rangarira pamusoro penguva yakapfuura, uye fungidzira kuti zana rokutanga ramakore N.V. riri kusvika. Uporofita hwapakuvamba hwaMwari hwaMesia zvino hwagara makore 4 000. VaJudha vakatambura ruparadziko rwetembere yaJehovha, kuitwa dongo kwenyika yokumusha kwavo, utapwa hwamakore 70 muBhabhironi, uye mamwe makore 500 okuzviisa pasi pavatongi vaVamarudzi. Kwakanga kuchiri kusina Mesia!
VaJudha vaitya Mwari vakashuva sei kuuya kwaMesia! Kwaari kwaizobva zvikomborero zvichienda kwavari nokumarudzi ose.
Murume Airemekedzwa
Pakati pavaJudha vairemekedzwa vaishuva nokunyengeterera kuuya kwaMesia pana Simeoni, mubatiri akwegura akatendeka waJehovha aigara mudzimbahwe reJudhea. Chimwe chinhu chaicho chaitika kuna Simeoni.
Mwari aisa mudzimu mutsvene wake pana Simeoni uye amutusa nechiratidzo. Simeoni haasati achizoona rufu kutozosvikira aona Uyo achava Mesia. Asi mazuva nemwedzi zviri kupfuura. Simeoni ari kukwegura uye haatongogoni kukarira kurarama kwenguva refu zvikuru. Ko chipikirwa chaMwari kwaari chichazadzikwa here?
Rimwe zuva, (muna 2 P.N.V.), varoorani vaduku vane mwana vanouya kutembere vachibva Bhetrehema. Mudzimu mutsvene unozivisa kuna Simeoni kuti iri ndiro zuva rakamirirwa kwenguva refu. Iye anoenda kutembere, uko achaona Uyo vaporofita vakanyora nezvake. Achikurumidza nokukurumidza kunobvumidza zera rake, anoona Josefa, Maria, uye mwana.
Simeoni anobata mwana Jesu mumaoko ake nomufaro wakadini! Iyeyu achava Mesia akapikirwa—“Kristu waJehovha.” Paukweguru hwakadaro, Simeoni haagoni kukarira kuona Jesu achiita basa rake rapasi. Bva, kunoshamisa kumuona somucheche. Uporofita hwaMesia huri kuvamba kuzadzikwa. Simeoni anofara sei! Zvino achagutswa kurara murufu kutozosvikira parumuko.—Ruka 2:25-28.
Mashoko Ouporofita aSimeoni
Sezvo Simeoni anosimudza inzwi rake mukurumbidza Jehovha, tinomunzwa achiti: “Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake norugare sezvamakareva; nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzira pamberi pavanhu vose; chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsraeri.” Baba vokurera vaJesu, Josefa, uye amai Vake, Maria, vanopfuurira kushamisika pamusoro paaya mashoko.—Ruka 2:29-33.
Chitarisiko chaSimeoni chinojeka sezvo anokomborera Josefa naMaria, sezviri pachena achivashuvira chikomborero chaJehovha mukuita mitoro yavo kumwana. Ipapo chiso chomukweguru chinova chinoratidza kukomba. Achinangidzira tsinhiro dzake kuna Maria oga, iye anowedzera, kuti: “Tarira, mwana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsraeri, chichava chiratidzo chicharambwa; uye munondo uchabaya mweya wakowo; kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzizivikanwe.”—Ruka 2:34, 35.
Kutaura kwaSimeoni kuna Maria
Fungidzira kuti Maria akanzwa sei. Simeoni akarevei? Vamwe vaizogamuchira Kristu ndokusimudzwa mumugariro wavo wakatowa. Zvisinei, vamwe vaizomuramba, kugumburwa naye, uye kuwa. Sezvakadeya kutaurwa, Jesu akabvumikisa kuva chigumbuso kuvaJudha vakawanda. (Isaya 8:14; 28:16) Mashoko aSimeoni haarevi kuti vaIsraeri vamwe navamwe vaizotanga kuwa mukusatenda uye ipapo kumuka mukutenda kupfurikidza nokugamuchira Jesu. Panzvimbo pezvo, kuita kwaari kwaizosiana navanhu vakasiana-siana, kuchiratidzira kurangarira kwemwoyo yakawanda nokutungamirira kurutongeso rwaMwari kwavari nokuda kwezvakanaka kana kuti nokuda kwezvakashata. Kuvasingatendi, aizova sechiratidzo, kana kuti muzvidzwi. Kupfurikidza nokumutenda, vamwe vaizosimudzwa vachibva mukufa mukudarika nezvivi uye vaizosvika pakufarikanya chimiro hakarurama naMwari. Zviito zvavanhu kuna Mesia zvaizoratidza chakanga chiri mumwoyo yavo.
Zvakadiniko nezvamashoko aSimeoni, anoti: “Munondo uchabaya mweya wakowo”? Hapana chiratidzo chapaMagwaro chokuti Maria akabaiwa nomunondo chaiwoiwo. Bva, kurambwa kwaJesu navoruzhinji kwaizomutambudza. Uye kwairwadza sei nokuda kwaMaria kuona Jesu akarovererwa kudanda! Ikoku kwakanga kwakafanana nokubaiwa kwake nomunondo.
Simeoni Anoshandisa Uporofita hwaMesia
Mudzimu waMwari wakanga wasunda Simeoni kushandisa uporofita hwaMesia kuna Jesu. Simeoni aigona kufa murugare, kana kuti murunyararo, ‘nemhaka yokuti meso ake akanga aona mutoo waMwari wokuponesa uyo Iye akanga agadzirira marudzi ose achiona, chiedza chokubvisa chifukidziro pamarudzi nembiri yavanhu Vake Israeri.’ (Ruka 2:30-32) Ikoku kwakasanoshanda sei kumashoko ouporofita aIsaya!
Muporofita iyeyo akadeya kutaura, kuti: “Kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, nyama yose ichazviona pamwe chete.” “Ini [Jehovha] ndakakupawo [Mesia] nokuda kwechiedza chamarudzi, kuti ruponeso rwangu rugosvika kumugumo wapasi.” (Isaya 40:5; 42:6; 49:6, NW; Isa 52:10) Magwaro echiKristu echiGiriki namaidi anooneka chifo chenguva iyeyo zvakatsigira kuti Mesia, Jesu Kristu, ndiye chiedza chechokwadi chamarudzi, Uyo wokubvisa chifukidziro cherima romudzimu ndokuunza ruponeso kuvanhu.
Shoko raMwari haritaurizve pamusoro paSimeoni akwegura. Sezviri pachena akafa Kristu asati azarura nzira yokuupenyu hwokudenga. Nguva refu isati yapera, ipapoka, Simeoni achamutsirwa kuupenyu pasi pano. Mufaro wakadini iye—uye iwe—munogona kuwana munyika itsva muUmambo hwaMesia hwaMwari!