Ganhuro 3
Ko Tsika Iripoyi Ichagara Kusvikira Rini?
1. Pamsoro pezvipikirwa zveBhaibheri, ko vazhinji vedu vakabvunzei?
NDOKWOMUZVARIRWO bedzi kuda kuziva kuti ichava nguva refu yakadini kutozosvikira apo zvinoitika zvinorondedzerwa nomutoo wakasamarara zvikuru muBhaibheri uye zvinoperera muArmagedhoni zvaitika. Ko tsika yakaipa iripoyi ichaparadzwa riini? Ko isu tichararama kuti tione pasi richiva nzvimbo umo vadi vokururama vanogona kufarikanya rugare nechengeteko zvakakwana here?
2. (a) Ko vaapostora vaJesu vakabvunza mubvunzoi wakafanana? (b) Ko tinoziva chaizvoizvo apo tsika iripoyi yakaipa ichaguma here? (c) Asika Jesu akagovera mashokoi anobetsera zvikuru?
2 Jesu Kristu akagovera mashoko anoudzame hwose akatanhamara anopindura mibvunzo iyoyo. Akaita kudaro apo vaapostora vake vakamubvunza, kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Pamsoro pokuparadzwa chaikwo kwetsika yakaipa iripoyi, nomutoo wakajeka Jesu akati: “Pamsoro pezuva iroro neawa hakuna munhu anoziva, kunyange ngirozi dzokumatenga kana kuti Mwanakomana, asi Baba bedzi.” (Mateo 24:3, 36) Asika iye akarondedzera muudzame huna mashoko ose akati kuti chizvarwa chaizoona “mhedziso [chiGiriki: syn·teʹlei·a] yetsika yezvinhu,” nhambo yenguva inosvika ku“mugumo [chiGiriki: teʹlos].” Zviravire umene muBhaibheri rako pana Mateo 24:3–25:46, uyewo munhauro dzinowirirana pana Marko 13:4-37 naRuka 21:7-36.
3. Ko tinoziva sei kuti mhinduro yaJesu yakanga isati iri yokungorondedzera bedzi zvinoitika zvomuzana rokutanga ramakore?
3 Zvaunorava nhauro idzi, uchaziva kuti, murutivi bedzi, Jesu akanga achirondedzera zvinoitika zvinosvika uye zvinobatanidza kuparadzwa kweJerusarema netembere yaro muna 70 N.V. Kunooneka kuti iye akanga achirangarirawo chimwe chinhu chinobatanidza zvinhu zvizhinji. Neiko? Nokuti pana Mateo 24:21 iye anotaura nezve“dambudziko guru serisakamboitika kubvira pamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uye harizati richizoitikazve.” Ikoku kunoda kunopfuura zvikurusa kuparadzwa kweguta rimwe navanhu vanobatwa mariri. Pana Ruka 21:31 zvinoitika zvinorondedzerwa zvinonzi zvinonongedzera kukuuya kwo“umambo hwaMwari” hwanguve huchimirirwa. Chii chiri “chiratidzo” chakatanhamara icho Jesu akati chirindwe?
CHIRATIDZO CHOMUBATANIDZWA
4. Chii chiri “chiratidzo” chakapiwa naJesu?
4 Iye akadeya kutaura hondo, kuperevedza kwezvokudya, nhenda dzinopararira, kudengenyeka kwapasi kukuru, nomudzimu usina rudo mukati menguva yokuwedzerwa kwokusateererwa kwomutemo, asika hapana nechimwe chaizvozvi choga bedzi chiri “chiratidzo.” Mativi ose akadeya kuziviswa anofanira kuzadzika munduramo yechizvarwa chimwe kuti mufananidzo ugova wakakwana. Inobatanidzwawo yaizova “shungu yamarudzi asingazivi nzira yokubuda nayo . . . vanhu vachipera simba nokutya” nokuda kwezvinoitika mumatenga ari kumusoro nomumakungwa akaapoteredza. (Ruka 21:10, 11, 25-32; Mateo 24:12; enzanisa 2 Timotio 3:1-5.) Mukusiana naikoku kwose, asi sorutivi rwechiratidzo, Jesu akadeya kuzivisa kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwemburumbwa yose pasinei hapo nokutambudza kwamarudzi ose vateveri vake. (Marko 13:9-13) Ko kurondedzera ikoko kwomubatanidzwa kunokodzera chose chose nguva yatiri kurarama mairi here?
5. Chii chaizoita kuti zvinoitika izvi zvive zvinopfuura kudzokororwa kwenhau?
5 Vanyombi vangaseka, vachiti kwave kune hondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, zvichingunodaro, zvakadzokororwa zvadzokororwazve munhau yomunhu. Asika zvinoitika zvakadaro zvinova nerevo chaiyoiyo apo izvo zvinooneka pamwe chete zvose, kwete bedzi munzvimbo shomanene dziri dzoga, asi pamwero wemburumbwa yose kwenhambo yakatambanuka yenguva inovamba negore rakadeya kuziviswa kare kare pachine nguva mberi.
6, 7. Ndizvinoitikai nemigariro zvezana rino rechi 20 zvinoenzanirana chose chose nechiratidzo ichocho chomubatanidzwa? (Pakupindura, shandisa Bhaibheri rako kuratidzira zviri zvikamu zvechiporofita chaJesu zvauri kukurukura.)
6 Rangarira maidi aya: Hondo yakagundika muna 1914 yakanga iri yemwero mukuru zvokuti yakazozivikanwa sehondo yokutanga yenyika, uye chifocho rugare haruna kutongodzokera zvamazvirokwazvo kupasi. Pashure peHondo yeNyika I pakasvika imwe yenzara hurusa idzo vanhu vasakambowana, uye kunyange nhasi vanhu vana mamirioni ane 40 pagore vanofa nokuperevedza kwezvokudya. Murakatira weSpania wa 1918 wakauraya upenyu pamwero usingaenzanisirwi munhau yehosha, uye pasinei hapo nokunzvera kwesayenzi, makumi amamirioni avanhu kunyange zvino anotapurwa negomarara, hosha yomwoyo, hosha dzinopomeranwa muvatano dzinosemesa, musarara, chipfunga noutara. Huzhinji hwokudengenyeka kwapasi kukuru hwakawedzera nakanenge kane 20 pane hwakanga huripo pakuenzanisirwa mukati mamakore ane zviuru zviviri pamberi pa 1914. Kutya neshungu pamwero wemburumbwa yose kunoonesa nhamo vanhu vamazera ose. Pakati pezvikonzero pane nhamo yezvepfuma, utsotsi hwamasimba masimba netyisidziro yokuparadzanywa muhondo yenyukireya nezvombo zvinokandwa zvichibva mungarava dzinoita chamunyurududu kana kuti zvinovhiririkira pasi zvichibva mumatenga—chimwe chinhu chisaitongobvira pamberi pezana ramakore rechi 20.
7 Pakati paikoku kose kuziviswa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwechienzi kwenyika yose kuri kuitwa, sokudeya kuzivisa kwakaita Jesu. Munyika dzinopfuura 200 nezvitsuwa zvomumakungwa, Zvapupu zvaJehovha zvinopira mazana amamirioni amaawa gore rimwe nerimwe, pachena, kubetsera vanhu vanobva mumufambiro wose woupenyu kunzwisisa revo yezvinoitika izvi zvenyika mukubetserwa neShoko raMwari. Nomutoo wokudisisa Zvapupu zvinoratidzira vanhu nzira yokupukunyuka nayo nomu“dambudziko guru” savadzorwi voUmambo hwaMwari. Uye Zvapupu zvinoita ikoku pasinei hapo neidi rokuti, sokucherekedza kwakaita mumwe mushumo wenhau weCanada, izvo “zvichida zvinotsungirira chitambudzo chikuru nokuda kwemhaka duku kupinda rimwe boka ripi neripi rorudzidziso munyika.”
8. Inhamboi yenguva yakabatanidzwawo muchiporofita ichochi?
8 Tinofanirawo kurangarira kuti, sorutivi rwechiporofita chake, Jesu akaratidzira kupera kwenhambo yenguva chaiyoiyo, achiti: “Jerusarema richatsikwa-tsikwa namarudzi, kutozosvikira nguva dzakagadzwa dzamarudzi dzazadzika.” (Ruka 21:24) Ko “nguva dzakagadzwa” idzodzo dzakaguma here?
“NGUVA DZAKAGADZWA DZAMARUDZI”
9. (a) Chii chiri “Jerusarema” raka“tsikwa-tsikwa” namarudzi? (b) Ko ‘kutsika-tsika’ ikoko kwakavamba rini?
9 Kunzwisisa mhinduro yacho, tinofanira kunzwisisa revo yeJerusarema iro rimene. Guta rine dzimbahwe raro riri paGomo reZioni rakataurwa nezvaro se“taundi raMambo mukuru . . . guta raJehovha.” (Pisarema 48:2, 8; Mateo 5:34, 35) Madzimambo eimba youmambo yaDhavhidhi ainzi aigara “pachigaro choumambo chaJehovha.” Naizvozvo Jerusarema rakanga riri chiratidziro chinooneka chokuti Jehovha akanga achibata ushe mupasi. (1 Makoronike 29:23) Nokudaro apo mauto eBhabhironi akabvumidzwa naMwari kuparadza Jerusarema, kuendesa mambo waro muutapwa ndokusiya nyikayo yava dongo, akanga achitsika-tsika paUmambo hwaMwari sohwaidzorwa kupfurikidza nomuzukuru woumambo waMambo Dhavhidhi. Apo ikoko kwakaitika, mu 607 P.N.V., kwakaratidzira mavambo e“nguva dzakagadzwa dzamarudzi a[Vamarudzi].” Kubvira panguva iyeyo muzukuru waDhavhidhi haana kutongobata ushe samambo muJerusarema.
10. (a) Ko kuguma kwo‘kutsika-tsika’ kwaizorevei? (b) Ko Jesu panguva iyeyo aizobata ushe ari mu“Jerusarema” i, uye nei?
10 Ko zvino, kuguma kwo‘kutsika-tsika paJerusarema’ kwaizorevei? Kuti Jehovha akanga agadzazve pachigaro choumambo mambo waakasarudza iye amene, muzukuru waDhavhidhi, zvino kushandisa chiremera, pasati pachingova pakati pavaJudha bedzi, asi muzvinhu zvavanhu vose zvavo. Iyeyo ndiIshe Jesu Kristu. (Ruka 1:30-33) Asika iye aizobata ushe ari kupi? Ko kwaizova paguta rapasi reJerusarema here? Jesu akasanotaura kuti ropafadzo pamsoro poUmambo hwaMwari dzaizotorerwa Israeri wokunyama. (Mateo 21:43; onawo 23:37, 38.) Pashure pacho, vanamati vaMwari wechokwadi vaivimba ne“Jerusarema rokumusoro,” sangano rokudenga raMwari rezvisikwa zvomudzimu zvinovimbika, samai vavo. (VaGaratia 4:26) Maizova muJerusarema iroro rokudenga umo Jesu aizogadzwa pachigaro choumambo, kuti ashandise chiremera chokubata ushe kupasi. (Pisarema 110:1, 2) Kwaizoitika pakuguma kwe“nguva dzakagadzwa dzamarudzi.” Ikoko kwaizoitika rini?
11, nechati (peji 27). (a) Ko kupera kwe“nguva dzakagadzwa” kunowanwa sei? (b) Naizvozvo, chii chakavamba apo “nguva dzakagadzwa” idzedzo dzakaguma? (c) Ko vezvenhau vanorangarira sei 1914? (Ona peji 29.)
11 Makumi amakore pachine nguva mberi kwakazivikanwa kuti ikoku kwaizoitika muna 1914 pakupera kwokuzadzika kukuru kwe“nguva nomwe” dzaDhanieri 4:10-17.a Asi kunzwisiswa kuzere kwerevo yako kwakaitika pashoma napashoma mukati mamakore akatevera. Pashoma napashoma vadzidzi veBhaibheri vakaona pamberi pameso avo kuwadzanyurika kwezvinoitika zvose zvoudzame zvechiratidzo chomubatanidzwa izvo Jesu akataura kuti zvaizoratidzira kuvapo kwake kwokudenga musimba roUmambo. Kwakava kunooneka kuti ivo, zvamazvirokwazvo, vakanga vapinda mu“mhedziso yetsika yezvinhu,” kuti Kristu akanga avamba kubata ushe saMambo muna 1914 uye kuti mugumo wenyika yakaipa waizosvika mukati mechizvarwa chakaona mavambo ezvinhu izvi.
KO KARIRO DZAKO DZAKARURAMA ZVAKADINI?
12. Ikariroi dzisino kururama dzinoita iyi mhedziso ive yakaomera vamwe kubvuma? (Mateo 24:26, 27; Johane 14:3, 19)
12 Vamwe vanoziva nezvaaya maidi mukuzadzika kwechiporofita chaJesu vanokuwana kwakaoma kubvuma mugumo unonongedzerwa kwauri naiwawa. Neiko? Nemhaka yokuti vanokarira chimwe chinhuwo zvacho. Ivo vakadzidziswa kuti kuuya kwechipiri kwaKristu kwaizooneka uye kwaizoparira kutendeuka kukuru kwavanhu. Muzana rokutanga ramakore vaJudha vaivawo nekariro dzisina kuzadzika. Vaikarira kuti kuuya kwaMesia kwaizova pamwe chete nokuratidzirwa kwesimba raizovasunungura paRoma. Vachiomerera havo kukariro dzavo dzisina kururama, ivo vakaramba Mwanakomana waMwari amene. Haiwa kwaizova kusachenjera sei kudzokorora chikanganiso ichecho apo Kristu aripo musimba roUmambo! Haiwa kuri nani zvikuru sei kuona izvo Magwaro amene anoreva zvomenemene!
13. Ko Bhaibheri rimene rinobatanidza kuvapo kwaKristu nezvinoitikai?
13 Bhaibheri rinoratidzira kuti paizova pakati pavavengi vake apo Kristu aizovamba kubata ushe. (Pisarema 110:1, 2) Rinozivisa nezvokudzingwa kwaSatani namadhemoni ake mudenga vachitandirwa kunzvimbo yapasi pashure pokunge Kristu apiwa chiremera choUmambo; naizvozvo kwaizova nenhambo yenhamo yakawedzerwa nokuda kwapasi. (Zvakazarurwa 12:7-12) Mukati menguva iyoyo kwaizova nokuparidzirwa kwakakudziridzwa kweshoko roUmambo, kupa vanhu banza rokuita chiito vainomurangariro wokupukunyuka. (Mateo 24:14; Zvakazarurwa 12:17) Asika ikoko kwaizoparira kutendeuka kwenyika here? Mukupesana nezvo, Bhaibheri rinoratidzira kuti kwaizoteverwa noruparadziko rusingaenzaniswi munhau yomunhu. Kunyange zvazvo vanhu vasingazotongooni Jesu Kristu akapiwa mbiri nameso avo okunyama, vose vasina kubvuma nokudisisa maidi anoreva nezvokuvapo muUmambo kwaKristu vachagombedzerwa ku“ona” kuti ndiye uyo, sezvakadeya kuziviswa, ari kuunza ruparadziko pavari.—Zvakazarurwa 1:7; Mateo 24:30; enzanisa 1 Timotio 6:15, 16; Johane 14:19.
14, 15. Neiko kupfuura kwamakore chifo cha 1914 kusingapi chikonzero chokupanikira kuti tiri zvomenemene mu“mazuva okupedzisira”?
14 Asika zvino kupfuura kwamakore 70 chifo cha 1914 hakuzati here kuchiratidzira kuti pangava nokupanikira kwakati kuti pamsoro pokuti isu zvomenemene tave tiri mu“mazuva okupedzisira” chifo chegore irero uye kana kuuya kwaKristu semhondi kwaswedera pedyo? Nyangwe napaduku pose zvapo! Pamsoro paavo vaizoona kuzadzika kwe“chiratidzo” kubvira pamavambo acho, kutangira muna 1914, Jesu akati: “Zvamazvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachizati chichizotongopfuura kutozosvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.” (Marko 13:30) Mitezo yechizvarwa ichecho ichiri pano, kunyange zvazvo ichiderera muchiverengero nokukurumidza.
15 Ichokwadi kuti zviverengero zvinoratidzira kuti mwero wenduramo pamwero wemburumbwa yose zvino unongova hawo bedzi makore 60, asika mamirioni avanhu anorarama kupfuura zera irero. Mukuwirirana nezviverengero zvinowanikwa, muna 1980 vanenge 250 000 000 vaavo vakanga vari vapenyu muna 1914 vakanga vachiri vapenyu. Chizvarwa ichecho chichigere kupfuura. Zvisinei hazvo, nomutoo unofadza, pana avo vakaberekwa mu 1900 kana kuti pamberi pacho zvikuru, zviverengero zvakabudiswa neChibatanwa chaMarudzi zvinoratidzira kuti vane 35 316 000 vakanga vachiri vapenyu muna 1980. Naizvozvo chiverengero chinodzikira nokukurumidza apo vanhu vanosvika mumakumi manomwe avo nomumakumi masere. Paanorangarirwa pamwe chete noudzame hwose hwamashoko echiratidzo chechiporofita chaJesu, maidi aya anoratidzira zvakasimba kuti mugumo wava pedyo.—Ruka 21:28.
16. Naizvozvo, chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro?
16 Ino haizati iri nguva yokusaitira hanya. Inguva yokuita chiito nekurumidziro! Sokupa zano kwakaita Jesu vadzidzi vake: “Zvibvumikisei mumene kuva makagadzirira, nokuti paawa yamusati muchifunga kuva iyo, Mwanakomana womunhu [Jesu Kristu] anosvika.”—Mateo 24:44.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko ose oudzame, ona bhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come,” peji 127-39, 186-9.
[Bhokisi riri papeji 29]
Marangaririre Anoita Vezvenhau 1914
Nokuda kwezvikonzero zvakanaka, hondo yakavamba muna 1914 yakanzi Hondo Huru uye Hondo yeNyika I. Hakuna hondo inoparadza zvakadaro yakamborwiwa kare. Hondo chifocho dzakangopfuuridzira bedzi chakavamba muna 1914. Rangarira tsinhiro idzi pamsoro pemiuyo yegore irero rinokosha:
• “Hondoyo haina kungochinja bedzi mugariro wenyika yeEurope ndokutanga kumukira kwakaparadza umambo hutatu, asi kutapura kwayo kwakananga nokusina kunanga kwakapfuura iyoyo munenge munzvimbo iri yose. Pashure pehondo vose vari vaviri vezvamatongerwe enyika navamwe vakaedza kuderedza kana kuti kumisa kushanduka ndokudzorera zvinhu ku‘mugariro wenguva dzose’ zvakare, kunyika yakanga iripo pamberi pa1914. Asi ikoko kwakanga kusingabviri. Kudengenyeka kwapasi kwave kuri kwamasimba masimba chose nokwakaredzvwa zvikuru zvokuti nyika yekare yasakadzwa kusvikira kunheyo yayo. Kwakanga kusino munhu aigona kuivakazve sezvayakanga yakaita, negadziriro dzayo dzokugara, pfungwa dzayo dzenyika nemirairo yayo yetsika.
“. . . Chinokosha chakanga chiri kuchinja kwemipimo kwakanga kwaitika uye kwakanga kwagadza chose chose mwero mutsva wemipimo munzvimbo zhinjisa. . . . Vakanga vasati vachingova bedzi varwi vairwa vakava vanoutsinye navasingakendengi nepfuma yavavakidzani. Hakuzati kuchingova bedzi kuti nyengedzo zhinji, kufungira mano kukuru nemipimo yenhema mizhinji zvakanga zvapera asiwo mipimo mizhinji yegamuchidzanwa youpenyu nokugarisana. Mipimo yakanga ichichinja, chinhu chiri chose chakaratidzika kuva chisina kutsiga, sokunge kuti zvinhu zvakanga zvisinazve kutsiga kupi nokupi—ndozvazvakanga zvakaitawo mugadziriro yezvemari uyewo noutere hwevatano, mirairo yezvamatongerwe enyika uyewo mitemo younyanzvi. . . .
“Kusachengeteka kukurusa kwakaratidzira nguva iyeyo kwakacherekedzwa zvikurukuru mune zvepfuma. Pano hondo yakanga yaparadzanya chose chose gadziriro yakabatana, inobvumirana yakasanodzikama ine mitemo yorumano nemipimo yakatsiga. . . . Murutivi urwu kwakanga kusingabviri kudzokera ku‘mugariro wenguva dzose.’”—Världshistoria—Folkens liv och Kultur (Stockholm; 1958), Vol. VII, peji 421, 422.
• “Hafu yezana yamakore yakanga yapfuura, asika chiratidzo icho ngwavaira yeHondo Huru yakasia pamuviri napamweya yamarudzi hachina kubva . . . Muuyo wokunyama nowetsika wouyu muedzo wakanga uri wokuti hapana chinhu chakasara chakanga chakafanana nechekare. Chaunga chose chose: gadziriro dzehurumende, miganhu yamarudzi, mitemo, mauto akashongedzerwa, wirirano dzenyika zhinji, asiwo pfungwa, upenyu hwemhuri, mari, nzvimbo, ukama chaihwo—chinhu chiri chose chakachinjwa chose chose. . . . Pakupedzisira vanhu vakarashikirwa nedzikamo yavo, zvokusatongozoiwanazve kusvikira nhasi.”—General Charles de Gaulle achitaura muna 1968 (Le Monde, November 12, 1968).
• “Chifo cha 1914, munhu ari wose anoziva nezvemiitiro iri munyika ave achitambudzika zvikuru kwazvo nechakaratidzika kuva kufamba kwakatemerwa mugumo nokwakagadzirirwa mugumo kwokuenda kuinotova ngwavaira huru zvikuru. Vanhu vazhinjisa vanofungisisa vakasvika pakurangarira kuti hakuna chinhu chingaitwa kudzivisa kuwira muruparadziko. Vanoona rudzi rwomunhu, segamba rengwavaira yechiGiriki, ruchisundidzirwa navamwari vane hasha uye risingachatongogoni kudzora mugumo waro.”—Bertrand Russell, New York Times Magazine, September 27, 1953.
• “Tichirangarira shure nomutoo wakajeka nguva ino tinosanoona nhasi kuti kugundika kweHondo yeNyika I kwakapinza muzana rechimakumi maviri ramakore ‘Nguva Dzenhamo’—mumashoko anorondedzera owezvenhau weBritain Arnold Toynbee—umo pepuko yedu isina kutongobuda. Nomutoo wakananga kana kuti nomutoo usina kunanga kupirutsika kwose kwamakore ana makumi mashanu kwakatangira shure muna 1914.”—The Fall of the Dynasties: The Collapse of the Old Order (New York; 1963), rakaitwa naEdmond Taylor, peji 16.
Asi chii chakaparira kuchinja kwakadaro kwezvinhu kunoputsanya nyika?
Bhaibheri bedzi rinopa tsananguro inogutsa.
[Chati iri papeji 27]
1914—Gore Rakaratidzirwa Nokuverengwa Kwenguva kweBhaibheri Nezvinoitika Zvenyika
Kuverengwa Kwenguva
→ Bhaibheri rakadeya kuzivisa nhambo ye“nguva nomwe,”
idzo pashure padzo Mwari aizopa ubati ushe
hwenyika kunowaakasarudza
→ Mavambo e“nguva nomwe”: 607 P.N.V.
→ Kuguma kwe“nguva nomwe”: 1914 N.V.
Jesu Kristu ipapo akagadzwa pachigaro choumambo
mudenga, akavamba kubata ushe pakati pavavengi
vake (Pisarema 110:1, 2)
Satani akadzingwa mudenga; nhamo kuvanhu
Mazuva okupedzisira akavamba (2 Timotio 3:1-5)
Zvinoitika Zvakadeya Kuziviswa Kuratidzira Mazuva Okupedzisira
→ Hondo (Hondo yokutanga yenyika yakavamba muna 1914;
rugare haruna kudzokera zvomenemene)
→ Nzara (Zvino inouraya upenyu huna
mamirioni 40 pagore)
→ Mirakatira yehosha (Pasinei hapo nokunzvera
kwesayenzi kwakafambira mberi)
→ Kudengenyeka kwapasi (Pamwero, kunenge kunowedzera
nakane 20 kune kuzhinji pagore kubvira 1914)
→ Kutya (Utsotsi, kuputsika kwepfuma,
kuparadza kwenyukireya)
Nyika yakaipa iripoyi ichaparadzwa naMwari chizvarwa chakaona 1914 chisati chapfuura (Mateo 24:3-34; Ruka 21:7-32)