-
Mibvunzo Inobva KuvaraviNharireyomurindi—1991 | July 15
-
-
Ruka 22:7, 8 inopa nguva, ichiti: “Zvino zuva rezvingwa zvisine mbiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa paseka naro, akatuma Petro naJohane, achiti: ‘Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye.’” Nhauro yacho inopfuurira, kuti: “Muti kumwene weimba: ‘Mudzidzisi unoti kwauri: “Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?”’” Naizvozvo madekwana iwayo Jesu akanga ane vane 12 nokuda kwechengeto yechiJudha. Iye akavaudza, kuti: “Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika.”—Ruka 22:11, 15.
-
-
Mibvunzo Inobva KuvaraviNharireyomurindi—1991 | July 15
-
-
Asi Jesu “aida zvikuru” kugoverana yaizova Paseka yokupedzisira yakanaka, uye usiku hwokupedzisira pamberi porufu rwake, navateveri vake vapedyosa, avo vakanga vafamba naye mukati mohwakawanda hwoushumiri hwake. Pamugumo pechidyo ichocho chePaseka, Jesu akavaudza nezvechengeto itsva iyo yaizochengetwa navateveri vake vose munguva yemberi. Waini yechengeto iyoyo yechiKristu yakanga ichiri munguva yemberi yaizomirira ropa re“sungano itsva” iyo yaizotsiva sungano yoMutemo.—Ruka 22:20.
-