RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chirairo chaShe—Chinofanira Kuchengetwa Kazhinji Sei?
    Nharireyomurindi—1994 | March 15
    • Kuchengeta Kumwe

      Uku kuchengeta kwakatangwa naJesu zuva raakafa. Iye akanga achengeta madyo echiJudha ePaseka ane vaapostora vake. Ipapo akapfuudza chimwe chechingwa chisina kuviriswa chePaseka kwavari, achiti: “Ichi muviri wangu, unopiwemi.” Tevere, Jesu akapfuudza mukombe wewaini, achiti: “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.” Akatiwo: “Rambai muchiita ikoku muchindiyeuka.” (Ruka 22:19, 20; 1 VaKorinte 11:24-26, NW) Uku kuchengeta kunonzi Chirairo chaShe, kana kuti Chirangaridzo. Ndiko kuchengeta bedzi uko Jesu akaraira vateveri vake kuchengeta.

      Chechi dzakawanda dzinotaura kuti dzinova nouku kuchengeta pamwe chete namamwe madyo adzo ose, asi zhinjisa dzinokuchengeta zvakasiana nenzira iyo Jesu akaraira. Zvichida musiano unokosha zvikurusa huzhinji hwokuchengeta kwacho. Dzimwe chechi dzinokuchengeta mwedzi nomwedzi, vhiki nevhiki, kunyange zuva nezuva. Ikoku ndiko uko Jesu akarangarira here apo akaudza vateveri vake, kuti: “Rambai muchiita ikoku muchindiyeuka”? The New English Bible inoti: “Itai ikoku sechirangaridzo changu.” (1 VaKorinte 11:24, 25) Chirangaridzo kana kuti kuchengeta kwegore negore kunochengetwa kazhinji sei? Kazhinji kazhinji, kamwe chete pagore.

      Yeukawo kuti Jesu akatanga uku kuchengeta uye ipapo akafa pamusi wekarenda yechiJudha waNisani 14.a Iroro rakanga riri zuva rePaseka, mutambo waiyeuchidza vaJudha nezvokununurwa kukuru kwavakanga vawana muEgipita muzana ramakore rechi 16 P.N.V. Panguva iyoyo, chibairo chegwaiana chakaguma noruponeso rwedangwe rechiJudha, nepo ngirozi yaJehovha yakarova matangwe ose eEgipita.—Eksodho 12:21, 24-27.

      Ikoku kunobetsera sei nzwisiso yedu? Eya, muapostora wechiKristu Pauro akanyora, kuti: “Paseka yedu, yakatibairwa, ndiKristu.” (1 VaKorinte 5:7) Rufu rwaJesu chakanga chiri chibairo chikuru zvikuru chePaseka, chichipa rudzi rwomunhu banza roruponeso rukuru kwazvo. Nokuda kwamaKristu, naizvozvo, Chirangaridzo chorufu rwaKristu chakatsiva Paseka yechiJudha.—Johane 3:16.

      Paseka kwakanga kuri kuchengeta kwegore negore. Nenzira ino mufungo, ipapoka, ndizvo zvakaitawo Chirangaridzo. Paseka—zuva iro Jesu akafa—nguva dzose yaiitika pazuva rechi 14 romwedzi wechiJudha Nisani. Nokudaro, rufu rwaKristu runofanira kurangarirwa kamwe pagore pamusi wekarenda unowirirana naNisani 14. Muna 1994 zuva iroro Chitanhatu, March 26, pashure pokuvira kwezuva. Neiko, kunyanguvezvo, kuchidaro kuti chechi dzechiKristudhomu hadzina kuita kuti zuva irori rive rokuchengeta chaiko? Kunzverwa kupfupi kwenhau kuchapindura mubvunzo iwoyo.

  • Chirairo chaShe—Chinofanira Kuchengetwa Kazhinji Sei?
    Nharireyomurindi—1994 | March 15
    • a Nisani, mwedzi wokutanga wegore rechiJudha, aivamba nokuoneka kwokutanga kwenjedzana. Nisani 14 nokudaro nguva dzose aisvika pajenaguru.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe