-
Mibvunzo Inobva KuvaverengiNharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | November
-
-
Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akapa vaapostora vake zano rekuti vasazvitsvagira chinzvimbo kana mukurumbira pakati pevamwe vatendi. Akavaudza kuti: “Madzimambo emamwe marudzi anozviita madzishe paari, uye vaya vane simba pamusoro pawo vanonzi Vabatsiri. Zvisinei, imi hamufaniri kuva vakadaro.”—Ruka 22:25, 26.
-
-
Mibvunzo Inobva KuvaverengiNharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | November
-
-
Saka Jesu airevei paakaudza vadzidzi vake kuti: “Zvisinei, imi hamufaniri kuva vakadaro”? Jesu aivaudza here kuti vasava nehanya nekugara zvakanaka kwevanhu vainge vakavapoteredza? Aiwa. Zvinoita sekuti Jesu ainetseka nezvevavariro yekupa kwakadaro.
Jesu paaiva panyika vanhu vakapfuma vaivavarira kuva nezita rakanaka nekupa mari yekutsigira zvinhu zvakadai semitambo yakasiyana-siyana yaiitirwa munhandare dzemitambo, kugadzira mapaki nekuvaka temberi uye kutsigira zvinhu zvakaita saizvozvo. Zvisinei, vaiita izvozvo nechinangwa chekuti vave nemukurumbira, vafarirwe nevanhu kana kuvhoterwa. Rimwe bhuku rinoti, “Kunyange zvazvo paiva nevamwe vaipa zvichibva pamwoyo, izvi zvaiwanzoitwa nevavariro yekuwana chinzvimbo mune zvematongerwo enyika.” Mafungiro iwayo ekuda chinzvimbo uye ekungozvifunga ndiwo aitaurwa naJesu kuti vateveri vake vadzivise.
Papera makore akati kuti, muapostora Pauro akasimbisa chokwadi ichocho chinokosha chekuti munhu ape aine vavariro yakanaka. Akanyorera vaKristu vaiva muKorinde kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaK. 9:7.
-