Upenyu hwaJesu Noushumiri
Nharo Dzinomuka
PAMBERI pezvi mumadekwana, Jesu akadzidzisa chifundo chakaisvonaka mubasa rokuzvininipisa kupfurikidza nokushambidza tsoka dzavaapostora vake. Pashure pezvo, iye akatanga Chirangaridzo chorufu rwake rwunosvika. Zvino, zvikurukuru nemhaka yeizvo zvichangobva kuitika, chinoitika chinoshamisa chinoitika. Vaapostora vake vanobatanidzwa munharo huru pamusoro pokuti ndiani wavo anoratidzika kuva mukurusa! Sezviri pachena, urwu rutivi rwegakava rinopfuurira.
Yeuka kuti pashure pokunge Jesu ashandurwa chitarisiko pagomo, vaapostora vakaita nharo pamusoro pokuti ndiani pakati pavo akanga ari mukurusa. Uyezve, Jakobho naJohane vakakumbira nzvimbo dzakatanhamara muUmambo, kuchiguma nerimwe gakava pakati pavaapostora. Zvino, pausiku hwake hwokupedzisira anavo, Jesu anofanira kuva anosuruvariswa sei nokuvaona vachiitiranazve nharo! Chii chaanoita?
Panzvimbo pokutuka vaapostora nokuda kwomufambiro wavo, zvakare Jesu anorangarira navo nenzira yokushivirira: “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi vabatsiri. Zvino imi musadaro. . . . Nokuti ndiani mukuru, ugere pakudya, kana unoshumira? Haasi iye ugere pakudya here?” Ipapo, achivayeuchidza nezvomuenzaniso wake, iye anoti: “Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira.”
Pasinei zvapo nokusakwana kwavo, vaapostora vakanamatirana naJesu mukati memiedzo yake. Naizvozvo iye anoti: “Ndinoita sungano nemi, sezvo Baba vangu vakaita sungano nemi youmambo.” (NW) Iyi sungano yomunhu oga pakati paJesu navateveri vake vakavimbika inovabatanidza naye kuti vagoverane umambo hwake hwoumambo. Chiverengero chakaganhurirwa bedzi chavane 144 000 pakupedzisira chinopinzwa musungano iyoyi yoUmambo.
Kunyange zvazvo vaapostora vachipiwa iyi kariro inoshamisa yokugoverana naKristu mukutonga kwoUmambo, ivo panguva ino vakaneta mumudzimu. “Imi mose muchagumburwa kwandiri usiku huno,” Jesu anodaro. Achiudza Petro kuti Iye amunyengeterere, Jesu anokurudzira, kuti: “Apo unenge wangodzokera bedzi, simbisa hama dzako.”—NW.
“Vana vaduku,” Jesu anotsanangura kudaro, “Ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti: ‘Kwandinoenda, imi hamungauyipo,’ saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo. Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvo kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.”
“Ishe, munoendepiko?” Petro anobvunza kudaro.
“Kwandinoenda, haunganditeveri zvino,” Jesu anopindura kudaro, “asi uchanditevera pashure.”
“Ishe, handikuteverei zvino neiko?” Petro anoda kuziva. “Ndichakufirai ini.”
“Uchandifira here?” Jesu anobvunza kudaro. “Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kuti nhasi, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”
“Kunyange ndikafanira kufa nemi,” Petro anoramba kudaro, “Handitongokurambi imi.” Uye apo vamwe vaapostora vanokombamira mukutaura chinhu chimwe chete, Petro anoganza, achiti: “Kana vose vakagumburwa kwamuri, ini handingatongogumburwi!”
Achinongedzera kunguva apo iye akatuma vaapostora parwendo rwokuparidzira rweGarirea vasina chikwama kana kuti hombodo yezvokudya, Jesu anobvunza, kuti: “Makashaiwa chinhu here?”
“Hakuna!” ivo vanopindura kudaro.
“Asi zvino, une chikwama, ngaachitore, nokudarowo une hombodo,” iye anodaro, “usine munondo, ngaatengese nguvo dzake, autenge. Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti: ‘Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.”
Jesu ari kunongedzera kunguva apo iye acharovererwa navaiti vezvakaipa, kana kuti vasingateereri mutemo. Iye ari kuratidzirawo kuti vateveri vake pashure paikoko vachatarisana nechitambudzo chakakomba. “Ishe, tarirai! heyi minondo miviri,” ivo vanodaro.
“Zvaringana,” iye anopindura kudaro. Sezvatichaona, kuva kwavo neminondo kuchakurumidza kubvumidza Jesu kudzidzisa chimwe chifundo chinokosha. Mateo 26:31-35; Marko 14:27-31; Ruka 22:24-38; Johane 13:31-38; Zvakazarurwa 14:1-3.
◆ Neiko nharo dzavaapostora dzichishamisa kwazvo?
◆ Jesu anobata sei nharo dzacho?
◆ Chii chinopedzwa nesungano iyo Jesu anoita navadzidzi vake?
◆ Murairoi mutsva unopa Jesu, uye unokosha sei?
◆ Kunyanyova nechivimboi kunoratidzira Petro, uye Jesu anotii?
◆ Neiko miraidzo yaJesu pamusoro pokutakura chikwama nehombodo yezvokudya yakasiana neiyo akapa pamberi pezvi?