-
Anonyengetera Achirwadziwa ZvikuruJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Jesu ari kunetseka zvikuru nezvekushoresa kwaachaita zita raBaba vake paachafa semunhu apara mhosva. Asi Jehovha ari kuteerera minyengetero yeMwanakomana wake uye ambotumira ngirozi kuti imusimbise. Kunyange zvakadaro, Jesu haamire kuteterera kuna Baba vake, anoramba “achinyengetera nomwoyo wose.” Ari kushungurudzika zvikuru. ‘Ziya rake rinotopedzisira rava semadonhwe eropa ari kudonhera pasi.’ Nyaya yaakatarisana nayo ihombe! Kana akasaramba akatendeka zvinogona kuita kuti iye nevamwe vanhu vanotenda maari varasikirwe neupenyu husingaperi.—Ruka 22:44.
-