Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kuramba Muruvazhe
PASHURE pokusiya Jesu mubindu reGetsemani nokutiza murutyo navasara vavaapostora, Petro naJohane vanomira mukutiza kwavo. Zvichida ivo vanosvikira Jesu apo iye ari kuendeswa kumba kwaAnasi. Apo Anasi anomutumira kuMuprista Mukuru Kayafasi, Petro naJohane vanotevera vari padaro rakanaka, sezviri pachena vakakamukana pakati porutyo nokuda kwoupenyu hwavo vamene uye itiro hanya yavo huru pamusoro pechichaitika kuna Tenzi wavo.
Vachisvika pamba hombe yaKayafasi, Johane anokwanisa kupinda muruvazhe, sezvo achizivikanwa nomuprista mukuru. Petro, zvisinei, anosiiwa akamira panze pasuo. Asi nokukurumidza Johane anodzokera uye anotaura kumuchengeti wesuo, mubatirisikana, uye Petro anobvumidzwa kupinda.
Panguva ino kwava kutonhora, uye varindiri veimba navakuru vakuru vomuprista mukuru vabatidza mwoto wamarasha. Petro anovakumbanira kuti adziirwe achimirira muuyo wokutongwa kwaJesu. Ipapo, muchiedza chomwoto wakajeka, muchengeti wesuo uyo akanga aita kuti Petro apinde anomuona zviri nani. “Iwewo, wakanga una Jesu weGarirea!” (NW) iye anodaro.
Ashatiriswa nokuzivikanwa, pamberi pavo vose Petro anoramba kusamboziva Jesu. “Handimuzivi uyewo handinzwisisi zvaari kutaura,” (NW) iye anodaro.
Pana ikoko, Petro anobuda pedyo nesuo. Ikoko, mumwe musikana anomucherechedza uye anotiwo kuavo vakamirapo: “Uyu murume akanga anaJesu weNazareta.” Zvakare, Petro anokuramba, achipika, kuti: “Handizivi munhu wacho!”—NW.
Petro anoramba ari muruvazhe, achiedza kuva asiri pachena sezvinobvira. Zvichida panguva ino anoshamiswa nokurira kwejongwe murima ramangwanani-ngwanani. Munguvayo, kutongwa kwaJesu kuri kufambira mberi, sezviri pachena achiendeswa murutivi rweimba pamusoro poruvazhe. Zvichida Petro navamwe vakamirira pasi vanoona kuuya nokuenda kwezvapupu zvakasiana-siana izvo zvinopinzwa kuzopupurira.
Inenge awa yapfuura chifo chaapo Petro agumisira kuzivikanwa somusonganiri waJesu. Zvino chiverengero chakati chaavo vakamira vakakomba chinokwira kwaari ndokuti: “Zvirokwazvo, newewo uri mumwe wavo, nokuti kutaura kwako kunokuzivisa.” Mumwe weboka ihama yokunyama yaMarkosi, ane nzeve iyo Petro akanga acheka. “Ndakakuona mubindu unaye, handina here?” (NW) iye anodaro.
“Handizivi munhu wacho!” Petro anodaro nesimba. Kutaura idi, kupfurikidza nokutuka nokupika kunhau yacho, chaizvoizvo, kudanira zvakaipa paari amene kana asiri kutaura zvokwadi, anoedza kuvapwisa kuti vose vakanganisa.
Seizvo chaizvo Petro anoita uku kuramba kwechitatu, jongwe rinorira. Uye panguva iyoyo, Jesu, uyo sezviri pachena abuda muberere pamusoro poruvazhe, anotendeuka uye anotarira kwaari. Nokukurumidza, Petro anoyeuka izvo Jesu ataura maawa mashomanene bedzi pamberi pezvi mukamuri rapamusoro: “Jongwe risati rarira kaviri, kunyange iwe uchandiramba katatu.” (NW) Aremerwa zvikuru nokurema kwechivi chake, Petro anobuda kunze uye anochema zvikuru.
Ikoku kwaigona sei kuitika? Pashure pokuva nechokwadi kwazvo nezvesimba rake romudzimu, Petro aigona sei kuramba Tenzi wake katatu munhevedzano inokurumidza? Migariro pasina panikiro yakabvurira Petro. Zvokwadi iri kuminamiswa, uye Jesu ari kuratidzirwa setsotsi rakaipa. Chiri chakarurama chiri kuitwa kuti chiratidzike kuva chakaipa, asina mhaka seane mhaka. Naizvozvo nemhaka yedzvinyiriro yenguva yacho, Petro anobviswa padzikamo. Kamwe kamwe pfungwa yake yakafanira yoruvimbiko inokangaidzwa. Kurusuruvaro rwake anokuvadzwa nokutya munhu. Ikoko ngakusatongoitika kwatiri! Mateo 26:57, 58, 69-75; Marko 14:30, 53, 54, 66-72; Ruka 22:54-62; Johane 18:15-18, 25-27.
▪ Petro naJohane vanopinda sei muruvazhe rwomuprista mukuru?
▪ Petro naJohane vari muruvazhe, chii chiri kuitika muimba?
▪ Jongwe rinorira kangani, uye Petro anoramba kuziva Kristu kazhinji sei?
▪ Kunorevei kuti Petro anotuka nokupika?
▪ Chii chinoparira Petro kuramba kuti anoziva Jesu?