Kuvirei Anokanganwira?
NYANZVI nomunyori wechiJudha Joseph Jacobs yakamborondedzera kanganwiro se“chakakwirira zvikurusa nechakaoma zvikurusa chezvidzidzo zvose zvetsika.” Zvamazvirokwazvo, vakawanda vanowana shoko rokuti “ndinokukanganwira” rakaoma zvikuru kutaura.
Kanganwiro, kunoratidzika kudaro, yakafanana zvikuru nemari. Inogona kushandiswa norusununguko uye nengoni pavamwe kana inogona kuchengetwa norutsuta nokuda kwomunhu amene. Yokutanga ndiyo nzira youmwari. Tinofanira kusakurira tsika dzokushandisa norupo apo kunouya kukanganwiro. Neiko? Nemhaka yokuti Mwari anokurudzira ikoku uye nemhaka yokuti mudzimu wokusakanganwira, wamatsive ungangoita bedzi kuti zvinhu zvive zvakaipa zvikuru.
Anowanzonzwiwa mashoko, okuti: “Handishatirwi; ndinotsiva!” Nenzira inosuruvarisa, uku kutaura inheyo inotungamira muupenyu hwakawanda nhasi. Mumwe mukadzi, somuenzaniso, akaramba kutaura kumuroora wake kwaanopfuura makore manomwe nemhaka yokuti, seizvo mukadzi wacho anotaura, “iye akandikanganisira zvikuru uye handina kutongokwanisa kumukanganwira.” Asi kunyarara kwakadaro, apo kunoshandiswa sechokuwana nacho ruregerero kuna nyakupomerwa kana sechombo chokuranga nacho, hakuwanzogutsa chishuvo chamatsive. Panzvimbo pezvo, kungangorebesa zvako gakava racho, kuchibvumira mafi makuru kutanga. Kana iri denderedzwa ramarwadzo rikasagurwa, masimba ane simba amatsive anogona kuparadza ukama uye kunyange utano hwomunhu.
Kukuvadza Kwomudzimu Wokusakanganwira
Apo mumwe munhu anenge asingakanganwiri, rwisano inovapo somugumisiro inoparira kunetseka. Uyewo, kunetseka kunogona kutungamira kuzvirwere zvakakomba. Dr. William S. Sadler akanyora, kuti: “Hakuna munhu anogona kunzwisisa zvizere kwazvo sachiremba chiverengero chikuru zvinoshamisa muzana chehosha yavanhu nokutambura iyo inorondwa zvakananga kukunetseka, rutyo, rwisano, . . . kufunga kwakaipa nokurarama kusina kuchena.” Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, nyongano yemirangariro inoparira kuvadziko huru sei? Chimwe chinyorwa chavanachiremba chinopindura, kuti: “Zviverengero . . . zvakaratidzira kuti zvikamu zviviri zvezvitatu zvavarwere vakaenda kuna chiremba vaiva nezviratidzo zvakaparirwa kana zvakaipiswa nokunetseka mundangariro.”
Hungu, kukasharara, pfundepfunde, uye ruvengo hazvisi zvisingakuvadzi. Iyi mirangariro inoparadza yakafanana nengura inopedza zvishoma nezvishoma muviri wemotokari. Kunze kwemotokari kungaratidzika kuva kwakaisvonaka, asi pasi pependi kuparadzika kuri kuitika.
Kunotokosha zvikuru, kuramba kwedu kukanganwira apo panenge pane hwaro hwengoni kunogonawo kutikuvadza mumudzimu. Mumeso aJehovha Mwari, tingava vakafanana nomuranda womumuenzanisiro waJesu. Muranda wacho akakanganwirwa chikwereti chihombe natenzi wake. Bva, apo muranda biyake akamuteterera kukanganwira chikwereti chiduku zvikuru, akanga ane hasha uye asingakanganwiri. Jesu akajekesa kuti kana tisingadisi zvakafanana kukanganwira, Jehovha acharamba kutikanganwirawo zvivi zvedu. (Mateo 18:21-35) Kana tiri vasingakanganwiri, naizvozvo, tingarasikirwa nehana yedu yakachena pamberi paMwari uye kunyange tariro yedu yenguva yemberi! (Enzanisa na 2 Timotio 1:3.) Chii, ipapoka, chatinogona kuita?
Dzidza Kukanganwira
Kanganwiro yechokwadi inobva mumwoyo. Inobatanidza kuregerera mhosho yomutadzi nokurega chishuvo chipi nechipi chamatsive. Nokudaro, ruramisiro yokupedzisira namatsive anobvira zvinosiyiwa musimba raJehovha.—VaRoma 12:19.
Kunofanira kucherekedzwa, zvisinei, kuti sezvo “mwoyo [uchi]nyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose,” nguva dzose haudi kukanganwira kunyange apo unofanira. (Jeremia 17:9) Jesu amene akati: “Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noufeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokumhura Mwari.”—Mateo 15:19.
Tinoonga kuti, mwoyo wedu unogona kurovedzwa kuita chiri chakarurama. Zvisinei, rovedzo yatinoda inofanira kubva kumanyuko akakwirira zvikuru. Hatigoni kuiita tiri toga. (Jeremia 10:23) Mumwe wezvamapisarema akafuridzirwa nenzira youmwari akaziva ikoku uye akanyengeterera nhungamiro yaMwari. Iye akakumbira Jehovha mumunyengetero, kuti: “Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezvirevo zvenyu.”—Pisarema 119:26, 27.
Mukuwirirana nerimwe pisarema, Mambo Dhavhidhi waIsraeri wakare akasvika pa“kunzwisis[a] nzira” yaJehovha. Iye akaiziva zvakananga ndokudzidza mairi. Nokudaro, akakwanisa kuti: “Jehovha une tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya.”—Pisarema 103:8, 13.
Tinofanira kudzidza sezvakaita Dhavhidhi. Funda nenzira yokunyengetera muenzaniso wakakwana waMwari wekanganwiro, pamwe chete nouyo woMwanakomana wake. Nokudaro, tinogona kudzidza kukanganwira kubva mumwoyo.
Bva, vamwe vangasanobvunza, kuti: Zvakadiniko nechivi chakakomba? Zvivi zvose zvinofanira kukanganwirwa here?
Kutsvaka Dzikamo
Apo mumwe munhu anenge atadzirwa zvakakomba, marwadzo acho anogona kuva makuru. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru kana munhu ari nyajambwa asina mhaka wechivi chakakomba. Vamwe vangatoshamisika kuti, ‘Ndinogona sei kukanganwira mumwe munhu akandichera zvakaipa ndokundikuvadza?’ Muchinoitika chechivi chakakomba icho chingagona kufanirwa nokudzinga, nyajambwa angafanira kushandisa zano raMateo 18:15-17.
Muchinoitika chipi nechipi, zvakawanda zvingatsamira pamutadzi. Kubvira pachakaipa chacho pave pane chiratidzo chipi nechipi chorupfidzo rwapachokwadi here? Mutadzi akachinja here, zvichida kunyange kuedza kuripa chaizvoizvo? Mumeso aJehovha rupfidzo rwakadaro ndichinokosha kukanganwiro kunyange muchinoitika chezvivi zvinotyisa zvirokwazvo. Somuenzaniso, Jehovha akakanganwira Manase, mumwe wamadzimambo akaipa zvikurusa munhau yaIsraeri. Pahwaroi? Mwari akaita saizvozvo nemhaka yokuti Manase pakupedzisira akazvininipisa amene ndokupfidza nzira dzake dzakaipa.—2 Makoronike 33:12, 13.
MuBhaibheri rupfidzo rwechokwadi runobatanidza chinjo yapachokwadi muchimiro chendangariro, kuzvidemba kwomwoyo wose pamusoro pezvakaipa zvipi nezvipi zvakaitwa. Uko kwakakodzera uye kunobvira, rupfidzo runoperekedzwa nenhamburiko yokuripa nyajambwa wechivi. (Ruka 19:7-10; 2 VaKorinte 7:11) Uko kusina rupfidzo rwakadaro, Jehovha haakanganwiri.a Uyezve, Mwari haakariri vaKristu kukanganwira avo vakambovhenekerwa mumudzimu asi avo zvino vanoita chakaipa nenzira yamaune, nenzira yokusapfidza. (VaHebheru 10:26-31) Muzvinoitika zvakakomba, kanganwiro ingasanova isakafanira.—Pisarema 139:21, 22; Ezekieri 18:30-32.
Kana kanganwiro ichibvira kana kwete, nyajambwa wechivi chakakomba angada kuyera mumwe mubvunzo: Ndinofanira kuramba ndiri muvhiringidziko yakakomba yemirangariro, ndichinzwa ndakuvadzwa zvakakomba uye ndakashatirwa, kutozosvikira nhau yacho yapedzwa zvizere here? Rangarira mumwe muenzaniso. Mambo Dhavhidhi akanzwa akuvadzwa zvikuru apo mutungamiriri wake wehondo, Joabhi, akaponda Abhina naAmasa, “varume vaviri vakarurama zvikuru navari nani kupfuura zvakanga zvakaita” Joabhi. (1 Madzimambo 2:32, NW) Dhavhidhi akataura hasha dzake uye nenzira isingapanikirwi kuna Jehovha mumunyengetero. Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, ukuru hwemirangariro yaDhavhidhi sezvingabvira hwakaderera. Haana kudzorwa nokutsamwa kusvikira kumugumo wamazuva ake. Dhavhidhi akatopfuurira kushanda naJoabhi, asi haana kungokanganwira zvake uyu muurayi asingapfidzi. Dhavhidhi akava nechokwadi chokuti ruramisiro yakaitwa pamugumo.—2 Samueri 3:28-39; 1 Madzimambo 2:5, 6.
Kungatora nguva nebasa avo vanokuvadzwa nechivi chakakomba chavamwe vasati vakurira kutsamwa kwavo kwapakutanga. Kupora kungava kuri nyore zvikuru apo mutadzi anobvuma chakaipa chake ndokupfidza. Zvisinei, nyajambwa asina mhaka wechivi anofanira kukwanisa kuwana nyaradzo norusununguko mukuziva kwake ruramisiro nouchenjeri zvaJehovha nomuungano yechiKristu, pasinei zvapo nenzira yomuiti wechakaipa.
Zivawo kuti apo unokanganwira mutadzi, ikoku hakusati kuchireva kuti uri kufuratira chivi chacho. Nokuda kwomuKristu, kanganwiro inoreva kusiyira nenzira yokuvimba nhau yacho musimba raJehovha. Iye ndiye Mutongi akarurama wechisiko chose, uye achaita ruramisiro panguva yakarurama. Ikoko kuchabatanidza kutonga “mhombwe navanofeva” vanonyengera.—VaHebheru 13:4.
Betsero Dzokukanganwira
Wezvamapisarema Dhavhidhi akaimba, kuti: “Nokuti imi, Ishe, makanaka, munofarira kukanganwira, mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri.” (Pisarema 86:5) Iwe, kufanana naJehovha, uno“farira kukanganwira” here? Betsero dzacho dzakawanda.
Yokutanga, kukanganwira vamwe kunosimudzira ukama hwakanaka. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu, kuti: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.”—VaEfeso 4:32.
Yechipiri, kanganwiro inounza rugare. Urwu harwusati rwuri chete rugare navanhu biyedu asi rugare rwomukatiwo.—VaRoma 14:19; VaKorose 3:13-15.
Yechitatu, kukanganwira vamwe kunotibetsera kuyeuka kuti isu timene tinoda kanganwiro. Hungu, “vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.
Yokupedzisira, kukanganwira vamwe kunozarura nzira kuti zvivi zvedu zvikanganwirwe naMwari. Jesu akati: “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo.”—Mateo 6:14.
Fungidzira zvinhu zvakawanda zvinofanira kuva zvakabatikanisa ndangariro yaJesu pamasikati orufu rwake. Akanga achiitira hanya pamusoro pavadzidzi vake, basa rokuparidza, uye zvikurukuru perero yake kuna Jehovha. Bva, kunyange apo akanga achitambura zvikuru padanda rokutambudzira, akataura nezvechii? Pakati pamashoko ake okupedzisira paiva neaya, “Baba, muvakanganwire.” (Ruka 23:34) Tinogona kutevedzera muenzaniso wakakwana waJesu kupfurikidza nokukanganwirana kuchibva mumwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvisinei, Jehovha anorangarira zvimwe zvinhu pakuyera kanganwiro. Somuenzaniso, kana mutadzi asingazivi mipimo yaMwari, kusaziva kwakadaro kungaderedza mutoro wemhaka. Apo Jesu akakumbira Baba vake kukanganwira vaurayi vake, Jesu sezviri pachena akanga achitaura nezvavarwi veRoma avo vakamuuraya. Ivo ‘vaisaziva chavakanga vachiita,’ vasingazivi nezvouyo akanga ari chaizvoizvo. Zvisinei, vatungamiriri vorudzidziso vaitsigira kuuraya ikoko vaiva nemhaka zvikuru kwazvo—uye nokuda kwavakawanda vavo, hakuna kanganwiro yaibvira.—Johane 11:45-53; enzanisa naMabasa 17:30.
[Mifananidzo iri papeji 5]
Wakawana here mufungowomuenzaniso waJesu womurandaasingakanganwiri?
[Mifananidzo iri papeji 7]
Kukanganwira vamwe kunosimudzira ukama hwakanaka uye kunounza mufarwa