Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Paradhiso inotaurwa muBhaibheri iri kupi?
▪ Jesu akavimbisa murume akanga ava kufa uyo akaratidza kutenda noushingi kuti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Murume iyeye aizova kupi? Paradhiso yaizova kudenga, panyika, kana kuti kune imwe nzvimbo uko vanhu vaizomirira kutongwa here?
Madzitateguru edu akambogara muParadhiso. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha Mwari akagadzira munda muEdheni, nechokumabvazuva, akaisamo munhu waakanga aumba. . . . Jehovha Mwari akabva atora munhu, akamugarisa mumunda weEdheni kuti aurime nokuutarisira.” (Genesisi 2:8, 15) Mashoko iwayo paakashandurirwa muchiGiriki, shoko rokuti “munda” rakanzi pa·raʹdei·sos, uye ndipo pakabva shoko rechiShona rokuti “paradhiso.”
Sezvinongoita mhuri inoti kana yava nevana vakawanda inowedzera kukura kwakaita musha wayo kuti uenderane nokukura kwayo, vabereki vedu vokutanga vaitarisirwawo kuti vawedzere miganhu yeEdheni mhuri yevanhu payaikura. Mwari akavaudza kuti: “Muzadze nyika, muikurire.”—Genesisi 1:28.
Saka chinangwa choMusiki wedu chaiva chokuti vanhu vagare uye vabereke vana muParadhiso pasi pano. Vaizorarama nokusingaperi mumunda wepanyika vasingazivi kuti chinonzi guva chii. Vanhu vaizofanira kugara panyika kusvika narini. Ndosaka zvinhu zvakasikwa zviri panyika zvichiita kuti tinakidzwe noupenyu! Takasikirwa kuti tirarame panyika yakanaka.
Chinangwa chaMwari chakachinja here? Kwete. Nokuti Jehovha anotivimbisa kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.” (Isaya 55:11) Makore anopfuura 3 000 pashure pokunge vanhu vasikwa, Bhaibheri rakataura nezve“Muumbi wenyika noMuiti wayo” kuti ‘haana kungoisikira pasina,’ asi “akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Zvinodiwa naMwari hazvina kuchinja. Nyika ichava paradhiso.
Chinonakidza ndechokuti ndima dzakawanda dzomuBhaibheri dzinotaura nezveParadhiso dzinenge dzichingotsanangura upenyu hwepanyika. Somuenzaniso, uprofita hwaIsaya hunoti: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo.” (Isaya 65:21) Ndekupi kunovakwa dzimba, kunodyarwa minda yemizambiringa? Ko kunodyiwa michero? Panyika. Zvirevo 2:21 inotaura zvakajeka kuti: “Vakarurama ndivo vachagara panyika.”
Jesu akataurawo nezveparadhiso yepanyika. Ichokwadi kuti akavimbisawo paradhiso yokudenga, asi iyi yaiva yevashoma vakasarudzwa. (Ruka 12:32) Pashure pokufa kwavo, ava vanomutsirwa kuParadhiso yokudenga vobatana naKristu kuti vatonge Paradhiso yepanyika. (Zvakazarurwa 5:10; 14:1-3) Ava vachatonga pamwe chete naKristu vachava nechokwadi chokuti Paradhiso yepanyika ichatungamirirwa zvakanaka uye ichachengetedzwa sezvinodiwa naMwari.
Jesu aiziva kuti ichi ndicho chaiva chinangwa chaMwari nokuda kwenyika pakuti aiva kudenga naBaba vake munda weEdheni pawakasikwa. Vanhu vose vanoratidza kutenda mazuva ano vanogona kuwana upenyu muparadhiso yeramangwana pasi pano. (Johani 3:16) Jesu anovimbisa vanhu vakadaro kuti: “Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:43.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
© FORGET Patrick/SAGAPHOTO.COM/Alamy