Upenyu hwaJesu Noushumiri
Akavigwa Chishanu, Guva Risina Munhu Svondo
PARI zvino kwava kupera kweChishanu masikati, uye Sabata raNisani 15 richavamba pakuvira kwezuva. Mutumbi wakafa waJesu wakarembera padanda, asi makororo maviri ari parutivi pake achiri mapenyu. Chishanu masikati chinonzi Gadziriro nemhaka yokuti ipapa ndipo apo vanhu vanogadzirira zvokudya ndokupedza rimwe basa ripi neripi rinokosha risingagoni kumira kutozosvikira pashure peSabata.
Sabata richakurumidza kuvamba harisati richingova bedzi Sabata renguva dzose (zuva rechinomwe revhiki) asiwo maSabata maviri, kana kuti “guru.” Rinodanwa ikoku nemhaka yokuti Nisani 15, iro riri zuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Kuviriswa wamazuva manomwe (uye nguva dzose iSabata, pasinei zvapo nezuva revhiki uyo unosvika), unosvika pazuva rimwe chetero neSabata renguva dzose.
Mukuwirirana nomutemo waMwari, mitumbi haifaniri kuregwa yakarembera padanda usiku hwose. Naizvozvo vaJudha vanokumbira Pirato kuti rufu rwaavo vari kuurawa rukurumidziswe kupfurikidza nokuvhuna makumbo avo. Varwi, naizvozvo, vanovhuna makumbo amakororo maviri. Asi sezvo Jesu achiratidzika kuva afa, makumbo ake haasati achivhunwa. Ikoku kunozadzika rugwaro, runoti: “Fupa rake haringavhunwi.”
Zvisinei, kubvisa panikiro ipi neipi yokuti Jesu afa chaizvoizvo, mumwe wavarwi anopinza pfumo murutivi make. Pfumo rinobaya nzvimbo yomwoyo wake, uye nokukurumidza ropa nemvura zvinobuda. Muapostora Johane, uyo ari chapupu chakaona, anoshuma kuti ikoku kunozadzika rumwe rugwaro: “Vachatarira Uyo wavakabvoora.”
Aripowo pakuuraya ndiJosefa weguta reArimatea, mutezo wakakurumbira weSanihedrini. Iye akaramba kuvhotera chiito chisina kururama chedare rapamusoro chokurwisana naJesu. Josefa zvomenemene mudzidzi waJesu, kunyange zvazvo ave achitya kuzvizivisa amene saakadaro. Zvino, zvisinei, iye anoshandisa ushingi uye anoenda kuna Pirato kuzokumbira mutumbi waJesu. Pirato anodana mukuru mukuru wehondo anotarisira, uye pashure pokunge mukuru mukuru asimbisa kuti Jesu afa, Pirato anoita kuti chitunha chipiwe.
Josefa anotora mutumbi uye anouputira mumucheka wakachena wakaisvonaka mukugadzirira kuviga. Iye anobatsirwa naNikodhimo, mumwe mutezo weSanihedrini. Nikodhimo akakundikanawo kutaura kutendeka kwake muna Jesu nemhaka yokutya kurasikirwa nenzvimbo yake. Asi zvino anounza mupumburu une anenge makirogiramu makumi matatu namatatu eRoma emura nearosi inodhura. Mutumbi waJesu unoputirwa mumachira ane izvi zvinonhuwira, kungofanana nomuitiro wavaJudha wokugadzirira nawo mitumbi nokuda kwokuviga.
Mutumbi ipapo unoiswa muguva idzva rechirangaridzo raJosefa iro rakacherwa mubwe mubindu riri pedyo. Pakupedzisira, ibwe guru rinokungurutsirwa pamuromo peguva. Kupedza kuviga pamberi peSabata, kugadzirirwa kwomutumbi kunokurumidza. Naizvozvo, Maria Magdharene naMaria mai vaJakobho Muduku, avo zvichida vave vachibetsera negadziriro, vanokurumidza kuenda kumusha kundogadzirira zvimwe zvinonhuwira namafuta anonhuwira. Pashure peSabata, vanoronga kuzorazve mutumbi waJesu kuti vauchengete kwenhambo refu zvikuru yenguva.
Zuva rinotevera racho, iro riri Chitanhatu (Sabata), vaprista vakuru navaFarise vanoenda kuna Pirato ndokuti: “Ishe, tinorangarira kuti munyengeri uyu, achiri mupenyu, wakati: ‘Mazuva matatu apfuura, ndichamuka.’ Saka rairai kuti bwiro huchengetwe kusvikira pazuva retatu, kuti vadzidzi varege kuuya kumuba, vagoti kuvanhu: ‘Wakamutswa kuvakafa;’ kurashika kwokupedzisira kukazopfuura kwokutanga.”
“Imi muna varindi;” Pirato anopindura kudaro. “Endai muhuchengete sezvamunoziva.” Naizvozvo vanoenda uye vanoita kuti guva rive rakachengeteka kupfurikidza nokunama ibwe nokuisa varwi veRoma savachengeti.
Mangwanani-ngwanani eSvondo Maria Magdharene, Maria mai vaJakobho, pamwe chete naSarome, Johana, uye vamwe vakadzi, vanounza zvinonhuwira kuguva kundozora mutumbi waJesu. Vachienda vanoti kuno mumwe nomumwe: “Ndianiko uchatikungurutsira ibwe pamukova wobwiro?” Asi pakusvika, vanowana kuti kudengenyeka kwapasi kwakaitika uye ngirozi yaJehovha yakakungurutsa ibwe. Varindi vaenda, uye guva harina munhu! Mateo 27:57–28:2; Marko 15:42–16:4; Ruka 23:50–24:3, 10; Johane 19:31–20:1; 19:14; 12:42; Revhitiko 23:5-7; Dheuteronomio 21:22, 23; Pisarema 34:20; Zekaria 12:10.
◆ Neiko Chishanu chichinzi Gadziriro, uye chii chiri Sabata “guru”?
◆ Magwaroi anozadzikwa pamusoro pomutumbi waJesu?
◆ Josefa naNikodhimo vanei chokuita nokuvigwa kwaJesu, uye chii chiri ukama hwavo naJesu?
◆ Chikumbiroi icho vaprista vanoita kuna Pirato, uye iye anopindura sei?
◆ Chii chinoitika mangwanani-ngwanani eSvondo?