-
“Kristu Isimba raMwari”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
‘Ane Simba . . . Pamashoko’
8. Paakazodzwa, Jesu akapiwa simba rekuita sei uye akarishandisa sei?
8 Zvinoita sekuti Jesu haana kuita zvishamiso mumakore aakanga achiri kukura muNazareta. Asi zvakazochinja paakabhabhatidzwa muna 29 C.E., paakanga ava nemakore anenge 30. (Ruka 3:21-23) Bhaibheri rinotiudza kuti: “Akazodzwa naMwari nemweya mutsvene nesimba, akatenderera nenyika yacho yese achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi.” (Mabasa 10:38) Mashoko ekuti “achiita zvakanaka” haaratidzi kuti Jesu akashandisa simba rake zvakanaka here? Paakangozodzwa, akava “muprofita ane simba pamabasa nemashoko.”—Ruka 24:19.
9-11. (a) Jesu ainyanya kudzidzisira kupi, uye idambudziko ripi raaigona kutarisana naro? (b) Nei vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro aJesu?
9 Jesu airatidza sei kuti ane simba pamashoko? Aiwanzodzidzisira panze, munzvimbo dzakadai sepamahombekombe egungwa, mujinga memakomo uye mumigwagwa nemumisika. (Mako 6:53-56; Ruka 5:1-3; 13:26) Dai mashoko ake akanga asingafadzi vateereri vake, vaigona kungosimuka voenda. Sezvo kwakanga kusati kwava nemabhuku seariko mazuva ano, vateereri vaitofanira kuudzwa mashoko nenzira inoita kuti agare mupfungwa dzavo nemwoyo. Saka Jesu aifanira kudzidzisa zvekuti vanhu vairamba vaine chido chekuteerera, vachinyatsonzwisisa uye vachizoyeuka zvaanenge adzidzisa. Asi iri rakanga risiri dambudziko kuna Jesu. Funga nezveMharidzo Yepagomo yaakapa.
10 Mumwe musi ari mangwanani mugore ra31 C.E., vanhu vakaungana nechemujinga megomo pedyo neGungwa reGarireya. Vamwe vakanga vabva Judhiya neJerusarema, zvinhambwe zvingaita makiromita 100 kusvika ku110. Vamwe vakanga vabva nechekuchamhembe kunharaunda yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa. Vanhu vazhinji vairwara vakaswedera pedyo naJesu kuti vamubate, uye akavaporesa vese. Paakaona kuti pakanga pasisina kana munhu mumwe chete zvake airwara, akatanga kudzidzisa. (Ruka 6:17-19) Paakazopedza kudzidzisa, vakashamiswa nezvavakanga vanzwa. Nei vakashamiswa kudaro?
11 Mumwe akanzwa mharidzo iyoyo akazonyora pashure pemakore kuti: “Vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake, nekuti akanga achivadzidzisa semunhu ane chiremera.” (Mateu 7:28, 29) Vateereri vainyatsonzwa kuti Jesu aitaura zvine simba. Aitaura achimiririra Mwari uye aitsigira zvaaidzidzisa neShoko raMwari. (Johani 7:16) Jesu aitaura mashoko akajeka, uye ainyatsogona kunyengetedza, achitaura chokwadi chisingarambiki. Mashoko ake aisvika pamwongo wenyaya uye ainyatsobaya mwoyo yevateereri vake. Akavadzidzisa nzira yekuwana nayo mufaro, nzira yekunyengetera nayo, nzira yekutsvaga nayo Umambo hwaMwari, uye nzira yekuwana nayo ramangwana rakanaka. (Mateu 5:3–7:27) Mashoko ake akaita kuti vaya vaiva nenzara yekuziva chokwadi uye vaida kururama vatore matanho. Vanhu vakadaro vakanga vakagadzirira ‘kuzviramba’ uye kusiya zvinhu zvese kuti vamutevere. (Mateu 16:24; Ruka 5:10, 11) Izvi zvinonyatsoratidza kuti mashoko aJesu aiva nesimba zvechokwadi!
“Simba Pamabasa”
12, 13. Jesu akaratidza sei kuti aiva ‘nesimba pamabasa,’ uye zvishamiso zvake zvakanga zvakasiyana-siyana zvakadini?
12 Jesu aivawo munhu ane “simba pamabasa.” (Ruka 24:19) Mabhuku eEvhangeri anotaura zvishamiso zvinopfuura 30 zvaakaita achishandisa “simba raJehovha.”b (Ruka 5:17) Zvishamiso zvaJesu zvakabatsira zviuru zvevanhu. Funga nezvezvishamiso zviviri chete, paya paakapa varume 5 000 zvekudya nepaakazopawo varume 4 000. Tikasanganisira “vakadzi nevana,” vanhu ava vanogona kunge vakatowandisa kupfuura ipapo!—Mateu 14:13-21; 15:32-38.
13 Zvishamiso zvaJesu zvakanga zvakasiyana-siyana. Akaratidza simba pamadhimoni, achiadzinga nyore nyore. (Ruka 9:37-43) Akaratidza kuti aiva nesimba pazvinhu zvakasikwa naMwari, achishandura mvura kuva waini. (Johani 2:1-11) Funga kuti vadzidzi vake vakashamisika sei pavakaona “Jesu achifamba pamusoro pegungwa.” (Johani 6:18, 19) Aiva nesimba pazvirwere, achirapa vakaremara, vanorwara zvisingarapiki, kana kuti zvekuda kufa. (Mako 3:1-5; Johani 4:46-54) Kuporesa kwacho akakuita nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vakaporeswa vari kure, asi vamwe akanyatsoita zvekuvabata. (Mateu 8:2, 3, 5-13) Vamwe vakaporeswa pakarepo, asi vamwe vakaporeswa zvishoma nezvishoma.—Mako 8:22-25; Ruka 8:43, 44.
“Vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa”
14. Jesu akaratidza sei kuti hapana chakanga chakamuomera pakumutsa vanhu vakafa?
14 Chinoshamisa kupfuura zvese ndechekuti Jesu aiva nesimba rekumutsa vakafa. Bhaibheri rinotaura nezvezviitiko zvitatu paakamutsa vakafa; akaita kuti vabereki vavezve nemwanasikana wavo akanga afa, amai vaiva chirikadzi vavezve nemwanakomana wavo zai regondo akanga afa, uye vakadzi vaviri vavezve nehanzvadzi yavo. (Ruka 7:11-15; 8:49-56; Johani 11:38-44) Hapana chakanga chakamuomera. Akamutsa musikana aiva nemakore 12 achangobva kufa. Akamutsa mwanakomana wechirikadzi achienda kunovigwa, uye zvinoratidza sekuti akanga afa musi iwoyo. Uye akamutsa Razaro akanga ava nemazuva mana atofa.
-