Rumuko
Tsanangudzo: Shoko rechiGiriki rokuti a·naʹsta·sis, rakashandurwa kuti “rumuko,” rinoreva “kumira zvakare” uye rinoreva kumuka kubva kuvakafa. Mashoko okuti “kumuka (kubva) kuvakafa” anoshandiswa kakawanda muMagwaro. (Mat. 22:31; Mab. 4:2; 1 VaK. 15:12) RechiHebheru rinoti techi·yathʹ ham·me·thimʹ, rinoreva “kudzokazve kwevakafa.” (Mat. 22:23, Ref., mashoko omuzasi) Rumuko runoreva kumutsiridzwa kwemararamiro omunhu, mararamiro anenge achiyeukwa naMwari. Maererano nezvinodiwa naMwari kumunhu wacho, munhu wacho anomutswa aine muviri womunhu kana kuti womudzimu asi anoramba achiratidzika zvaari chaizvo, aine unhu nendangariro zvaaiva nazvo paakafa. Urongwa hwaJehovha hwerumuko rwevakafa kuratidzwa kunoshamisa kwemutsa wake usina kukodzera kuwanwa; hunoratidza uchenjeri hwake nesimba uye ndiyo nzira yaachashandisa kuita kuti aite chinangwa chake chepakutanga nezvenyika.
Rumuko kubatanidzwazve kwemweya nomuviri here?
Chokwadi, kuti izvi zviitike, vanhu vanofanira kunge vaine mweya unogona kuparadzana nomuviri. Bhaibheri haridzidzisi zvakadaro. Pfungwa iyoyo yakatorwa padzidziso youzivi hwechiGiriki. Zvinodzidziswa neBhaibheri nezvemweya zviri pamapeji 265-267. Kuti uwane kwakabva zvinodzidziswa nechiKristudhomu nezvemweya usingafi, ona mapeji 268, 269.
Jesu akamutswa aine muviri wenyama here, uye iye zvino ane muviri wakadaro here kudenga?
1 Pet. 3:18: “Kristu akafira zvivi kamwe chete zvachose, iye munhu akarurama nokuda kwevasina kururama, kuti akutungamirirei kuna Mwari, iye achiurayiwa panyama, asi achiitwa mupenyu mumudzimu [“noMudzimu,” KJ; “mumudzimu,” RS, NE, Dy, JB].” (Paakamutswa, Jesu akamutswa aine muviri womudzimu. Murugwaro rwechiGiriki shoko rokuti “nyama” nerokuti “mudzimu” anosiyaniswa, naizvozvo kana mushanduri akashandisa shoko rokuti “nomudzimu” anofanirawo kuramba achitaura kuti “nenyama,” kana kuti akashandisa mashoko okuti “munyama” anofanirawo kuti “mumudzimu.”)
Mab. 10:40, 41: “Mwari akamutsa Iyeyu [Jesu Kristu] pazuva rechitatu akamubvumira kuti aonekwe, kwete nevanhu vose, asi nezvapupu zvakafanogadzwa naMwari.” (Nei vamwe vasina kumuonawo? Nokuti aiva chisikwa chomudzimu uye sezvakanga zvaitwa nengirozi kare, paakapfeka miviri yenyama kuti aoneke, akazviita paaiva nezvapupu zvakasarudzwa chete.)
1 VaK. 15:45: “Zvakatonyorwa kuti: ‘Munhu wokutanga Adhamu akava mweya mupenyu.’ Adhamu wokupedzisira [Jesu Kristu, uyo akanga akakwana sezvakanga zvakaita Adhamu paakasikwa] akava mudzimu unopa upenyu.”
Ruka 24:36-39 inorevei nezvomuviri waJesu waakamutswa ainawo?
Ruka 24:36-39: “[Vadzidzi vaJesu] vachiri kutaura zvinhu izvi iye akamira pakati pavo akati kwavari: ‘Rugare ngaruve nemi.’ Asi nokuti vakanga vavhunduka, uye nokuti vakanga vachitya, vakanga vachifunga kuti vaona dzangaradzimu. Naizvozvo akati kwavari: ‘Munonetsekerei, uye nei mwoyo yenyu isina chokwadi nazvo? Onai maoko angu netsoka dzangu, ndini chaiye; ndibatei muone, nokuti mudzimu hauna nyama nemapfupa sezvamunoona zvandiinazvo.’”
Vanhu havakwanisi kuona midzimu, saka zviri pachena kuti vadzidzi vakafunga kuti vaiona dzangaradzimu kana kuti zviratidzo. (Enzanisa naMako 6:49, 50.) Jesu akavaudza kuti akanga asiri dzangaradzimu; vaikwanisa kuona muviri wake wenyama uye kumubata, kubata mapfupa ake; akatodyawo navo. Saizvozvowo kare, ngirozi dzakapfeka miviri yenyama kuti dzionekwe nevanhu; dzakadya, uye dzimwe dzakatoroora dzikabereka vana. (Gen. 6:4; 19:1-3) Amutswa, nguva dzose Jesu haana kuonekwa aine muviri mumwe chete wenyama (zvichida achizviitira kuti vanyatsoziva kuti akanga ava mudzimu), saka kunyange shamwari dzake dzepedyo hadzina kumuziva pakarepo. (Joh. 20:14, 15; 21:4-7) Zvisinei, akasimbisa kutenda kwavo kuti zvechokwadi akanga amutswa kubva kuvakafa nokuramba achioneka kwavari aine miviri yenyama uye achitaura nokuita zvinhu zvavaiziva kuti zvaiitwa naJesu.
Kudai vadzidzi vakanga vanyatsoona Jesu aine muviri waainawo iye zvino kudenga, Pauro angadai asina kuzotaura nezvaKristu akakwidziridzwa so“mufananidzo [waMwari] chaiwo,” nokuti Mwari Mudzimu uye haana kumbova nomuviri wenyama.—VaH. 1:3; enzanisa na1 Timoti 6:16.
Patinoverenga nezvokuonekwa kwaJesu amuka, tinobatsirwa kunyatsozvinzwisisa kana tikayeuka mashoko ari pana 1 Petro 3:18 uye 1 VaKorinde 15:45, ari pamapeji 311, 312.
Onawo mapeji 101, 102, pasi pomusoro unoti “Jesu Kristu.”
Ndivanaani vachamutswa kuti vazorarama kudenga naKristu, uye vachanoitei ikoko?
Ruka 12:32: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.” (Havasi vose vanoratidza kutenda vanobatanidzwa pane ava; nhamba yacho ine painogumira. Vanoenda kudenga nokuti vane chinangwa.)
Zvak. 20:4, 6: “Ndakaona zvigaro zvoumambo, uye pakanga paine vaya vakanga vakagara pazviri, uye vakapiwa simba rokutonga. . . . Munhu ane mugove pakumuka kwokutanga anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri haruna simba pana ivava, asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.”
Onawo mapeji 67-73, pasi pomusoro unoti “Denga.”
Vaya vanomutsirwa kudenga vachazova nemiviri yenyama inobwinya ikoko here?
VaF. 3:20, 21: “Ishe Jesu Kristu . . . achachinja muviri wedu wakaninipiswa kuti ufanane nomuviri wake unokudzwa maererano nokushanda kwesimba raainaro.” (Izvi zvinoreva here kuti miviri yavo yenyama ndiyo ichazoitwa kuti ibwinye kumatenga? Kana kuti zvinoreva here kuti, pane kuti vave nemiviri yenyama yakaderera, vachapfekedzwa miviri inobwinya yomudzimu pavanenge vamutsirwa kuupenyu hwokudenga? Regai rugwaro runotevera rupindure.)
1 VaK. 15:40, 42-44, 47-50: “Kune miviri yokudenga, nemiviri yepanyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe, uye kwemiviri yepanyika ndokumwewo. Ndizvo zvakaitawo kumutswa kwevakafa. . . . Unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womudzimu. . . . Munhu wokutanga [Adhamu] akabva panyika uye akaitwa neguruva; munhu wechipiri [Jesu Kristu] akabva kudenga. Zvakaita munhu akaitwa neguruva, ndizvo zvakaitawo vaya vakaitwa neguruva; uye zvakaita munhu wokudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vokudenga. Zvatakava nomufananidzo womunhu akaitwa neguruva, tichavawo nomufananidzo womunhu wokudenga. Zvisinei, hama, ndinotaura izvi, kuti nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari.” (Pano hapambopi pfungwa yokusanganiswa kwemarudzi maviri emiviri kana kuti kuenda kwomuviri wenyama kudenga.)
Jesu akaratidza sei zvichareva rumuko kune voruzhinji?
Joh. 11:11, 14-44: “[Jesu akati kuvadzidzi vake:] ‘Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.’ . . . Jesu akavataurira asingambovanzi kuti: ‘Razaro afa.’ . . . Jesu paakasvika, akawana kuti [Razaro] akanga atova nemazuva mana ari muguva. . . . Jesu akati kwaari [Marita, hanzvadzi yaRazaro]: ‘Ndini kumuka noupenyu.’ . . . Akashevedzera nenzwi guru kuti: ‘Razaro, buda!’ Murume akanga akafa akabuda makumbo ake nemaoko zvakapomberwa nemachira, uye chiso chake chakanga chakapomberwa nejira. Jesu akati kwavari: ‘Musunungurei mumurege aende.’” (Kana Jesu akashevedza Razaro achidaro kuti abve kuupenyu hwemafaro, zvaisazoratidza kuva nomutsa. Asi Jesu akaratidza Razaro nehanzvadzi dzake mutsa nokumumutsa kubva pakusava noupenyu. Razaro akavazve munhu mupenyu.)
Mako 5:35-42: “Vamwe varume vakabva kumba kwomukuru aitungamirira sinagogi vakasvika vakati: ‘Mwanasikana wenyu afa! Muchiri kunetserei henyu mudzidzisi?’ Asi Jesu, achingoita manzwira shoko raitaurwa, akati kumukuru aitungamirira sinagogi: ‘Usatya, ingotenda chete.’ . . . Akatora baba naamai vomwana wacho muduku nevaya vaaiva navo, akapinda makanga muine mwana muduku. Achibata ruoko rwomwana wacho muduku, akati kwaari: ‘Tarita kumi,’ zvinoreva kuti: ‘Musikana, ndinoti kwauri, Muka!’ kana zvashandurwa. Musikana wacho akabva angomuka, akatanga kufamba, nokuti akanga aine makore gumi nemaviri. Pakarepo ivo vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” (Hapana mubvunzo kuti rumuko rwevanhu vose paruchaitika panyika panguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, mamiriyoni evabereki nevana vavo vachafara kwazvo pavanova pamwe zvakare.)
Vaya vanomutsirwa kuupenyu hwepanyika vachawanei?
Ruka 23:43: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.” (Nyika yose ichachinjwa kuva paradhiso panenge pachitonga Kristu saMambo.)
Zvak. 20:12, 13: “Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku, vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu. Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo. . . . Vakatongwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake.” (Maererano naIsaya 26:9, zviri pachena kuti kuzarurwa kwemipumburu kunoreva nguva ichadzidziswa vanhu zvinodiwa naMwari. Kuzarurwa kwe“mupumburu woupenyu” kunoratidza kuti vaya vanoteerera zvavanodzidziswa vane mukana wokuti mazita avo anyorwe mumupumburu iwoyo. Vachava netariro yokuzorarama nokusingaperi vari vanhu vakakwana.)
Onawo mapeji 350-354, pasi pomusoro unoti “Umambo.”
Vamwe vachangomutsirwa kutongwa vobva vafa zvakare parufu rwechipiri here?
Joh. 5:28, 29 inorevei? Inoti: “Vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.” Zvakazozarurirwa Johani gare gare naJesu zvinofanira kutibatsira kunzwisisa mashoko aya aJesu. (Ona Zvakazarurwa 20:12, 13, ine mashoko ari papeji 315.) Vose vaimboita zvakanaka nevaimboita zvakaipa ‘vachatongwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake.’ Mabasa api? Kana tikafunga kuti vanhu vaizotongwa pamusana pemabasa avakaita kare, zvaisazoenderana nemashoko ari pana VaRoma 6:7 okuti: “Uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.” Zvaisazova zviine musoro kumutsa vanhu kuti vangozoparadzwa. Saka pana Johani 5:28, 29a, Jesu akanga achitaura nezverumuko rwenguva yemberi; uye muchikamu chasara cheJoh 5 ndima 29, aitaura zvaizoitika kwavari vava vanhu vakakwana uye vatongwa.
Zvakazarurwa 20:4-6 inoratidzei nezvevaya vachamutswa panyika?
Zvak. 20:4-6: “Ndakaona zvigaro zvoumambo, uye pakanga paine vaya vakanga vakagara pazviri, uye vakapiwa simba rokutonga. Chokwadi, ndakaona mweya yevaya vakaurayiwa nedemo nokuda kwouchapupu hwavakapupurira Jesu uye nokuda kwokutaura pamusoro paMwari . . . Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo naKristu kwemakore ane chiuru. (Vamwe vose vakafa havana kuva vapenyu kusvikira makore acho ane chiuru apera.) Uku ndiko kumuka kwokutanga. Munhu ane mugove pakumuka kwokutanga anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri haruna simba pana ivava, asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.”
Mashoko ari muNW uye muMo akaiswa muzvikomberedzo kuti abatsire muverengi kubatanidza mashoko anoatevera nemashoko okutanga asiri muzvikomberedzo. Sezvanyatsotaurwa, havasi “vamwe vose vakafa” vachamutswa pakumuka kwokutanga. Rumuko irworwo nderwevaya vachazotonga naKristu kwemakore ane chiuru. Izvi zvinoreva here kuti hapana vamwe vanhu vachararama panguva yemakore ane chiuru aya kunze kwevaya vachatonga naKristu kudenga? Kwete; nokuti kudai zvakadaro, zvaizoreva kuti vaizova vapristi pasina vanhu, uye nyika yose yaizova dongo.
Saka “vamwe vose vakafa” ava ndivanaani? Ndevaya vose vakafa nemhaka yechivi chaAdhamu uye vaya, kunyange zvazvo vanenge vapona pakutambudzika kukuru kana kuti vaya vachazoberekwa panguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, vanenge vachida kubvisirwa zvinhu zvinouraya zvinokonzerwa nokuva nechivi.—Enzanisa naVaEfeso 2:1.
Vakafa “havana kuva vapenyu” kusvikira pakupera kwemakore ane chiuru pakudini? Izvi hazvirevi rumuko rwavo. “Kuva vapenyu” ikoko hakungorevi kurarama sevanhu. Kunoreva kuva vanhu vakakwana, vasina zvavanoitwa nechivi chaAdhamu. Onai kuti mashoko aya ari Zva 20 mundima 5 anouya pachangotaurwa Zva 20 mundima 4 kuti vaya vachararama kudenga “vakava vapenyu.” Kwavari izvi zvinoreva kuva noupenyu husina chivi; vanenge vasingachafi. (1 VaK. 15:54) Saka “vamwe vose vakafa” vachava noupenyu hwakakwana.
Ndivanaani vachamutswa panyika?
Joh. 5:28, 29: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.” (Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “makuva” harisi muuzhinji hwataʹphos [guva, nzvimbo inovigwa munhu] kana kuti haiʹdes [guva revanhu vose vakafa] asi ishoko rokuti mne·meiʹon riri muuzhinji [kuyeukwa, guva]. Rinosimbisa kuyeuka pfungwa yokuyeuka vakafa. Kwete vaya vasingachayeukwi nokuti vari muGehena pamusana pezvivi zvisingakanganwirwi asi vanhu vanoyeukwa naMwari vachamutswa vaine mukana wokurarama nokusingaperi.—Mat. 10:28; Mako 3:29; VaH. 10:26; Mar. 3:16.)
Mab. 24:15: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Vose vairarama zvinoenderana nezvinodiwa naMwari zvakarurama uye vanhu vakaita zvisina kururama vasingazivi vachamutswa. Bhaibheri haripinduri mibvunzo yedu yose kana vamwe vanhu vakafa vachamutswa kana kuti kwete. Asi tine chivimbo chokuti Mwari ndiye anoziva zvose, haasaruri. Kururamisira kwake kunosanganisira ngoni dzinoenderana nezvaanoda zvakarurama. Enzanisa naGenesisi 18:25.)
Zvak. 20:13, 14: “Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye vakatongwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake. Rufu neHadhesi zvakakandwa mugungwa romoto. Iri gungwa romoto rinomirira rufu rwechipiri.” (Saka vaya vakafa nemhaka yechivi chaAdhamu vachamutswa, vangave vakavigwa mugungwa kana kuti muHadhesi, guva revanhu vose vakafa panyika.)
Onawo musoro mukuru unoti “Ruponeso.”
Kana mabhiriyoni evanhu vachizomutswa, vose vachagara kupi?
Zvinofungidzirwa kuti vanhu vakararama pasi pano vanosvika 20 000 000 000. Sezvataona, havasi vose vachamutswa. Asi kunyange kana tichifungidzira kuti vachamutswa, pachange paine nzvimbo yakakwana. Parizvino nzvimbo inogarika panyika yakakura anenge masikweya kiromita 147 600 000. Kudai hafu yacho yaizochengeterwa zvimwe zvinhu, paizova nenzvimbo inoda kusvika mahekita 0,37 pamunhu, inogona kuita kuti munhu awane zvokudya zvizhinji. Kusawirirana mune zvematongerwo enyika uye makaro ari mune zvokutengeserana ndizvo zviri kuita kuti pasava nezvokudya zvakakwana, kwete kuti pasi harigoni kuita zvokudya zvakakwana.