Murangariro wechiKristu Wechiremera
“Hakune [chiremera chisina, NW] kubva kuna Mwari.”—VAROMA 13:1.
1. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Jehovha ndiye Chiremera Chikurusa?
CHIREMERA chakabatanidzwa nousiki. Mukurusa akapa kuvapo kuchisiko chose, chino upenyu nechisino upenyu, ndiJehovha Mwari. Iye nenzira isingarambiki ndiye Chiremera Chikurusa. VaKristu vechokwadi vanogoverana mirangariro yezvisikwa zvokudenga zvinozivisa, kuti: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”—Zvakazarurwa 4:11.
2. Vatongi vavanhu vapakuvamba mupfungwa yakati vakabvuma sei kuti vakanga vasina maruramiro omusikirwo okudzora vanhu biyavo, uye Jesu akaudzei Pontio Pirato?
2 Idiwo zvaro rokuti vakawanda vavatongi vavanhu vapakuvamba zvikurusa vakaedza kuita kuti chiremera chavo chive chapamutemo kupfurikidza nokutaura kuva mwari kana kuti kuva mumiriri wamwari yakanga iri zivikanwo yechinyararire yokuti hapana munhu ane maruramiro omusikirwo okutonga vamwe vanhu.a (Jeremia 10:23) Manyuko apamutemo bedzi echiremera ndiJehovha Mwari. Kristu akaudza Pontio Pirato, gavhuna wechiRoma weJudhea, kuti: “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro.”—Johane 19:11.
“Hakune Chiremera Chisina Kubva kuna Mwari”
3. Muapostora Pauro akataurei pamusoro pe“zviremera zvikuru,” uye mibvunzoi mashoko aJesu neaPauro anomutsa?
3 Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaigara mukudzora kwoUmambo hweRoma, kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi [pechiremera chikuru; nokuti hakune chiremera chisina, NW] kubva kuna Mwari; [zviremera zviripo zvakaiswa munzvimbo yazvo ine mwero, NW] naMwari.” (VaRoma 13:1) Jesu akarevei apo akataura kuti chiremera chaPirato chakanga chapiwa kwaari ku“bva kumusoro”? Uye Pauro akarangarira munzirai kuti zviremera zvamatongerwe enyika zvezuva rake zvakaiswa munzvimbo dzazvo naMwari? Vakareva here kuti Jehovha somunhu oga ane mutoro wokugadzwa kwomutongi mumwe nomumwe wezvamatongerwe enyika wenyika ino?
4. Jesu naPauro vakadana Satani kutii, uye kutaurai kwakaitwa naSatani Jesu asina kuramba?
4 Ikoku kwaigona sei kuva kwakadaro, sezvo Jesu akadana Satani “muchinda wenyika ino,” uye muapostora Pauro akamuti “mwari wenyika ino”? (Johane 12:31, 16:11; 2 VaKorinte 4:4) Kupfuurirazve, pakuedza Jesu, Satani akamupa “chiremera” pamusoro po“ushe hwose hwenyika,” achitaura kuti ichi chiremera chakanga chapiwa kwaari. Jesu akaramba kupa kwake, asi haana kuramba kuti chiremera chakadaro chakanga chiri chaSatani kuti ape.—Ruka 4:5-8.
5. (a) Tinofanira kunzwisisa sei mashoko aJesu neaPauro pamusoro pechiremera chavanhu? (b) Zviremera zvikuru “zvakaiswa munzvimbo dzazvo dzine mwero naMwari” mupfungwai?
5 Jehovha akapa utongi panyika ino kuna Satani kupfurikidza nokumubvumira kurarama pashure pokupanduka kwake uye pashure pokunge aedza Adhama naEvha uye akanga avasakisa kupandukira uchangamire Hwake. (Genesi 3:1-6; enzanisa naEksodho 9:15, 16.) Mashoko aJesu neaPauro zvinofanira, naizvozvo, kureva kuti pashure pokunge vanhu vaviri vokutanga muEdheni varamba ubati ushe hwaMwari, kana kuti kutonga kwaMwari, Jehovha akabvumira vanhu vakaparadzaniswa kuita zvimiro zvechiremera izvo zvaizovabvumidza kugara muchaunga chine nhevedzano. Padzimwe nguva, kuti aite donzo rake, Jehovha akasakisa vatongi vakati kana kuti hurumende kuwa. (Dhanieri 2:19-21) Akavabvumira vamwe kuramba vachitonga. Nezvavatongi vane kuvapo Jehovha anoshivirira, kunogona kutaurwa kuti “zvakaiswa munzvimbo yazvo ine mwero naMwari.”
VaKristu Vapakuvamba Nezviremera zveRoma
6. VaKristu vapakuvamba vakarangarira sei zviremera zveRoma, uye neiko?
6 VaKristu vapakuvamba havana kukumbanira masekete echiJudha akarangana ndokurwisana navaRoma vaigara muIsraeri. Kana zviri zviremera zveRoma, nomutoo wazvo wakarongwa webumbiro remitemo, zvakachengeta runyararo panyika nomugungwa; zvakavaka migero yemvura yakawanda inobetsera, migwagwa, uye mabhiriji; uye zvikurukuru zvakaita nokuda kwegarikano yavose, vaKristu vakazvirangarira kuva ‘vashumiri vaMwari [kana kuti, “mubatiri,” (NW) mashoko omuzasi] kwavari nokuda kwenakirwo yavo.’ (VaRoma 13:3, 4) Mutemo norunyararo zvakaparira mhoteredzo yakagonesa vaKristu kuparidzira mashoko akanaka munzvimbo iri yose, sezvakarairwa naJesu. (Mateo 28:19, 20) Nehana yakanaka zvikuru, vaigona kubhadhara mitero yairairwa navaRoma, kunyange kana imwe yemari yaishandiswa nokuda kwamadonzo asingatenderwi naMwari.—VaRoma 13:5-7.
7, 8. (a) Kusanoraviwa kwaVaRoma 13:1-7 kunozivisei, uye mashoko akapoteredza anoratidzei? (b) Zviremera zveRoma hazvina kuita so“mushumiri waMwari” mumigariroi, uye muchinoitika ichochi chimiroi chendangariro icho vaKristu vapakuvamba vakava nacho?
7 Kusanoraviwa kwendima nomwe dzokutanga dzaVaRoma ganhuro 13:1-7 kunozivisa kuti “zviremera zvikuru” zvamatongerwe enyika zvakanga zviri “mushumiri waMwari” kuti zvirumbidze avo vanoita zvakanaka nokuranga avo vanoita zvakaipa. Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Mwari, kwete zviremera zvikuru, anosarudza chakanaka nechakaipa. Kana, naizvozvo, mambo weRoma kana chimwe chiremera chipi nechipi chezvamatongerwe enyika chaida zvinhu izvo Mwari airambidza kana kuti, zvakasiyana, zvinhu zvakarambidzwa izvo Mwari aida, akanga asingachaiti somushumiri waMwari. Jesu akati: “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” (Mateo 22:21) Kudai Hurumende yeRoma yakaraira zvinhu zvaiva zvaMwari, zvakadai sokunamata kana kuti upenyu hwomunhu, vaKristu vechokwadi vakatevera zano ravaapostora: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.”—Mabasa 5:29.
8 Kuramba kwavaKristu vapakuvamba kushandisa kunamatwa kwamambo nokunamata zvidhori, kurega misangano yavo yechiKristu, uye kurega kuparidzira mashoko akanaka kwakaunza chitambudzo. Kunodavirwa kazhinji kazhinji zvakwo kuti muapostora Pauro akaurawa pakuraira kwaMambo Nero. Mamwe madzimambo, zvikurukuru Domitian, Marcus Aurelius, Septimius Severus, Decius, uye Diocletian, vakatambudzawo vaKristu vapakuvamba. Apo aya madzimambo nezviremera zvavo zviduku vakatambudza vaKristu, zvamazvirokwazvo vakanga vasingashandi sa“vashumiri vaMwari.”
9. (a) Chii chinoramba chiri chechokwadi nezvezviremera zvikuru zvamatongerwe enyika, uye ndikuna ani uko chikara chezvamatongerwe enyika chinogamuchira simba nechiremera? (b) Chii chinogona kutaurwa nenzira ino mufungo nezvokuzviisa pasi pezviremera zvikuru kwechiKristu?
9 Kwose kwaikoku kunobatira kuratidzira kuti nepo zviremera zvikuru zvamatongerwe enyika zvichibatira mumativi akati se“gadziriro yaMwari” kuchengeta chaunga chavanhu chine nhevedzano, zvinoramba zviri rutivi rwetsika yenyika yezvinhu iyo Satani ari mwari wayo. (1 Johane 5:19) Ndezvesangano rezvamatongerwe enyika renyika yose rinofananidzirwa ne“chikara” chaZvakazarurwa 13:1, 2. Chikara ichocho chinogamuchira simba racho nechiremera ku“shato huru,” Satani Dhiabhorosi. (Zvakazarurwa 12:9) Nenzira ine mufungo, naizvozvo, kuzviisa pasi kwechiKristu pezviremera zvakadaro kune mwero, hakuna kukwana.—Enzanisa naDhanieri 3:16-18.
Ruremekedzo Rwakafanira Rwechiremera
10, 11. (a) Pauro akaratidza sei kuti tinofanira kuremekedza varume vane chiremera? (b) Minyengetero inogona kuitirwa “madzimambo, navose vari vakuru” sei uye nei?
10 Ikoku hakurevi, zvisinei, kuti vaKristu vanofanira kuva nechimiro chendangariro chokusanyara, chokuzvidza kuzviremera zvikuru zvamatongerwe enyika. Chokwadi, vakawanda vaava varume havana kufanirwa zvikuru nokuremekedzwa muupenyu hwavo hwapachivande, kana kuti kunyange hwapachena. Bva, vaapostora, nomuenzaniso wavo uye nezano ravo, vakaratidza kuti varume vane chiremera vanofanira kuremekedzwa. Apo Pauro akaoneka pamberi paMambo Herodhe Agripa II anovatana nehama yokunyama, akataura kwaari nokuzviisa pasi kwakafanira.—Mabasa 26:2, 3, 25.
11 Pauro akatotaura kuti kwakafanira kududza zviremera zvenyika muminyengetero yedu, zvikurukuru apo zvinokumbirwa kuita zvisarudzo zvinotapura upenyu hwedu nemibato yechiKristu. Iye akanyora, kuti: “Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinoraira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vaongerwe; madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa. Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu; uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:1-4) Chimiro chedu chendangariro chokuremekedza kuzviremera zvakadaro chingatungamirira kukutibvumira kwazvo kupfuuridzira zvakasununguka zvikuru basa redu rokuedza kuponesa “vanhu vose.”
12, 13. (a) Petro akapa zanoi rakadzikama pamusoro pechiremera? (b) Tingadzivisa sei “kusaziva kwamapenzi” anoparira fungira mano yakaipa yokurwisana neZvapupu zvaJehovha?
12 Muapostora Petro akanyora, kuti: “Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye varumbidze vanoita zvakanaka. Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi; savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari. Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.” (1 Petro 2:13-17) Izano rakadzikama zvakadini! Tinofanira kuzviisa pasi chose chose paMwari savaranda vake, uye tinopa kuzviisa pasi kune mwero nokwokuremekedza zviremera zvamatongerwe enyika zvakatumwa kuzoranga vaiti vezvakaipa.
13 Kwakawanwa kuti zviremera zvakawanda zvenyika zvine mirangariro yechienzi zvikurusa pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Ikoku kunowanzova nemhaka yokuti zvakaziviswa zvakashata navavengi vakaipa vavanhu vaMwari. Kana kuti kungava kuti zvose zvazvinoziva pamusoro pedu zvakazviziva muzvinobudisa nhau, izvo zvisati zviri zvisina kusarura nguva dzose mukufukidza kwazvo. Pane dzimwe nguva tinogona kubvisa iyi fungira mano yakaipa nechimiro chedu chendangariro chokuremekedza uye, kwakunobvira, nokugovera zviremera murondedzero yakarurama yebasa nezvitendero zveZvapupu zvaJehovha. Nokuda kwavakuru vakuru vakabatikana, bhurocha raJehovah’s Witnesses in the Twentieth Century rinogovera tsananguro pfupi. Nokuda kwamashoko akazara zvikuru, vanogona kugoverwa bhuku raJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom, chishandiso chakaisvonaka chakafanirwa nenzvimbo pamasherufu amabhuku amaraibhurari omunzvimbomo neavose orudzi.
Chiremera Mukati Memisha yavaKristu
14, 15. (a) Chii chiri hwaro hwechiremera mukati memhuri dzechiKristu? (b) Chii chinofanira kuva chimiro chendangariro chavadzimai vechiKristu kuvarume vavo, uye neiko?
14 Kuri pachena kuti kana vaKristu vachidikanirwa naMwari kuratidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwezviremera zvenyika, ivo nenzira yakafanana vanofanira kuremekedza chimiro chechiremera chakatangwa naMwari mukati memhuri dzechiKristu. Muapostora Pauro akaronga mumashoko mapfupi nheyo youmusoro iri pakati pavanhu vaJehovha. Iye akanyora kuti: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari.” (1 VaKorinte 11:3) Iyi ndiyo nheyo youbati ushe hwaMwari, kana kuti kutonga kwaMwari. Inobatanidzei?
15 Kuremekedza ubati ushe hwaMwari kunovambira mumusha. Mudzimai wechiKristu asingaratidzi ruremekedzo rwakafanira nokuda kwechiremera chomurume wake—angave ari mutendi biyake kana kuti kwete—haasi woubati ushe hwaMwari. Pauro akapa zano vaKristu, kuti: “Muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu. Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri. Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.” (VaEfeso 5:21-24) Kungofanana navarume vechiKristu vanofanira kuzviisa pasi poumusoro hwaKristu, vakadzi vechiKristu vanofanira kuziva uchenjeri hwokuzviisa pasi pechiremera chakapiwa naMwari chavarume vavo. Ikoku kuchavaunzira gutsikano huru yomukati uye, chinokosha zvikuru, chikomborero chaJehovha.
16, 17. (a) Vana vakarererwa mumisha yechiKristu vanogona sei kuzvisiyanisa vamene navaduku vakawanda nhasi, uye ikurudziroi yavanayo? (b) Jesu akanga ari muenzaniso wakaisvonaka sei nokuda kwavanhu vaduku nhasi, uye vanokurudzirwa kuitei?
16 Vana voubati ushe hwaMwari vanofara kuratidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwavabereki vavo. Nezvechizvarwa chiduku mumazuva okupedzisira, kwakadeya kutaurwa kuti chaizova chi“singateereri vabereki.” (2 Timotio 3:1, 2) Asi kuvana vechiKristu Shoko rakafuridzirwa raMwari rinoti: “Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.” (VaKorose 3:20) Kuremekedza chiremera chavabereki kunofadza Jehovha uye kunounza chikomborero chake.
17 Ikoku kunoratidzirwa muchinoitika chaJesu. Nhauro yaRuka inoti: “Ipapo akaburuka navo, [vabereki vake] akasvika Nazareta, [uye iye akapfuurira kuzviisa pasi pavo, NW]. . . . Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.” (Ruka 2:51, 52) Jesu aiva namakore 12 okukura panguva yacho, uye chimiro chechiito chechiGiriki chakashandiswa pano chinosimbisa kuti iye “akapfuurira kuzviisa pasi” pavabereki vake. Naizvozvo kuzviisa pasi kwake hakuna kuguma apo akapinda mumakore ake ouduku. Kana imi vaduku muchida kufambira mberi mumudzimu uye munyasha naJehovha navarume voumwari, mucharatidza kuremekedza chiremera mukati nokunze kwomusha wenyu.
Chiremera Mukati Meungano
18. Ndiani ari Musoro weungano yechiKristu, uye iye akapa chiremera kuna ani?
18 Achitaura nezvokudikanwa kwenhevedzano mukati meungano yechiKristu, Pauro akanyora, kuti: “Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare . . . Zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirairo yazvo [kana kuti, “mukuwirirana nenhevedzano,” (NW) mashoko omuzasi].” (1 VaKorinte 14:33, 40) Kuti zvinhu zvose zviitike nomutoo une nhevedzano, Kristu, Musoro weungano yechiKristu, akapa chiremera kuvarume vakatendeka. Tinorava, kuti: “Wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi; kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, . . . asi tireve zvokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro.”—VaEfeso 4:11, 12, 15.
19. (a) Kristu akagadza ani pamusoro pezvinhu zvake zvose zvapasi, uye iye akapa kuna ani chiremera chaicho? (b) Kupiwai kwechiremera kunoitika muungano yechiKristu, uye ikoku kunodei kwatiri?
19 Muino nguva yomugumo, Kristu akagadza “muranda wakatendeka, wakangwara” akaumbwa navakawanda pa“zvose zvaanazvo,” kana kuti fariro dzoUmambo pasi pano. (Mateo 24:45-47) Somuzana ramakore rokutanga, uyu muranda anomirirwa nomutumbi unodzora wavarume vechiKristu vakazodzwa kwavari Kristu akapa chiremera chokuita zvisarudzo nokugadza vamwe vatariri. (Mabasa 6:2, 3; 15:2) Uyewo Mutumbi Unodzora unopa chiremera kuMatare aMapazu, vatariri veruwa nevedunhu, uye varume vakuru mukati meimwe neimwe yeungano dzinopfuura 73 000 dzeZvapupu zvaJehovha mupasi rose. Varume vose ivava vakazvipira vechiKristu vanofanirwa netsigiro yedu noruremekedzo.—1 Timotio 5:17.
20. Muenzanisoi unoratidza kuti Jehovha haafadzwi naavo vasingaremekedzi vaKristu biyavo vane chiremera?
20 Nezvoruremekedzo tinofanirwa kupa kuna avo vane chiremera mukati meungano yechiKristu, kuenzanisa kunofadza kunogona kuitwa nokuzviisa pasi kwatinofanira kuita pezviremera zvenyika. Apo munhu anoputsa mutemo wavanhu uyo Mwari anotendera, chirango chinoitwa na“vabati” ndicho, kutaura idi, kuratidzirwa kusina kunanga kwokutsamwa kwaMwari “kuno unoita zvakaipa.” (VaRoma 13:3, 4) Kana Jehovha achitsamwa apo munhu anoputsa mitemo yavanhu uye achishaya ruremekedzo rwakafanira rwezviremera zvenyika, anofanira kusafadzwa zvikuru sei kana muKristu akazvitsaurira achiputsa nheyo dzeBhaibheri uye achiratidza kusaremekedza vaKristu biyake vane chiremera!
21. Izanoi rapaMagwaro ratichafara kutevera, uye chii chicharangarirwa munyaya inotevera?
21 Panzvimbo pokuwana kusafara kwaMwari kupfurikidza nokugamuchira chimiro chendangariro chokupandukira kana kuti chokuzvimirira, tichatevera zano raPauro kuvaKristu vomuFiripo, rokuti: “Naizvozvo, vadikanwa vangu, sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera; nokuti ndiye Mwari unoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka. Itai zvose musinganyunyuti, musine nharo; kuti muve vanhu vasina-chavangapomerwa, navasina-kusarurama, vana vaMwari vasine mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika.” (VaFiripi 2:12-15) Kusafanana nechizvarwa chazvino chakakombama nechakamonyoroka chakazviunzira pachiri chimene njodzi yechiremera, vanhu vaJehovha vanozviisa pasi pechiremera nokudisa. Ivo nokudaro vanowana betsero huru, sezvatichaona munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya yapfuura.
Nokuhwirudzura
◻ Ndiani ari Chiremera Chikurusa, uye neiko chiremera chake chiri chapamutemo?
◻ Zviremera zvikuru “zvakaiswa munzvimbo yazvo ine mwero naMwari” mupfungwai?
◻ Ndirini apo zviremera zvikuru zvinorega kuva “mushumiri waMwari”?
◻ Chimiroi chechiremera chiripo mukati memhuri dzechiKristu?
◻ Kupiwai kwechiremera kuripo mukati meungano yechiKristu?
[Mifananidzo iri papeji 18]
Jesu akati:“Ipai KesarizvaKesari”