Kukurukura Nemuvakidzani—Jesu ndiMwari Here?
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinonakidzwa nokukurukura Bhaibheri nevavakidzani vazvo. Pane nyaya yomuBhaibheri inombokutemesa musoro here? Pane zvaunoda kuziva here nezvezvinotendwa kana kuti zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pamanamatiro azvo? Kana zviripo, usazeza kubvunza pauchazoonana nechimwe Chapupu. Chichafara kutaura newe nyaya dzakadaro.
Zvakanyorwa pasi apa ndizvo zvingaitwa neChapupu chaJehovha pachinenge chichikurukura nemuvakidzani wacho. Ngatimbotii Chapupu chinonzi Karen chasvika pamba pomukadzi anonzi Samantha.
Ndizvo Here Kuti Hamutendi Muna Jesu?
Samantha: Mufundisi wangu anoti Zvapupu zvaJehovha hazvitendi muna Jesu. Ndizvo here?
Karen: Chokwadi ndechokuti tinotenda muna Jesu. Tinotodavira kuti kana munhu achida kuponeswa anofanira kutenda muna Jesu.
Samantha: Neniwo ndizvo zvandinotenda.
Karen: Saka ipapo tinobvumirana. Ini ndinonzi Karen. Imiwo munonzi ani?
Samantha: Ndinonzi Samantha. Ndafara kukuziva.
Karen: Neniwo ndafara kukuzivai sisi Samantha. Pamwe mungati, ‘Kana chiri chokwadi kuti Zvapupu zvaJehovha zvinotenda muna Jesu, saka sei vanhu vachiti hazvitendi muna Jesu?’
Samantha: Ehe, chimbondijekesera ipapo.
Karen: Mufunge zvenyu sisi Samantha, regai ndingokupindurai muchidimbu. Isu tinotenda zvakasimba muna Jesu, asi hatitendi zvinhu zvose zvinotaurwa nevanhu nezvake.
Samantha: Sezvipi?
Karen: Somuenzaniso, vamwe vanoti Jesu aingovawo zvake munhu akanaka. Asi isu hatibvumirani nazvo.
Samantha: Kana neniwo handibvumirani nazvo.
Karen: Ndicho chinhu chechipiri chatiri kubvumirana. Muenzaniso wechipiri ndewokuti Zvapupu zvaJehovha hazvibvumirani nedzidziso dzinopesana nezvakataurwa naJesu pamusoro peukama hwake naBaba vake.
Samantha: Unorevei?
Karen: Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti Jesu ndiMwari. Zvichida ndizvo zvamakadzidziswawo.
Samantha: Ndizvozvo, mufundisi wangu anoti Mwari naJesu vanhu vamwe chete.
Karen: Asi hamufungi here kuti nzira yakanakisisa yokudzidza chokwadi nezvaJesu ndeyokuongorora mashoko aakataura nezvake pachake?
Samantha: Ehe, ndinobvumirana nazvo.
Jesu Akati Chii?
Karen: Ngatimbokurukurai imwe ndima yeBhaibheri inotibatsira kunzwisisa nyaya iyi. Ndapota onai mashoko ari pano pana Johani 6:38. Jesu akati: “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma.” Dai kuri kuti Jesu ndiMwari, mashoko aya aisazoreva chinhu.
Samantha: Unorevei?
Karen: Onai kuti Jesu akati haana kuburuka achibva kudenga kuti azoita kuda kwake.
Samantha: Ehe, akati akauya kuzoita kuda kweakamutuma.
Karen: Saka kana kuri kuti Jesu ndiMwari, ndiani akamutuma kubva kudenga? Uye nei Jesu akabvuma kutumwa naye?
Samantha: Ndinenge ndava kunzwisisa zvauri kutaura. Asi handisi kunyatsogutsikana kuti vhesi iyi chete ndiyo inoratidza kuti Jesu haasi Mwari.
Karen: Chimbofungai zvimwe zvakataurwa naJesu. Akataura mashoko akafanana muchitsauko chinotevera chebhuku iroro raJohani. Ndokumbirawo kuti muverenge pana Johani 7:16.
Samantha: Zvakanaka. “Jesu, akavapindurawo, akati: ‘Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.’”
Karen: Maita basa sisi Samantha. Tichifunga mashoko aya, Jesu aidzidzisa zvomusoro wake here?
Samantha: Aiwa, akati aidzidzisa zvinhu zveakamutuma.
Karen: Ndizvozvo. Izvi zvinoita kuti tibvunzezve kuti: Ndiani akatuma Jesu? Uye ndiani akamuudza chokwadi chaaidzidzisa?’ Munhu iyeye haasi mukuru kuna Jesu here? Uyewo, munhu anotuma ane masimba kupfuura anotumwa.
Samantha: Izvi zvandiitira zvitsva. Ndanga ndisati ndamboverenga vhesi iyoyo.
Karen: Fungaiwo mashoko aJesu ari pana Johani 14:28 anoti: “Manzwa ndichiti kwamuri, Ndiri kuenda uye ndichadzoka kwamuri. Kudai maindida, maizofara kuti ndiri kuenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kwandiri.” Tichishandisa mashoko aya, mungati Jesu aiona sei Baba vake?
Samantha: Ee-e, akati Baba vakuru kwaari. Saka ndinofunga kuti aiona Mwari semukuru kwaari.
Karen: Mabaya dede nomukanwa. Onai zvekare mamwe mashoko aJesu paaitaura nevadzidzi vake pana Mateu 28:18. Ndima yacho inoti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” Saka Jesu akati akagara achingova nesimba here?
Samantha: Aiwa, akatoita zvokupiwa.
Karen: Saka kudai kuri kuti Jesu ndiMwari, aizopiwa sei mamwe masimba? Uye ndiani akamupa simba racho?
Samantha: Izvi zvava kuda kutombonyatsofunga izvi.
Aitaura Nani?
Karen: Kudai kuri kuti Jesu ndiMwari, pane chimwezve chinhu chaizotiomera kunzwisisa.
Samantha: Chii ichocho?
Karen: Mashoko ane chokuita nokubhabhatidzwa kwaJesu. Onai mashoko ari pana Ruka 3:21, 22. Ndokumbirawo kuti muverenge mavhesi acho.
Samantha: “Zvino vanhu vose pavakanga vabhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo uye, zvaakanga achinyengetera, denga rakavhurika, mudzimu mutsvene uri mumuviri wakaita senjiva wakaburukira paari, uye inzwi rakabva kudenga richiti: ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.’”
Karen: Maona here zvaiitwa naJesu paakanga achibhabhatidzwa?
Samantha: Ainyengetera.
Karen: Ehe. Saka tingabvunza kuti, ‘Kudai kuri kuti Jesu ndiMwari, ainyengetera kunaani?’
Samantha: Mubvunzo wako une musoro. Ndichazobvunza mufundisi wangu.
Karen: Onai zvekare kuti pashure pokunge Jesu abuda mumvura, pane inzwi rakanzwika kubva kudenga. Manzwa here kuti munhu wacho akati chii?
Samantha: Akati Jesu Mwanakomana wake, waanoda uye waanofarira.
Karen: Ndizvozvo. Asi kana kuri kuti Jesu ndiMwari, ndiani akataura mashoko iwayo?
Samantha: Ndanga ndisati ndambozvifunga izvozvo.
Sei Mumwe Achinzi “Baba” Mumwe Achinzi “Mwanakomana”?
Karen: Ngatimbokurukurai imwe pfungwa zvekare: Taverenga kuti Jesu akati Mwari ndiBaba vake vokudenga. Uye Jesu paaibhabhatidzwa, inzwi rakanzwika kudenga rakataura kuna Jesu richimuti Mwanakomana wangu. Jesu pachake akatotaura kuti aiva Mwanakomana waMwari. Ngatitii muri kuda kundidzidzisa kuti vanhu vaviri vakaenzana. Mungajekesa sei pfungwa iyoyo muchishandisa muenzaniso wevanhu vomumhuri imwe chete?
Samantha: Ndinogona kuti mukoma nomunin’ina.
Karen: Ehe, pamwe mungashandisa muenzaniso wemapatya. Jesu akataura kuti Mwari ndiye Baba asi iye aiva Mwanakomana. Saka munofunga kuti airevei?
Samantha: Ndanzwisisa zvauri kureva. Jesu aireva kuti paiva nemukuru pakati pavo uye kuti mukuru iyeye aiva nesimba rakapfuura rake.
Karen: Ndizvozvo. Fungai izvi: Makwanisa kufunga muenzaniso wokuenzana kwakaita mapatya. Kudai kuri kuti Jesu ndiMwari, hamufungi here kuti iye soMudzidzisi Mukuru angadai akashandisa mufananidzo wakadaro kana kuti mumwe wakanyatsojeka?
Samantha: Ehe ndizvozvo.
Karen: Asi akashandisa mashoko okuti “Baba” uye “Mwanakomana” kuti arondedzere ukama hwake naMwari.
Samantha: Wataura pfungwa ine musoro.
Vateveri vaJesu Vepakutanga Vakati Chii?
Karen: Kana muine kanguva, tinogona kukurukura chimwe chinhu panyaya iyi.
Samantha: Ehe tinogona kukurukura zvedu kwemaminitsi mashoma.
Karen: Kana chiri chokwadi kuti Jesu ndiMwari, zvaisazova nomusoro here kuti vadzidzi vake vazvitaure pachena?
Samantha: Ehe vangadai vakazvitaura.
Karen: Asi Magwaro hapana paanombotaura kuti vadzidzi vake vakadzidzisa zvinhu zvakadaro. Pane kudaro, onai zvakataurwa nomuapostora Pauro uyo aiva mumwe wevateveri vaJesu vepakutanga. Pana VaFiripi 2:9 akataura zvakaitwa naMwari pashure pokunge Jesu afa uye amutswa. Akati: “Mwari akamukwidziridza [Jesu] kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose.” Ndima iyi yati Mwari akaitira Jesu chii?
Samantha: Yati Mwari akamupa chinzvimbo chepamusoro.
Karen: Ehe. Asi kudai kuri kuti Jesu aiva akaenzana naMwari asati afa, Mwari achibva azomukwidziridza kuchinzvimbo chepamusoro, zvaisazoreva kuti Jesu aizova nemasimba anopfuura aMwari here? Pane angaita simba rinopfuura raMwari here?
Samantha: Hazvingamboiti kuti Jesu aite masimba anopfuura aMwari.
Karen: Ndiyo pfungwa yacho. Saka kubva pane zvose zvatakurukura, mungati Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu ndiMwari here?
Samantha: Kwete, handizvo. Bhaibheri rinoti Jesu Mwanakomana waMwari.
Karen: Ndizvozvo. Asi sisi Samantha zivai kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza Jesu chaizvo. Tinotenda kuti rufu rwake saMesiya akapikirwa rwunoita kuti vanhu vose vakatendeka vaponeswe.
Samantha: Ndizvo zvandinotendawo izvozvo.
Karen: Asi hameno, munofunga kuti, ‘Tingaratidza sei Jesu kuti tinomuonga nokutifira kwaakaita?’a
Samantha: Ndakambozvifungawo izvozvo.
Karen: Kana muchida ndinogona kudzoka tozokurukura mhinduro yeBhaibheri yomubvunzo iwoyo. Munenge muripo here vhiki rinouya panguva dzakaita sedzino?
Samantha: Hongu ndinenge ndiripo.
Karen: Zvakanaka, tozoonana ipapo.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?