-
‘Ita Zvakarurama’ Pakufamba naMwariSwedera Pedyo naJehovha
-
-
13 Kana tichitenda kuti Mwari anotibata netsitsi uye zvakarurama, hatizokurumidzi kutonga vamwe panyaya dzisinei nesu, kana kuti dzisina basa. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” (Mateu 7:1) Maererano nenhoroondo yaRuka, Jesu akawedzera kuti: “Regai kuwanira vamwe mhosva, kuti imi murege kuwanirwawo mhosva.”a (Ruka 6:37) Jesu akaratidza kuti anoziva kuti nemhaka yechivi chatiinacho, tinowanzoda kutonga vamwe. Kana paine aiva netsika iyi pakati pevanhu vainge vakamuteerera aifanira kusiyana nayo.
14. Nei tichifanira kusiyana netsika yekutonga vamwe?
14 Nei tichifanira kusiyana netsika yekutonga vamwe? Chekutanga, hatina kupiwa masimba ekuzviita. Mudzidzi Jakobho anotiyeuchidza kuti: “Pane mumwe chete anopa mitemo uye Mutongi,” achireva Jehovha. Saka Jakobho anobvunza kuti: “Ndiwe ani kuti utonge hama yako?” (Jakobho 4:12; VaRoma 14:1-4) Uyewo sezvo tiri vatadzi, tinogona kutonga vamwe zvisiri izvo. Pane zvakawanda zvinogona kukanganisa maonero atinoita vamwe zvakadai serusaruraganda, kuzvikudza, godo, uye kuzviita vatsvene. Chimwe chingatibatsira kuti tisakurumidza kutonga vamwe kufungisisa nezvezvatisingagoni kuita. Hatigoni kuona zviri mumwoyo mevanhu, uye hatigoni kuziva zvese zviri kuitika kwavari. Saka tiri vanaani kuti tifungire vamwe zvakaipa kana kuti tishoropodze zvavari kuedza kuita mubasa raMwari? Zvinenge zvakanaka kuti titevedzere Jehovha nekutsvaga zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu pane kungogara ziso redu riri pazvinhu zvavanokanganisa.
15. Panyaya yematauriro kana kuti mabatiro atinoita vamwe, zvinhu zvipi zvisingafaniri kuwanika pakati pevanhu vaJehovha, uye nei tichidaro?
15 Ko kana tiri mumhuri? Zvinorwadza kuti mazuva ano mumba, umo munofanira kunge muri imo mekuwanira zororo, ndimo munotonyanya kutongwa vamwe zvakaipisisa. Hazvishamisi kunzwa nezvevanhu vanozviita sevatongi mumhuri dzavo, varume vachishusha vakadzi uye vakadzi vachishusha varume, uye vana vachishungurudza vabereki, vese vachirwadzisana nemashoko kana kutorovana chaiko. Asi mashoko eutsinye, kutsvinyirana, nekubata vamwe zvakashata, hazvifaniri kutombowanika pakati pevanhu vaMwari. (VaEfeso 4:29, 31; 5:33; 6:4) Mashoko aJesu ekuti “regai kutonga” uye “regai kuwanira vamwe mhosva” haagumi kushanda kana tava kumba. Yeuka kuti kubata vamwe zvakarurama kunosanganisira kubata vamwe sezvatinoitwa naJehovha. Uye Mwari wedu haambotibati nehasha kana kuti neutsinye. “Ane tsitsi huru” kune vaya vanomuda. (Jakobho 5:11) Uyu ndiwo muenzaniso wekutevedzera!
-
-
‘Ita Zvakarurama’ Pakufamba naMwariSwedera Pedyo naJehovha
-
-
a Mamwe maBhaibheri anoti “musatonga” uye “musapa mhosva.” Izvi zvinobva zvapa pfungwa yekunge vaingopiwa mutemo wekuti vasazoita zvinhu izvi. Asi mashoko acho akashandiswa nevanyori veBhaibheri anotoratidza kuti Jesu aitaura kuti vanhu vasiyane nezvavaitoita. Saka zviri kutsanangurwa apa zvaitoitika asi zvaifanira kuregwa.
-