Unogona Kukurira Dambudziko
MUNGUVA dzino dzinonetsa, vakawanda vari kutsungirira matambudziko akaita sedutu. Asi vaKristu vanobatsirwa kutsungirira nokuda Mwari uye kuvimbika kune zvaanotaura. Sei? Mhinduro yacho inogona kuwanikwa mumufananidzo wakataurwa naJesu Kristu. Akaenzanisa vadzidzi vake vaiteerera no“murume akangwara, akavakira imba yake padombo guru.” Jesu akati: “Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo nesimba, asi haina kuwa, nokuti yakanga yavakirwa padombo guru.”—Mateu 7:24, 25.
Ona kuti kunyange zvazvo murume womumufananidzo wacho akangwara, anongotarisana nedambudziko—rinomiririrwa nemvura inonaya nesimba, mafashamo uye mhepo inoparadza. Saka Jesu haana kupa pfungwa yokuti vadzidzi vake vaizopukunyuka matambudziko ose vorarama upenyu hworugare norunyararo chete. (Pisarema 34:19; Jakobho 4:13-15) Asi akataura kuti vashumiri vaMwari vakatendeka vanogona kugadzirira uye kukurira nhamo nematambudziko zvakaoma kudaro.
Jesu akatanga mufananidzo wacho achiti: “Munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake padombo guru.” Chokwadi, Jesu akanga asiri kutaura nezvokuvaka dzimba chaidzo, asi nezvokuvaka upenyu. Vaya vanoteerera mashoko aKristu vanonzwisisa uye vanoratidza kuti vane mafungiro akanaka. Vanoita kuti vavariro dzavo uye zvavanoita zvivakirwe padombo guru redzidziso dzaKristu nokuita zvavanenge vadzidziswa. Zvinofadza kuti dombo guru iri rokufananidzira hariwaniki nechepamusoro. Murume womumufananidzo wacho aifanira kuchera “pasi chaipo,” kuti asvike pariri. (Ruka 6:48) Saizvozvowo, vadzidzi vaJesu vanoramba vachishanda nesimba kuti vave nounhu hwokutsungirira hunoita kuti vaswedere pedyo naMwari.—Mateu 5:5-7; 6:33.
Chii chinoitika matambudziko akaita sedutu paanoedza kusimba kwakaita nheyo yechiKristu yevateveri vaJesu? Kuda kwavo kuteerera dzidziso dzaKristu nounhu hwavo hwechiKristu kunoratidza kuti ndiko kunovasimbisa pavanenge vachitarisana nematambudziko akadaro uye, pakupedzisira, padutu rava pedyo reAmagedhoni. (Mateu 5:10-12; Zvakazarurwa 16:15, 16) Chokwadi, nokutevera dzidziso dzaKristu, vakawanda vari kubudirira kukunda miedzo yakaita sedutu. Unogonawo kuikunda.—1 Petro 2:21-23.