‘Rambai Muchibereka Zvibereko Zvakawanda’
‘Rambai muchibereka zvibereko zvakawanda mozviratidza kuva vadzidzi vangu.’—JOHANI 15:8.
1. (a) Jesu akataurira vaapostora vake kuti chii chinodiwa kuti munhu ave mudzidzi? (b) Mubvunzoi watinofanira kuzvibvunza?
HWAIVA usiku hwakatangira zuva rokufa kwake. Jesu akanga atora nguva yakakwana kuti akurudzire vaapostora vake nehurukuro yomwoyo wose. Iye zvino pakati pousiku panofanira kuva pakanga papfuura, asi Jesu, pamusana pokuda shamwari dzake dzepamwoyo, akaramba achitaura. Ipapo, achikurukura navo kudaro, akavayeuchidza chimwezve chinhu chavaifanira kuita kuti varambe vari vadzidzi vake. Akati: “Baba vangu vanopiwa mbiri mune izvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye munozviratidza kuva vadzidzi vangu.” (Johani 15:8) Isu nhasi tinoita here izvi zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi? Zvinorevei kuva ‘vanobereka zvibereko zvakawanda’? Kuti tizive, ngatidzokei kukurukurirano yakaitwa usiku ihwohwo.
2. Mufananidzoi wezvibereko uyo Jesu anorondedzera usiku hwakatangira zuva rokufa kwake?
2 Zano rokubereka zvibereko rutivi rwomufananidzo uyo Jesu akarondedzera kuvaapostora vake. Akati: “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu ndivo murimi. Bazi rose riri mandiri risingabereki zvibereko vanoribvisa, uye rose rinobereka zvibereko vanorichenesa, kuti ribereke zvibereko zvakawanda. Makatochena nemhaka yeshoko randakataura kwamuri. Rambai muri pamwe neni, uye ini ndiri pamwe nemi. Sezvo bazi risingagoni kubereka zvibereko riri roga kunze kwokuti rikaramba riri pamuzambiringa, nenzira yakafanana nemiwo hamugoni, kunze kwokuti mukaramba muri pamwe neni. Ndini muzambiringa, imi muri mapazi. . . . Baba vangu vanopiwa mbiri mune izvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye munozviratidza kuva vadzidzi vangu. Sezvo Baba vakandida neni ndakakudai, rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu.”—Johani 15:1-10.
3. Vateveri vaJesu vanofanira kuitei kuti vabereke zvibereko?
3 Mumufananidzo uyu Jehovha ndiye Murimi, Jesu ndiye muzambiringa, uye vaapostora avo Jesu aitaura navo ndiwo mapazi. Chero bedzi vaapostora vaiedza ‘kuramba vari pamwe’ naJesu, vaizobereka zvibereko. Ipapo Jesu akatsanangura kuti vaapostora vaigona kubudirira sei kuramba vakachengeta kubatana kunokosha uku, achiti: “Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu.” Gare gare, muapostora Johani aizonyora mashoko akafanana naiwayo kune vamwe vaKristu, achiti: “Uyo anochengeta mirayiro [yaKristu] anoramba ari pamwe naye.”a (1 Johani 2:24; 3:24) Naizvozvo, nokuchengeta mirayiro yaKristu, vateveri vake vanoramba vari pamwe naye, uye kubatana uku kunovaitawo kuti vakwanise kubereka zvibereko. Zvibereko zvorudzii zvatinofanira kubereka?
Mukana Wokukura
4. Tingadzidzei pakuti Jehovha ano“bvisa” bazi rose risingabereki zvibereko?
4 Mumufananidzo womuzambiringa, Jehovha ano“bvisa,” kana kudimbura bazi kana risingabereki zvibereko. Izvi zvinotiudzei? Hazvingotiudzi kuti vadzidzi vose vanofanira kubereka zvibereko asiwo kuti vose vanokwanisa kudaro, pasinei nokuti mamiriro avo ezvinhu akaita sei kana kuti havakwanisi zvakadini kuita zvimwe zvinhu. Pamusoro pazvo, zvaizopesana nenzira dzaJehovha dzorudo ‘kubvisa,’ kana kutaura kuti mudzidzi waKristu haachakodzeri nokuti akundikana kuita chimwe chinhu chaaisakwanisa kuita.—Pisarema 103:14; VaKorose 3:23; 1 Johani 5:3.
5. (a) Mufananidzo waJesu unoratidza sei kuti tinogona kufambira mberi pakubereka zvibereko? (b) Marudzi api maviri ezvibereko atichakurukura?
5 Mufananidzo waJesu womuzambiringa unoratidzawo kuti mumamiriro edu ezvinhu iwayo, tinofanira kusiya mukana wokukura mumabasa edu somudzidzi. Ona kuti Jesu anozvitaura sei: “Bazi rose riri mandiri risingabereki zvibereko vanoribvisa, uye rose rinobereka zvibereko vanorichenesa, kuti ribereke zvibereko zvakawanda.” (Johani 15:2) Ava kuda kupedza mufananidzo wacho, Jesu akakurudzira vateveri vake kubereka “zvibereko zvakawanda.” (Ndima 8) Izvi zviri kurevei? Sevadzidzi, hatimbofaniri kurerutsa zvinhu. (Zvakazarurwa 3:14, 15, 19) Pane kudaro, tinofanira kutsvaka nzira dzokufambira nadzo mberi pakubereka zvibereko. Rudzii rwezvibereko zvatinofanira kuedza kubereka zvakawanda zvikuru? Pane (1) “zvibereko zvomudzimu” uye (2) zvibereko zvoUmambo.—VaGaratiya 5:22, 23; Mateu 24:14.
Zvibereko Zvounhu hwechiKristu
6. Jesu Kristu akasimbisa sei kukosha kwechibereko chomudzimu chakatanga kutaurwa?
6 Chinotanga kutaurwa pa“zvibereko zvomudzimu” rudo. Mudzimu mutsvene waMwari unobereka rudo muvaKristu, nokuti vanoteerera murayiro wakapiwa naJesu nguva pfupi asati ataura mufananidzo womuzambiringa unobereka zvibereko. Akaudza vaapostora vake kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane.” (Johani 13:34) Tingati muhurukuro yake yose usiku ihwohwo hwokupedzisira muupenyu hwake pasi pano, Jesu akayeuchidza ayeuchidzazve vaapostora nezvokudiwa kwokuratidza rudo.—Johani 14:15, 21, 23, 24; 15:12, 13, 17.
7. Muapostora Petro akaratidza sei kuti kubereka zvibereko kune chokuita nokuratidza unhu hwakafanana nohwaKristu?
7 Petro, uyo aivapo usiku ihwohwo, akanzwisisa kuti rudo rwakafanana norwaKristu nohumwe unhu zvinofanira kuonekwa muvadzidzi vechokwadi vaKristu. Makore akazotevera, Petro akakurudzira vaKristu kuti vave nounhu hwakadai sokuzvidzora, kudanana kwazvo sehama, uye rudo. Akawedzera kuti kuita kudaro kunoita kuti tisave “vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko.” (2 Petro 1:5-8) Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tinogona kuratidza zvibereko zvomudzimu. Naizvozvo, ngatiedzei kuratidza rudo, mutsa, unyoro, nohumwe unhu hwakafanana nohwaKristu kusvikira pamwero wakazara, nokuti “hapana mutemo unorwisana nezvinhu zvakadai,” kana muganhu. (VaGaratiya 5:23) Chokwadi, ngatiberekei“zvibereko zvakawanda.”
Kubereka Zvibereko zvoUmambo
8. (a) Zvibereko zvomudzimu nezvibereko zvoUmambo zvakabatana papi? (b) Mubvunzo upi watinofanira kufunga nezvawo?
8 Zvibereko zvinoyevedza uye zvinonaka zvinoshongedza muti. Zvisinei, kukosha kwezvibereko zvakadaro hakungogumiri pakushongedza chete. Zvibereko zvinokoshawo pakuwanza miti nemhodzi dzazvo. Saizvozvowo, zvibereko zvomudzimu zvinoita zvakawanda kupfuura kungoshongedza unhu hwedu hwechiKristu. Unhu hwakadai sorudo nokutenda zvinotikurudzirawo kuparadzira shoko roUmambo rakaita sembeu rinowanikwa muShoko rwaMwari. Cherechedza masimbisiro anoita muapostora Pauro kubatana uku kunokosha. Anoti: “Isuwo tinotenda [chimwe chezvibereko zvomudzimu] saka tinotaura.” (2 VaKorinde 4:13) Munzira iyi, Pauro anowedzera kutsanangura kuti, tino“pa Mwari chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo”—rudzi rwechipiri rwezvibereko zvatinofanira kuratidza. (VaHebheru 13:15) Muupenyu hwedu mune mikana yokubereka zvikuru, zvechokwadi kubereka “zvibereko zvakawanda,” sevazivisi voUmambo hwaMwari here?
9. Kubereka zvibereko kwakafanana nokuita vadzidzi here? Tsanangura.
9 Kuti tipindure zvakakodzera, tinofanira kutanga tanzwisisa kuti zvibereko zvoUmambo zvii. Zvingava zvakarurama here kugumisa kuti kubereka zvibereko kunoreva kuita vadzidzi? (Mateu 28:19) Zvibereko zvatingabereka zvinoreva zvikurukuru vanhu vatinobatsira kuva vanamati vaJehovha vakabhabhatidzwa here? Kwete. Kudai zvaiva zvakadaro, Zvapupu zvose zviya zvinodiwa zvave zvichizivisa nokutendeka shoko roUmambo kwemakore mundima dzine vashoma vanogamuchira zvaizoora mwoyo zvikuru. Chokwadi, kudai zvibereko zvoUmambo zvatinobereka zvichimiririrwa bedzi nevadzidzi vatsva, Zvapupu zvinoshanda nesimba zvakadaro zvaizova semapazi asingabereki mumufananidzo waJesu! Asi, hazvina kudaro. Saka, zvibereko zvikuru zvoUmambo muushumiri hwedu zvii?
Kubereka Zvibereko Nokuparadzira Mbeu yoUmambo
10. Mufananidzo waJesu womudyari nemarudzi akasiyana-siyana evhu unoratidza sei zviri zvibereko zvoUmambo nechazvisiri?
10 Mufananidzo waJesu womudyari nemarudzi akasiyana-siyana evhu unoratidza mhinduro yacho—mhinduro inokurudzira kune zvapupu zviya zviri mundima dzisingabereki zvibereko zvakawanda. Jesu akataura kuti mbeu ishoko roUmambo rinowanikwa muShoko raMwari, uye kuti ivhu rinomiririra mwoyo wokufananidzira womunhu. Imwe mbeu “yakawira pavhu rakanaka, uye, yamera, yakabereka zvibereko.” (Ruka 8:8) Zviberekoi? Pashure pokunge dzinde regorosi ramera uye rakura, rinobereka mbeu itsva, kwete madzinde maduku egorosi. Saizvozvowo, muKristu anobereka, kwete vadzidzi vatsva chaizvoizvo, asi mbeu itsva dzoUmambo.
11. Zvibereko zvoUmambo zvingatsanangurwa sei?
11 Naizvozvo, pano zvibereko hazvisi vadzidzi vatsva kana kuti unhu hwakanaka hwechiKristu. Sezvo mbeu inodyarwa iri shoko roUmambo, zvibereko zvacho zvinofanira kuva mbeu idzodzo dzakawanda zvikuru. Pano kuberekwa kwezvibereko kunoreva kutaura nezvoUmambo. (Mateu 24:14) Kubereka zvibereko zvakadaro zvoUmambo—kuzivisa mashoko akanaka oUmambo—kunogona kuitwa, pasinei nokuti mamiriro edu ezvinhu angave akaita sei here? Hungu, ndizvozvo! Mumufananidzo iwoyo, Jesu anotsanangura kuti nei.
Kupa Zvakanakisisa Zvedu Kuti Mwari Apiwe Mbiri
12. VaKristu vose vanokwanisa kubereka zvibereko zvoUmambo here? Tsanangura.
12 ‘Uya akadyarwa pavhu rakanaka kwazvo,’ akadaro Jesu, “anobereka zvibereko oita, uyu zana, uyo makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.” (Mateu 13:23) Zviyo zvinodyarwa mumunda zvingasiyana mukubereka kwazvo maererano nemamiriro ezvinhu. Saizvozvowo, zvatinokwanisa kuita mukuzivisa mashoko akanaka zvingasiyana maererano nemamiriro edu ezvinhu, uye Jesu akaratidza kuti aiziva izvi. Vamwe vangava nemikana yakawanda; vamwewo vangava noutano huri nani uye simba rakawanda. Saka, zvatinokwanisa kuita zvingava zvakawanda kana kuti zviri zvishoma pane zvinoitwa nevamwe, asi chero zvichiratidza zvakanakisisa zvatinogona, zvinofadza Jehovha. (VaGaratiya 6:4) Kunyange kana kuchembera kana urwere hunoita kuti tive ndonda zvichititadzisa kuita zvakawanda mubasa rokuparidza, Baba vedu vane tsitsi, Jehovha, pasina mubvunzo vanotiona somumwe wevaya vano‘ramba vachibereka zvibereko zvakawanda.’ Nei? Nokuti tinovapa ‘zvose zvatinazvo’—basa redu romwoyo wose.b—Mako 12:43, 44; Ruka 10:27.
13. (a) Ndechipi chiri chikonzero chikuru chokuti ti“pfuurire” kubereka zvibereko zvoUmambo? (b) Chii chichatibatsira kuramba tichibereka zvibereko mundima dzine vashoma vanogamuchira? (Ona bhokisi riri papeji 21.)
13 Kusvikira pamwero upi zvawo watinokwanisa kubereka zvibereko zvoUmambo, tichanzwa tichida ‘kupfuurira uye kuramba tichibereka zvibereko’ patinoramba tichifunga kuti nei tiri kuita kudaro. (Johani 15:16) Jesu akataura chikonzero chikuru, kuti: “Baba vangu vanopiwa mbiri mune izvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda.” (Johani 15:8) Hungu, basa redu rokuparidza rinotsvenesa zita raJehovha pamberi pevanhu vose. (Pisarema 109:30) Honor, chimwe Chapupu chakatendeka chine makore ari kuma70, anoti: “Kunyange mundima dzisina vakawanda vanogamuchira, iropafadzo kumiririra Wokumusorosoro.” Apo Claudio, uyo ave ari Chapupu chinoshingaira kubvira muna 1974, akabvunzwa kuti nei achiramba achiparidza kunyange zvazvo vashoma vachigamuchira mundima yake, akatora mashoko aJohani 4:34, patinoverenga mashoko aJesu anoti: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” Claudio akawedzera kuti: “Kufanana naJesu, handingodi kutanga asiwo kupedza basa rangu somuzivisi woUmambo.” (Johani 17:4) Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvinobvumirana nazvo.—Ona bhokisi riri papeji 21 rakanzi “Nzira Yoku‘bereka Nayo Zvibereko Nokutsungirira.’”
Kuparidza uye Kudzidzisa
14. (a) Basa raJohani muBhabhatidzi neraJesu raiva nezvinangwa zvipi zviviri? (b) Ungatsanangura sei basa rechiKristu nhasi?
14 Muzivisi woUmambo wokutanga anotaurwa muEvhangeri ndiJohani muBhabhatidzi. (Mateu 3:1, 2; Ruka 3:18) Chinangwa chake chikuru chaiva cho“kuti apupure,” uye akaita kudaro nokutenda kwomwoyo wose uye netariro yo“kuti vanhu vamarudzi ose vatende.” (Johani 1:6, 7) Chokwadi, vamwe veavo Johani akaparidzira kwavari vakava vadzidzi vaKristu. (Johani 1:35-37) Saka, Johani aiva muparidzi uyewo muiti wevadzidzi. Jesu aivawo muparidzi nomudzidzisi. (Mateu 4:23; 11:1) Saka hazvishamisi kuti Jesu haana kungorayira vateveri vake kuti vaparidze shoko roUmambo chete asiwo kuti vabatsire vanhu vanorigamuchira kuva vadzidzi vake. (Mateu 28:19, 20) Saka basa redu nhasi rinosanganisira zvose kuparidza nokudzidzisa.
15. Chii chakafanana pakugamuchirwa kwaiitwa kuparidza muzana remakore rokutanga C.E. nokunoitwa nhasi?
15 Pane vaya vakanzwa Pauro achiparidza nokudzidzisa muzana remakore rokutanga C.E., “vamwe vakatanga kutenda zvinhu zvakataurwa; vamwe vakanga vasingatendi.” (Mabasa 28:24) Nhasi, maitiro evanhu akangofanana naiwayo. Zvinosuruvarisa kuti mbeu yoUmambo yakawanda inowira pavhu risingabereki. Kunyange zvakadaro, imwe mbeu inowirawo pavhu rakanaka kwazvo, yoita midzi, yomera, sezvakafanotaurwa naJesu. Zviripo ndezvokuti, pasi pose, avhareji yevanhu 5 000 inova vadzidzi vechokwadi vaKristu vhiki imwe neimwe yegore! Vadzidzi vatsva ava vano“tenda zvinhu zvakataurwa,” kunyange zvazvo vamwe vanhu vakawanda vasingatendi. Chii chakabatsira mukuita kuti mwoyo yavo igamuchire shoko roUmambo? Kazhinji kufarirwa kwavakaitwa neZvapupu—kudiridzirwa kwembeu dzichangobva kudyarwa, nenzira yokufananidzira—ndiko kwakabatsira. (1 VaKorinde 3:6) Funga nezvemienzaniso miviri bedzi pane yakawanda.
Kufarira Vanhu Kunobatsira
16, 17. Nei zvichikosha kufarira vaya vatinosangana navo muushumiri hwedu?
16 Karolien, chimwe Chapupu chechiduku muBelgium, akashanyira mumwe mukadzi akwegura asina kuratidza kufarira shoko roUmambo. Sezvo ruoko rwomukadzi wacho rwakanga rwakasungwa nejira, Karolien nomumwe wake vakati vanoda kumubatsira, asi mukadzi wacho akaramba. Mazuva maviri gare gare, Zvapupu izvi zvakadzokazve kumba kwomukadzi wacho ndokumubvunza kuti akanga achinzwa sei. “Izvi zvakabatsira,” akadaro Karolien. “Akashamiswa kuona kuti tainyatsomufarira pachake. Akatipinza mumba make, uye chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa.”
17 Sandi, chimwe Chapupu chokuUnited States, anofarirawo vaya vaanoparidzira. Anotarisa zviziviso zvevana vanenge vazvarwa zviri mupepanhau rokwavo obva ashanyira vabereki vatsva vacho neBhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri.c Sezvo kazhinji kacho amai vacho vanenge vari pamba uye vachifara kuratidza vaenzi mwana wavo, kakawanda kurukurirano inotanga. “Ndinotaura nevabereki vacho kukosha kwokuva noukama hwakasimba nomwana achangobva kuzvarwa nokumuverengera,” anotsanangura kudaro Sandi. “Ndinozotaura nezvezvinetso zvokurera mwana munyika yanhasi.” Nguva ichangobva kupfuura iyi, zvichibva pakushanya kwakadaro, vamwe amai nevana vatanhatu vakatanga kunamata Jehovha. Kutanga kuita chiito uye kufarira vamwe zvingatungamirira kumigumisiro inofadza yakadaro muushumiri hwedu.
18. (a) Nei tose tichikwanisa kuita zvinodiwa zvoku“bereka zvibereko zvakawanda”? (b) Zvinhu zvipi zvitatu zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi zvinotaurwa muEvhangeri yaJohani zvawatsunga kuita?
18 Zvinokurudzira sei kuziva kuti tinokwanisa kuita zvinodiwa kwatiri zvo‘kuramba tichibereka zvibereko zvakawanda’! Tingave tiri vakuru kana vaduku, tingave tiine utano hwakanaka kana husina kutsarukana, tingave tichiparidza mundima dzine vakawanda kana vashoma vanogamuchira, tose zvedu tinokwanisa kubereka zvibereko zvakawanda. Sei? Nokuratidza zvibereko zvomudzimu kusvikira kumwero wakazara uye nokuparadzira shoko roUmambo hwaMwari sezvatinokwanisa nemano edu. Panguva iyi, tinoedza ku‘ramba tiri mushoko raJesu’ uye ‘kuva norudo pakati pedu.’ Hungu, nokuita zvinhu zvitatu izvi zvinokosha zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi zvinotaurwa muEvhangeri yaJohani, tinoratidza kuti ti“ri vadzidzi [vaKristu] chaivo.”—Johani 8:31; 13:35.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo mapazi omuzambiringa mumufananidzo achireva vaapostora vaJesu nevamwe vaKristu vachawana nzvimbo muUmambo hwaMwari hwokudenga, mufananidzo wacho une chokwadi chinogona kubatsira vateveri vose vaKristu.—Johani 3:16; 10:16.
b Vaya vasingagoni kubva pamusha pavo pamusana pokukwegura kana kuti kurwara vangakwanisa kupupurira netsamba kana kuti, kwazvinobvumirwa, norunhare, kana kuti pamwe vanogona kugoverana mashoko anaka nevaya vanovashanyira.
c Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Mibvunzo Yokudzokorora
• Rudzii rwezvibereko rwatinofanira kubereka zvakawanda?
• Nei ku“bereka zvibereko zvakawanda” chiri chinhu chatinokwanisa kuita?
• Zvinhu zvipi zvitatu zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi zvinotaurwa muEvhangeri yaJohani zvatakurukura?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]
NZIRA YOKU‘BEREKA NAYO ZVIBEREKO NOKUTSUNGIRIRA’
CHII chinokubatsira kuramba uchiparidza shoko roUmambo nokutendeka mundima dzisina vakawanda vanogamuchira? Hedzino dzimwe mhinduro dzinobatsira dzomubvunzo uyu.
“Kuziva kuti tinotsigirwa zvakazara naJesu kunoita kuti tive netariro uye titsungirire, pasinei nezvinoita vanhu mundima.”—Harry, ane makore 72; akabhabhatidzwa muna 1946.
“Rugwaro rwa2 VaKorinde 2:17 runondikurudzira nguva dzose. Runoti tinoita ushumiri ‘tichionekwa naMwari, pamwe naKristu.’ Pandinenge ndiri muushumiri, ndinonakidzwa kuva neshamwari dzangu dzepamwoyo idzi.”—Claudio, ane makore 43; akabhabhatidzwa muna 1974.
“Kutaura chokwadi, basa rokuparidza rinondinetsa pachangu. Asi ndinoona chokwadi chemashoko anowanikwa pana Pisarema 18:29, anoti: “Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.’”—Gerard, ane makore 79; akabhabhatidzwa muna 1955.
“Kana ndikagona kuverenga chero rugwaro rumwe chete muushumiri, zvinondifadza kuti mumwe munhu aongororwa mwoyo wake neBhaibheri.”—Eleanor, ane makore 26; akabhabhatidzwa muna 1989.
“Ndinoramba ndichiedza mharidzo dzakasiyana-siyana. Kune dzakawanda zvokuti handigoni kuzodzishandisa dzose mumakore asara oupenyu hwangu.”—Paul, ane makore 79; akabhabhatidzwa muna 1940.
“Handigumburwi nokusafarira kwevanhu. Ndinoedza kuva nemharidzo isina kuoma, ndichitaura nevanhu uye kuteerera maonero avo.”—Daniel, ane makore 75; akabhabhatidzwa muna 1946.
“Ndakasangana nevachangobva kubhabhatidzwa vakandiudza kuti basa rangu rokuparidza rakabatsira pakuva kwavo Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Ndisingazvizivi, mumwewo munhu akazodzidza navo Bhaibheri akavabatsira kufambira mberi. Zvinondifadza kuziva kuti ushumiri hwedu ibasa rokushandira pamwe.”—Joan, ane makore 66; akabhabhatidzwa muna 1954.
Chii chinokubatsira ku“bereka zvibereko nokutsungirira”?—Ruka 8:15.
[Mifananidzo iri papeji 20]
Nokuratidza zvibereko zvomudzimu uye nokuzivisa shoko roUmambo, tinobereka zvibereko zvakawanda
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jesu airevei paakaudza vaapostora vake kuti: ‘Rambai muchibereka zvibereko zvakawanda’?