RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70
    Nharireyomurindi—1998 | March 1
    • MAKANGA muri muchirimo cha32 C.E. Mwedzi mitanhatu bedzi yakanga yasara rufu rwaJesu rwusati rwaitika. Nokudaro, kuti akurumidzise basa rekuparidza ndokuwedzera kurovedzwa kwevamwe vevadzidzi vake, akasarudza vadzidzi 70 ndoku“vatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda.”—Ruka 10:1.a

      Jesu akatuma vadzidzi vake “pamberi pake” kuitira kuti vanhu vakwanise kusarudza nokukurumidza zvikuru kana vaitsigira kana kuti kusatsigira Mesiya apo Jesu pachake aizosvika gare gare. Asi nei akavatuma “vaviri vaviri”? Sezviri pachena, kuitira kuti vakurudzirane pavaisangana nokushorwa.

  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70
    Nharireyomurindi—1998 | March 1
    • Kakawanda zvikuru, Zvapupu zvaJehovha zvinoonekwa zvichishanda zviri vaviri vaviri. Zvakawanda zvaisagona kuitwa here kudai mumwe nomumwe wazvo aishanda ari oga? Zvimwe. Kunyange zvakadaro, vaKristu nhasi vanoziva betsero dzokushanda nomumwe mutendi. Zvinopa mwero wakati wedziviriro pakupupura munzvimbo dzine ngozi. Kushanda nomumwe kunogonesawo kuti vatsva vabetserwe nounyanzvi hwevaparidzi vemashoko akanaka vane ruzivo rwokuzviwanira rukuru. Chaizvoizvo, vose vari vaviri vanogona kubetsera kutsinhana kukurudzirana.—Zvirevo 27:17.

  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70
    Nharireyomurindi—1998 | March 1
    • a Mamwe maBhaibheri uye manyoro echiGiriki ekare anotaura kuti Jesu akatuma vadzidzi “makumi manomwe navaviri.” Zvisinei, kune ufakazi hwakawanda hwemanyoro hunotsigira kurava kwokuti “makumi manomwe.” Uku kusiyana kwenhamba hakufaniri kutibvisa pamufungo mukuru, wokuti Jesu akatuma boka guru revadzidzi vake kunoparidza.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe