RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi—2010 | January 1
    • Puranga rokunyorera rinotaurwa pana Ruka 1:63 raiva rerudzii?

      ▪ Evhangeri yaRuka inotaura kuti shamwari dzaZekariya dzakamubvunza kuti mwana wake ainge achangoberekwa aizonzi ani. Zekariya ‘akakumbira puranga rokunyorera, akanyora kuti: ‘Johani ndiro zita rake.’ (Ruka 1:63) Mapuranga aya maduku aibatanidzwa oiswa namo. Munyori achishandisa chinyoreso aigona kunyora pamapuranga aya. Zvainge zvanyorwa zvaigona kuzodzimwa uye paigona kunyorerwazve.

      Bhuku rinonzi Kuverenga Nokunyora Munguva dzaJesu [Reading and Writing in the Time of Jesus] rinoti: “Mifananidzo yokuPompeii, zvivezwa zvakabva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzoUmambo hweRoma uye zvinhu zvakacherwa munzvimbo dzakawanda kubvira kuIjipiti kusvika kumudhuri unonzi Hadrian’s Wall [Northern Britain] zvinoratidza kushandiswa kwaiitwa mapuranga okunyorera.” Vanhu vakasiyana-siyana vangangove vaiva nemapuranga iwayo, vaisanganisira vatengesi, vakuru vehurumende, uye zvichida kunyange vamwe vaKristu vemuzana remakore rokutanga.

  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi—2010 | January 1
    • [Mufananidzo uri papeji 11]

      Puranga rokunyorera rine namo raishandiswa nemwana wechikoro, zana remakore rechipiri C.E.

      [Kwazvakatorwa]

      By permission of the British Library

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe