-
MuSamariya Anoratidza Kuti Muvakidzani AkanakaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Jesu anoudza murume wacho kuti: “Wapindura zvakarurama; ‘ramba uchiita izvi uye uchawana upenyu.’” Nyaya yacho inobva yapera here? Murume uyu haasi kuda kungoudzwa mhinduro yakanangana nemubvunzo wake chete asi ari kuda “kuzviita akarurama,” kuti audzwe kuti maonero ake panyaya yacho akarurama, zvoita kuti anzwe asina mhosva pamabatiro aanoita vamwe. Saka anobvunza kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” (Ruka 10:28, 29) Mubvunzo iwoyo unoita sewakapusa, asi uri kureva zvakawanda. Sei?
VaJudha vanotenda kuti shoko rokuti “muvakidzani” rinoshanda kuvanhu vanotevedzera tsika dzechiJudha chete, uye zvinoita sekuti Revhitiko 19:18 inotsigira pfungwa yacho. MuJudha anotogona kuti “hazvisi pamutemo” kuwadzana nemunhu asiri muJudha. (Mabasa 10:28) Saka murume uyu zvimwe nevamwe vadzidzi vaJesu pachake, vanoona sekuti vanenge vakarurama chaizvo kana vakabata vamwe vavo vechiJudha zvakanaka. Asi vanofunga kuti vanogona havo kubata munhu asiri muJudha zvakaipa nokuti haasi “muvakidzani” wavo chaiye.
-
-
MuSamariya Anoratidza Kuti Muvakidzani AkanakaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Apa Jesu ashandisa nzira yekudzidzisa inobudirira zvikuru! Kudai Jesu anga angoudza murume uyu kuti kunyange vanhu vasiri vaJudha vavakidzani vake, iye nevamwe vaJudha vanga vakateerera vangadai vazvibvuma here? Zvimwe vaizozviramba. Zvisinei, kanyaya kaataura achirondedzera zvinhu zvinonyatsozivikanwa nevateereri vake, kaita kuti mhinduro yemubvunzo wekuti, “Muvakidzani wangu anombova ani?” ibve yabuda pachena. Muvakidzani chaiye ndiye uya anoratidza rudo nemutsa izvo zvatinoudzwa neMagwaro kuti tinofanira kuita.
-