Kudirei Muvakidzani Wako?
UPENYU husingaperi hunotsamira pakuda kwedu Mwari nomuvakidzani. Pfundo iroro rakasimbiswa mukati mekurukurirano yakaitika anodokusvika makore 2 000 apfuura.
Mumwe murume wechiJudha aiziva Mutemo waMosesi akabvunza Jesu Kristu, kuti: “Ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura, kuti: “Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?” Achinokora mashoko Mutemo, murume wacho akati: “‘Ida [Jehovha, NW], Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose,’ uye, ‘[muvakidzani wako sewe umene, NW].’” “Wapindura zvakanaka,” Jesu akadaro. “Ita izvozvo, ugorarama.”—Ruka 10:25-28.
Papfundo iroro, mubvunzi waJesu akabvunza, kuti: “Ndiani chaizvoizvo ari muvakidzani wangu?” (NW) Panzvimbo pokupindura zvakananga, Jesu akataura nhau inoenzanisira pamusoro pomumwe murume wechiJudha akanga abirwa, arohwa, uye asiiwa odokufa. Kwakauya vaJudha vaviri—kutanga muprista uye ipapo muRevhi. Vose vari vaviri vakacherechedza mugariro womuJudha biyavo asi havana chavakaita kumubetsera. MuSamaria akatevera kusvika. Asundwa netsitsi, akapombera maronda omuJudha akuvadzwa, akamuendesa kuimba yavose, uye akagovera nokuda kweimwezve tarisirwo yake.
Jesu akabvunza mubvunzi wake, kuti: “Ndianiko waava vatatu anoratidzika kwauri kuva akazviita amene muvakidzani kumunhu akawira pakati pamakororo?” (NW) Nenzira yakajeka, akanga ari muSamaria ane tsitsi. Jesu nokudaro akaratidza kuti kuda muvakidzani kwechokwadi kunopfuura mipingo yedzinza.—Ruka 10:29-37.
Kushaikwa Kwokuda Muvakidzani
Nhasi kune utsinye huri kukura pakati pavanhu vamapoka akasiana-siana edzinza. Somuenzaniso, vaNazi vatsva muGermany misi ichangobva kupfuura iyi vakakandira munhu pasi ndokumutsika-tsika namajombo avo, vachityora dzinodokuva mbabvu dzake dzose. Ivo ipapo vakamudira zvinwiwa zvinodhakisa zvikuru ndokumutungidza mwoto. Murume akasiiwa kuti afe akadenhwa nemhaka yokuti akafungwa kuva muJudha. Muchinoitika chisingawirirani, imwe imba iri pedyo neHamburg yakapiswa nebhomba, richipisa vanhu vatatu vamavambo echiTurkey kusvikira kurufu—mumwe wavo musikana aiva namakore gumi okukura.
MuBalkans uye kure kumabvazuva, hondo dzamadzinza dzakanga dzichiparadza zviuru zvoupenyu. Vamwe vakafira mubonderano pakati pavanhu vemigariro yekare yakasiana-siana muBangladesh, India, uye Pakistan. Uye muAfrica, rwisano dzapakati pamadzinza napakati pamarudzi dzakaparadza upenyu hwavamwezve.
Vanhu vazhinjisa vanokatyamadzwa namasimba masimba akadaro uye vangasatongoita chinhu kukuvadza muvakidzani wavo. Kutaura idi, ratidziro huru muGermany dzakashurikidza masimba masimba edzinza imomo. Bva, The New Encyclopædia Britannica inoti: “Mitezo yeinodokuva yetsika dzose dzenyika inorangarira mararamiro ayo imene samakuru kuayo avavakidzani vapedyo zvikuru.” Mirangariro yakadaro inodzivisa kuda muvakidzani. Chinhu chipi nechipi chinogona kuitwa here pamusoro paikoku, zvikurukuru sezvo Jesu akataura kuti upenyu hunotsamira pakuda Mwari nomuvakidzani?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Butiro: Jules Pelcog/Die Heilige Schrift
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
The Good Samaritan/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications, Inc.