Bhuku reBhaibheri Nhamba 32—Jona
Munyori: Jona
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 844 B.C.E.
1. Mibvunzoi inopindurwa mubhuku raJona, uye rinoratidzei pamusoro pengoni dzaJehovha?
JONA—mufundisi wokumwe womuzana ramakore rechipfumbamwe B.C.E.! Akarangarira sei mugove wake wakabva kuna Jehovha? Iwoyu wakamuzarurira zvinoitikai zvitsva? Akawana vanhu vomumugove wake vachigamuchira here? Kuparidza kwake kwakabudirira sei? Chinyorwa chinoshamisa chebhuku raJona chinopindura iyi mibvunzo. Zvakanyorwa panguva apo rudzi rwakasarudzwa rwaJehovha rwakanga rwaputsa sungano naye uye rwawira mukunamata zvidhori kwechihedheni, chinyorwa chouporofita chinoratidza kuti ngoni dzaMwari hadzina kuganhurirwa kurudzi rumwe rupi norupi, kwete kunyange kuna Israeri. Uyezve, chinokudza ngoni huru dzaJehovha nomutsa worudo, mukupesana nokushayiwa ngoni, shiviriro, uye kutenda zvinowanzocherekedzwa kwazvo mumunhu asina kukwana.
2. Chii chinozivikanwa pamusoro paJona, uye akaporofita munenge mugore ripi?
2 Zita rokuti Jona (chiHebheru, Yoh·nahʹ) rinoreva “Njiva.” Akanga ari mwanakomana womuporofita Amitai weGati-heferi muGarirea munyika yaZebhuruni. Pana 2 Madzimambo 14:23-25 tinorava kuti Jerobhoami mambo waIsraeri akatambanudza muganhu worudzi maererano neshoko iro Jehovha akataura kupfurikidza naJona. Ikoku kungaisa nguva yokuporofita kwaJona munenge muna 844 B.C.E., gore rokuva mambo kwaJerobhoami II waIsraeri uye makore akawanda Asiria, nedzimbahwe rayo paNinevhe, isati yatonga Israeri.
3. Chii chinobvumikisa nhoroondo yaJona kuva yechokwadi?
3 Hapana kupanikira kuti nhoroondo yose yaJona ndeyechokwadi. “Mukwanisi wokutenda kwedu, Jesu,” akanongedzera kuna Jona somunhu chaiyeiye uye akapa dudziro yakafuridzirwa yezviviri zvezviitiko zvouporofita zviri mubhuku raJona, nokudaro achiratidza bhuku racho kuva rine uporofita hwechokwadi. (VaH. 12:2, NW; Mat. 12:39-41; 16:4; Ruka 11:29-32) Bhuku raJona ranguve richiiswa navaJudha pakati pamabhuku avo omundaza yamanyoro matsvene uye rinorangarirwa navo serenhau. Uchokwadi hwaJona amene mukurondedzera mhosho dzake noutera, pasina kuedza kupi nokupi kwokudzifukidza, kunoratidzirawo chinyorwa chacho sechechokwadi.
4. Rudzii rwehove rungave rwakamedza Jona? Bva, chii chakaringana nokuda kwamashoko edu?
4 Zvakadiniko ne“hove huru” iyo yakamedza Jona? Pave pane kufungidzira kwakati pamusoro pokuti iyi ingave yaive iri rudzii rwehove. Sperm whale inokwanisa zvikuru kumedza munhu wose. Ndozvinoitawo white shark huru. Bhaibheri, kunyange zvazvo zvakadaro, rinongoti: “Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona.” (Jona 1:17) Rudzi rwehove yacho harutaurwi. Hakugoni kuzivikanwa nouchokwadi kana yaiva sperm whale, white shark huru, kana kuti chimwe chisikwa chakati chomugungwa chisingadudzwi.a Chinyorwa cheBhaibheri chokuti yakanga iri “hove huru” chakakwana nokuda kwamashoko edu.
ZVIRI MUBHUKU RAJONA
5. Jona anoita sei kumugove wake, uye nomugumisiroi?
5 Jona anogoverwa kuNinevhe asi anotiza (1:1-16). “Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti: Simuka, uende Ninevhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.” (1:1, 2) Jona anofarira uyu mugove here? Nyangwe napaduku pose zvapo! Anotizira murumwe rutivi, achikwira chikepe chinoenda Tarshishi, sezvinobvira inofananidzwa neSpain. Chikepe chaJona chinosangana nedutu guru. Mukutya vafambisi vechikepe vanodana nokuda kweyamuro, “mumwe nomumwe akadana kuna mwari wake,” apo Jona anovata mukati-kati mechikepe. (1:5) Pashure pokumutsa Jona, vanokanda mijenya mukuedza kuwana anoparira mamiriro avo ezvinhu. Mujenya unobata Jona. Ndizvino apo iye anozivisa kwavari kuti iye muHebheru, munamati waJehovha, uye kuti iye ari kutiza basa rake rakapiwa naMwari. Anovakumbira kumukandira mugungwa. Pashure pokuita dzimwe nhamburiko kuti vasvitse chikepe panyika, ivo pakupedzisira vanokandira Jona kunze kwechikepe. Gungwa rinorega kupenga kwaro.
6. Chii chiri chinoitika chaJona ne“hove huru”?
6 Anomedzwa ne“hove huru” (1:17–2:10). “Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.” (1:17) Anonyengetera nesimba kuna Jehovha ari mukati mehove. “Ndakadana ndiri mudumbu reSheori” anodana nokuda kwebetsero uye anozivisa kuti acharipa zvaakapika, nokuti “ruponeso runobva kuna Jehovha.” (2:2, 9) Pakurayira kwaJehovha, hove inorutsira Jona panyika yakaoma.
7. Kuparidza kwaJona muNinevhe kunobudirira sei?
7 Kuparidza muNinevhe (3:1–4:11). Jehovha anomutsidzira murayiro wake kuna Jona. Jona haasati achanzvengazve mugove wake, asi anoenda Ninevhe. Ikoko anofamba mumigwagwa yeguta achidanidzira, kuti: “Kwasara mazuva ana makumi mana, ipapo Ninevhe richaparadzwa.” (3:4) Kuparidza kwake kunobudirira. Kupfidza kunopararira muNinevhe yose, uye vanhu vayo vanovamba kutenda Mwari. Mambo anozivisa kuti munhu nemhuka vanofanira kutsanya ndokupfeka masaga. Jehovha anoponesa guta racho nengoni.
8. Jona anoita sei kukuratidzira kwaJehovha ngoni paguta, uye Jehovha anoratidzira sei kuchinja-chinja kwomuporofita?
8 Ikoku kunopfuura zvinogona kutsungirira Jona. Anoudza Jehovha kuti nguva yose aiziva kuti Iye aizonzwira ngoni uye ndokusaka akatizira Tarshishi. Anoshuva kuti kudai afa hake. Aodzwa mwoyo kwazvo, Jona anovaka musasa kumabvazuva kweguta ndokumirira kuti aone chichaitika. Jehovha anorayira mupudzi kuti ukure somumvuri pamusoro pomuporofita ane chiramwa. Kufarira kwaJona ikoku ndokwenguva pfupi. Mangwanani akatevera Jehovha akarayira gonye kumunya mupudzi, zvokuti dziviriro yawo inozorodza inotsiviwa nokuratidzwa kumhepo inopisa yokumabvazuva nezuva rinopisa kwazvo. Zvakare Jona anoshuva kuti kudai aigona kufa hake. Nenzira yokuzviruramisa anoruramisa kutsamwa kwake. Jehovha anoratidza kuchinja-chinja kwake: Jona akanzwira urombo mupudzi mumwe asi atsamwa nemhaka yokuti Jehovha zvino anonzwira urombo guta guru reNinevhe.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
9. Chimiroi chendangariro nenzira zvaJona zvinofanira kuva senyevero kwatiri?
9 Chiito chaJona nomugumisiro wacho zvinofanira kuva senyevero kwatiri. Akatiza basa rakapiwa naMwari; aifanira kuva akaita basa ndokuvimba naMwari kuti amutsigire. (Jona 1:3; Ruka 9:62; Zvir. 14:26; Isa. 6:8) Apo akaenda murutivi rusina kururama, akaratidza chimiro chendangariro chakaipa mukukundikana kuzvizivisa amene norusununguko kuvafambisi vechikepe somunamati wa“Jehovha Mwari wamatenga.” Akanga arasikirwa noushingi hwake. (Jona 1:7-9, NW; VaEf. 6:19, 20) Udyire hwaJona hwakamutungamirira kurangarira ngoni dzaJehovha kuNinevhe sokuzvidzwa kwomunhu oga; akaedza kuzvisimbisa kupfurikidza nokuudza Jehovha kuti akanga achiziva nguva yose kuti uyu ndiwo waizova mugumisiro—naizvozvo akamutumirei somuporofita? Akatsiurwa nokuda kweichi chimiro chendangariro chokuzvidza, chokunyunyuta, naizvozvo tinofanira kubetserwa nechinoitika chake ndokurega kuwanira mhaka kunzwira ngoni kwaJehovha kana kuti nzira yake yokuita nayo zvinhu.—Jona 4:1-4, 7-9; VaF. 2:13, 14; 1 VaK. 10:10.
10. Mutsa worudo nengoni zvaJehovha zvinoenzaniswa sei mubhuku raJona?
10 Chinokosha kupfuura chinhu chiri chose zvacho mubhuku raJona ndiko kuratidzira kwaro mavara akaisvonaka omutsa worudo waJehovha nengoni. Jehovha akanzwira mutsa worudo kuNinevhe mukutumira muporofita wake kundonyevera kuparadza kwoswedera, uye akanga akagadzirira kunzwira ngoni apo guta rakapfidza—ngoni dzakabvumidza Ninevhe kugara makore anopfuura 200 kutozosvikira pakuparadzwa kwaro navaMedhia navaBhabhironi munenge muna 632 B.C.E. Akanzwira ngoni Jona mukumununura mugungwa rakabvongodzwa nedutu uye mukugovera mupudzi kuti amu“nunure pamugariro wake une ngwavaira.” Kupfurikidza nokugovera mupudzi unodzivirira dzokonokei oubvisa, Jehovha akazivisa kuna Jona kuti Iye achanzwira ngoni nomutsa worudo maererano nefariro Yake amene yakanaka.—Jona 1:2; 3:2-4, 10; 2:10; 4:6, NW, 10, 11.
11. Chii chiri “chiratidzo chaJona”?
11 Pana Mateo 12:38-41 (NW), Jesu akaudza vatungamiriri vorudzidziso kuti chiratidzo bedzi chavaizopiwa chakanga chiri “chiratidzo chaJona.” Pashure pamazuva matatu nousiku hutatu ari mu“dumbu reSheori,” Jona akaenda ndokuparidza kuNinevhe, nokudaro achiva “chiratidzo” kuvaNinevhe. (Jona 1:17; 2:2; 3:1-4) Nenzira yakafanana, Jesu akapedza mativi amazuva matatu ari muguva uye akamutswa. Apo vadzidzi vake vakazivisa ufakazi hwechiitiko ichecho, Jesu akava chiratidzo kuchizvarwa ichecho. Maererano nomutoo wechiJudha wokupima nawo nguva namaidi mukuzadzika kwechiitiko chaJesu, iyi nhambo ya“mazuva matatu nousiku hutatu” inobvumira mazuva asingasviki matatu akazara.b
12. (a) Jesu anotaureizve pamusoro pavaNinevhe navaJudha vechizvarwa chake? (b) “Mukuru kuna Jona” akaoneka sei, ane batanoi noUmambo hwaJehovha noruponeso?
12 Mukurukurirano imwe cheteyi, Jesu anosiyanisa rupfidzo rwavaNinevhe nokuoma mwoyo nokuramba chaikoiko kwaakawana muvaJudha mukati moushumiri hwake amene, achiti: “Varume ve[Ninevhe] vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kuna Jona uri pano.” (Onawo Mateo 16:4 naRuka 11:30, 32.) “Mukuru kuna Jona.”—Jesu akarevei naaya mashoko? Akanga achinongedzera kwaari amene somuporofita mukurusa kupfuura vose, Uyo akatumwa naJehovha kuzoparidza, achiti: “Pfidzai, imi vanhu, nokuti umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.” (Mat. 4:17, NW) Kunyange zvazvo zvakadaro, vaJudha vazhinjisa vechizvarwa ichecho vakaramba “chiratidzo chaJona.” Zvakadiniko nhasi? Kunyange zvazvo vazhinjisa vasiri kutetekera shoko raJehovha renyevero, zviuru zvakawanda munyika yose zviri kuva nomukana wakaisvonaka wokunzwa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakatanga kuparidzwa naJesu, “Mwanakomana womunhu.” SavaNinevhe vakapfidza, vakakomborerwa kupfurikidza nokuparidza kwaJona, avawo vangagoverana mugadziriro huru neyengoni yaJehovha nokuda kwoupenyu husingagumi, nokuti zvirokwazvo “ruponeso runobva kuna Jehovha.”—Jona 2:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Insight on the Scriptures, Vhor. 2, mapeji 99-100.
b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 593.